Zviri Mukati
3 Ndakabatsirwa Nekufamba Nevanhu Vakachenjera
VHIKI YAMAY 1-7, 2017
8 Ipa Rukudzo Kune Vakakodzerwa Narwo
VaKristu vanofanira kukudza uye kuremekedza vamwe. Munyaya ino tichadzidza kuti ndivanaani vatinofanira kukudza uye kuti nei vachikodzera kukudzwa. Tichaonawo kuti kukudza vamwe kwakanakirei.
VHIKI YAMAY 8-14, 2017
13 Ratidza Kutenda—Ita Zvisarudzo Nekuchenjera
Bhaibheri rinoratidza kuti hatifaniri kuva vanhu vasina kutsiga, vasingakwanisi kuita zvisarudzo. Asi nei tichifanira kusarudza nekuchenjera? Chii chichatibatsira kuita izvozvo? Uye dzimwe nguva tinofanira kuchinja chisarudzo chatinenge takaita here? Nyaya ino ichatibatsira kupindura mibvunzo iyoyo.
VHIKI YAMAY 15-21, 2017
18 Shumira Jehovha Nemwoyo Wakakwana!
VHIKI YAMAY 22-28, 2017
23 Mwoyo Wako Uchabatsirwa Nezvinhu Zvakanyorwa Here?
Tose tinokanganisa nekuti tine chivi. Asi izvozvo zvinoreva kuti hatikwanisi kufadza Jehovha here? Munyaya mbiri idzi, tichakurukura mienzaniso yemadzimambo mana aJudha uye zvikanganiso zvaakaita, zvimwe zvacho zvainge zvakakura chaizvo. Asi Jehovha akati madzimambo iwayo aiva nemwoyo yakakwana kwaari. Mwari achatiwo tine mwoyo yakakwana kwaari here pasinei nezvikanganiso zvatinoita?
28 Kuva Shamwari Yakanaka Ushamwari Pahunenge Hwava Kuparara