Zviri Mukati
3 Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuGhana
VHIKI YAAUGUST 29, 2016–SEPTEMBER 4, 2016
Jesu akatidzidzisa kuti ‘titange kutsvaka umambo,’ kwete zvinhu. Tingadzivisa sei muedzo wekunyanya kuda pfuma toita kuti tisava nezvakawanda muupenyu hwedu kuitira kuti tikwanise kuita zvinhu zvinokosha zvine chekuita nekunamata? Funga nezvemashoko anokurudzira akataurwa naJesu muchikamu cheMharidzo yake yepaGomo ari pana Mateu 6:25-34.
VHIKI YASEPTEMBER 5-11, 2016
13 Nei Tichifanira ‘Kuramba Takarinda’?
SevaKristu, tinofanira kukoshesa zano raJesu rekuti ‘tirambe takarinda’ mumazuva ano ekupedzisira. (Mat. 24:42) Kuti tiite izvozvo, tinofanira kungwarira zvinhu zvinogona kuita kuti tisaramba takamuka uye takangwarira kuuya kwaJesu. Nyaya ino inotaura kuti tingadzivisa sei kuvhiringidzwa pakurinda kwedu.
18 “Usatya. Ini Ndichakubatsira”
VHIKI YASEPTEMBER 12-18, 2016
21 Kuonga Mutsa Usina Kukodzera Kuwanwa waMwari
VHIKI YASEPTEMBER 19-25, 2016
26 Paridza Mashoko Akanaka Omutsa Usina Kukodzera Kuwanwa
Nyaya mbiri idzi dzinoongorora kubatsirwa kwatinoitwa munzira dzakawanda nemutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha. Dzinotaurawo kuti nei kuonga kwatinoita rudo rwatinoratidzwa kuchifanira kuita kuti tide kuzivisa vamwe kuti vanogonawo kubatsirwa sei nemutsa waJehovha.