Zviri Mukati
VHIKI YADECEMBER 31, 2018–JANUARY 6, 2019
3 “Tenga Chokwadi Urege Kuchitengesa”
VHIKI YAJANUARY 7-13, 2019
8 “Ndichafamba Muchokwadi Chenyu”
Nyaya mbiri idzi dzichatikurudzira kuti tikoshese chokwadi chaJehovha icho chinokosha chaizvo. Chokwadi ichi chinokosha kupfuura chero chii chatingarasikirwa nacho kuti tichiwane. Nyaya idzi dzichataurawo zvatingaita kuti tirambe tichiona chokwadi sepfuma inokosha uye kuti tisamborasikirwa nechokwadi chatakadzidziswa naJehovha kana kuchichinjanisa nechimwe chinhu.
VHIKI YAJANUARY 14-20, 2019
Bhuku raHabhakuki rinotiratidza zvatingaita kuti tirambe tichivimba naJehovha patinenge tiri mumatambudziko. Nyaya ino ichatibatsira kuona kuti kunyange kutambura, miedzo kana marwadzo edu zvikawedzera, Mwari achatinunura nekuti tinovimba naye.
VHIKI YAJANUARY 21-27, 2019
18 Ndiani Anoumba Mafungiro Ako?
VHIKI YAJANUARY 28, 2019–FEBRUARY 3, 2019
23 Uri Kuita Kuti Mafungiro aJehovha Avewo Ako Here?
Patinokura pakunamata, tinotanga kuona kuti mafungiro aJehovha akakwirira kupfuura edu. Nyaya mbiri idzi dzichatsanangura kuti tingadzivisa sei kuumbwa nenyika toita kuti mafungiro edu aenderane neaJehovha.
28 Mutsa—Unhu Hunoratidzwa Nezvatinotaura Nezvatinoita