RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 1 p. 4
  • Ndingaita Sei Kuti Nditange?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kuti Nditange?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Ungaita Sei Kuti Unyatsobatsirwa neBhaibheri?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Shingairira Kuverenga
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Nzira Yokurava Nayo Ndokuyeuka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 1 p. 4

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAUNGAITA KUTI UBATSIRWE NEBHAIBHERI

Ndingaita Sei Kuti Nditange?

Mukadzi ari kunyengetera asati averenga Bhaibheri

Ungaita sei kuti unakidzwe uye unyatsobatsirwa nekuverenga Bhaibheri? Verenga unzwe zvinhu 5 zvakabatsira vakawanda.

Nzvimbo yauchaverengera. Tsvaga nzvimbo yakanyarara. Ita kuti pasava nezvinhu zvinokuvhiringidza. Verengera pane chiedza chakakwana uye panofefetera mhepo. Izvi zvichaita kuti unyatsonzwisisa zvaunoverenga.

Iva munhu anoda kudzidza. Sezvo Bhaibheri richibva kuna Baba vedu vekudenga, kana ukaita sezvinoita mwana anoda kudzidziswa nemubereki wake, uchabatsirwa nezvaunoverenga. Kana uine mamwe mafungiro asina kunaka nezveBhaibheri, edza kuabvisa woita kuti Mwari akudzidzise.​—Pisarema 25:4.

Nyengetera usati watanga kuverenga. Bhaibheri rine pfungwa dzaMwari, saka tinotoda kubatsirwa naye kuti tirinzwisise. Mwari anovimbisa kuti achapa mweya mutsvene kune vaya vanomukumbira. (Ruka 11:13) Mweya mutsvene unogona kukubatsira kunzwisisa mafungiro aMwari. Nekufamba kwenguva, uchakubatsira kunzwisisa “kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.”​—1 VaKorinde 2:10.

Verenga kuti unzwisise. Usaverenga zvekuti ungopedza. Nyatsodzamisa pfungwa pane zvauri kuverenga. Zvibvunze kuti: ‘Munhu wandiri kuverenga nezvake ane unhu hwakaita sei? Zvandiri kuverenga izvi ndingazvishandisa sei muupenyu?’

Iva nezvinangwa. Kuti zvaunoverenga zvikubatsire, verenga nechinangwa chekuti udzidze chimwe chinhu. Unogona kuzviudza kuti: ‘Ndinoda kuziva zvakawanda pamusoro paMwari.’ ‘Ndinoda kuva munhu akanaka, murume akanaka kana kuti mudzimai akanaka.’ Zvadaro, chitsvaga zvikamu zveBhaibheri zvichakubatsira kuita izvozvo.a

Mazano 5 ataurwa aya achakubatsira kuti utange kuverenga Bhaibheri. Asi zvii zvaungaita kuti kuverenga kwacho kuwedzere kunakidza? Nyaya inotevera inotaura zvaungaita.

a Kana usinganyatsozivi kuti ndezvipi zvikamu zvacho zveBhaibheri zvinoenderana nenyaya dzaunoda, unogona kukumbira Zvapupu zvaJehovha kuti zvikubatsire.

ITA KUTI ZVAUNOVERENGA ZVIKUBATSIRE

  • Usaverenga uchimhanya

  • Dzamisa pfungwa pane zvaunoverenga, uye ita seuri kuona zviri kutaurwa

  • Edza kuona kuti zviri kutaurwa zviri kubatana papi nenyaya yacho yese

  • Tsvaga zvidzidzo pane zvaunoverenga

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe