Kuziva Mwari Kunokubatsirei?
Iye zvino tava kunzwisisa mhinduro yemubvunzo wekuti, Mwari unomuziva here? Kubva muBhaibheri, taona kuti zita rake ndiJehovha uye kuti ane rudo. Taonawo zvinhu zvakanaka zvaakaita uye zvaachaitira vanhu. Pachiine zvakawanda zvekudzidza nezvaMwari, asi zvimwe unogona kuzvibvunza kuti kumuziva kune zvakunondibatsira here.
Jehovha anoti: “Kana ukamutsvaka, achaita kuti umuwane.” (1 Makoronike 28:9) Paunotsvaga uye paunosvika pakuziva Mwari uchava ‘shamwari yake yepedyo.’ (Pisarema 25:14) Zvii zvauchawana kana ukava shamwari yake?
Mufaro wechokwadi. Bhaibheri rinoti Jehovha ‘ndiMwari anofara.’ (1 Timoti 1:11) Kuva pedyo naye uye kutevedzera zvaanokuudza kuchaita kuti uwane mufaro wechokwadi uye uve nerugare rwepfungwa. (Pisarema 33:12) Uchakwanisa kusiya mararamiro akaipa, wova neunhu hwakanaka uye wogarisana nevamwe zvakanaka. Uchaona kuti zvakataurwa nemunyori wepisarema ndezvechokwadi paakati: “Kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira.”—Pisarema 73:28.
Mwari achakuchengeta. Jehovha akavimbisa vashumiri vake kuti: “Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.” (Pisarema 32:8) Izvi zvinoratidza kuti Jehovha ane hanya nemushumiri wake mumwe nemumwe uye anomupa zvaanonyatsoda. (Pisarema 139:1, 2) Paunova shamwari yaJehovha, uchaona kuti achakubatsira nguva dzose.
Ramangwana rakajeka. Kunze kwekungokuvimbisa mufaro uye upenyu hunogutsa iye zvino, Jehovha Mwari ari kukurongera ramangwana rakajeka. (Isaya 48:17, 18) Bhaibheri rinoti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Munguva dzino dzakaoma, tariro yatinopiwa naMwari inoshanda sechinhu chinotitsigisa kuti tirambe tiine ‘chokwadi uye takasimba.’—VaHebheru 6:19.
Tangokurukura zvikonzero zvishoma zvekuti nei tichifanira kuziva Mwari uye kuva pedyo naye. Asi kana uchida kunzwa zvimwe unogona kukurukura neZvapupu zvaJehovha kana kuenda pawebsite yedu inonzi jw.org.