Zviri Mukati
3 Nyaya Youpenyu—Kuita Zvaunoudzwa naJehovha Kunounza Makomborero
VHIKI YANOVEMBER 27, 2017–DECEMBER 3, 2017
7 ‘Dananai Nemabasa Nechokwadi’
VaKristu vechokwadi vanozivikanwa nekudanana zvechokwadi. Nyaya ino ichakurukura nzira 9 dzatingaratidza nadzo rudo “rusina unyengeri.”—2 VaK. 6:6.
VHIKI YADECEMBER 4-10, 2017
12 Chokwadi Hachiunzi “Rugare, Asi Bakatwa”
Kupikiswa kunoitwa chokwadi neveukama vasingatendi kunogona kuita kuti vanhu vaJehovha vaomerwe neupenyu. Munyaya ino, tichadzidza kuti tingaita sei nematambudziko anokonzerwa nekupikiswa nevemumhuri.
17 Josefa wekuArimatiya Anotsigira Chokwadi
VHIKI YADECEMBER 11-17, 2017
21 Zvakaratidzwa Zekariya Zvinokubatsira Sei?
VHIKI YADECEMBER 18-24, 2017
26 Ngoro Nekorona Zvinokuchengetedza
Nyaya idzi dzinokurukura zvakaratidzwa Zekariya pechi6, pechi7 uye pechi8. Chiratidzo chechi6 nechechi7 zvichatibatsira kuti tikoshese ropafadzo yatiinayo yekushumira tiri musangano raMwari rakachena. Chiratidzo chechi8 chichatidzidzisa kuti Jehovha anodzivirira sei vanamati vake kuti vanamate muchokwadi.