RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 8/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Ungaziva Sei Kunamata Kwechokwadi?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Mashoko Api Anofadza Pamusoro Pechitendero?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Ungaziva Sei Kunamata Kwechokwadi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 8/1 p. 16
Zvapupu zvaJehovha zvinobva mumarudzi akasiyana-siyana zviri kushamwaridzana paImba yeUmambo

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Zvitendero zvose zvinofadza Mwari here?

Pawaiteerera nhau dzemunyika yose, zvichida wakaona kuti dzimwe nguva vanhu vanoita zvakaipa vachihwanda nechitendero. Hazvisi zvitendero zvose zvinofadza Mwari wechokwadi. (Mateu 7:15) Zvechokwadi vanhu vakawanda vari kutsauswa.—Verenga 1 Johani 5:19.

Kunyange zvakadaro, Mwari anofunga nezvevanhu vanoda chokwadi uye vanoda kuita zvakanaka. (Johani 4:23) Mwari ari kukoka vanhu vakadaro kuti vadzidze chokwadi chiri muShoko rake, Bhaibheri.—Verenga 1 Timoti 2:3-5.

Ungaziva sei chitendero chechokwadi?

Jehovha Mwari ari kubatanidza vanhu vakabva muzvitendero zvakasiyana-siyana nekuvadzidzisa chokwadi uye kudanana. (Mika 4:2, 3) Saka unogona kuona vari muchitendero chechokwadi nemabatiro avanoita vamwe vanhu.—Verenga Johani 13:35.

Jehovha Mwari ari kuita kuti vanhu vemarudzi ose vabatane achishandisa kunamata kwechokwadi.—Pisarema 133:1

Vanamati vechokwadi vanoita kuti zvavanotenda uye mararamiro avo zvienderane nezviri muBhaibheri. (2 Timoti 3:16) Vanokudzawo zita raMwari. (Pisarema 83:18) Uye vanotsigira kuti Umambo hwaMwari ndihwo huchapedza matambudziko evanhu. (Dhanieri 2:44) Vanotevedzera Jesu nokuita kuti ‘chiedza chavo chivheneke,’ vachiitira vavakidzani vavo zvakanaka. (Mateu 5:16) Naizvozvo, vaKristu vechokwadi vanozivikanwa nekushanyira vavakidzani vavo kuti vavaudze mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.—Verenga Mateu 24:14; Mabasa 5:42; 20:20.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 15 chebhuku iri, rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Rinowanikawo pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe