“Muchavengwa Namarudzi Ose”
1 Mumakore achangobva kupfuura aya tose zvedu takafara kunzwa mishumo inofadza pamusoro pezvikomborero zvinoshamisa zvakawanwa navanhu vaJehovha munyika yose. Kunyoreswa pamutemo kwebasa muMalawi pashure pamakore 26 edzvinyiriro youtsinye kwakatibudisira misodzi yomufaro. Takatura befu apo takapupurira kuwa kwechiKomonizimu chisina umwari muEastern Europe uko kwakaguma nokusunungurwa kwezviuru chaizvoizvo zvehama dzedu mujoko racho rinodzvinyirira. Takatarira neitiro hanya yokutya sezvo rusununguko rwedu rwokunamata rwakadenhwa muGirisi; takafadzwa apo takawana rukundo rukuru mudare rapamusoro zvikurusa muEurope. Takafadzwa kunzwa mishumo pamusoro pefutunuko yomwero mukuru yamapazu eSosaiti ayo akabvirisa kugadzirwa kwezvitsama zvikuru zvamabhuku nokuda kwavatsvaki vezvokwadi. Hapana zvataigona kuita kunze kwokushamiswa apo takanzwa kuti vanopfuura 7 400 vakabhapatidzwa pakokorodzano muKiev, Ukraine. Hungu, idzi fambiro mberi dzinoshamisa mubasa roUmambo dzakawedzera mufaro wedu!
2 Nepo chisakiso chedu chokufara chiri chikuru, tinofanira kudzivisa kuva vanonyanyofadzwa. Nhevedzano yemishumo yakanaka ingagona kutisakisa kugumisa kuti chishoro kumashoko akanaka chiri kuparadzika uye kuti vanhu vaJehovha vari kugamuchirwa munyika yose. Kufunga kwakadaro kunogona kuva kunonyengera. Nepo takawana rukundo runogutsa ndokuwana mwero wakati webudiriro mukuderedza mhinganidzo kumashoko akanaka munyika dzakati, hatifaniri kukanganwa kuti ukama hwedu hukuru nenyika hunoramba husingachinji. Savateveri vaJesu, hati“sati tiri venyika.” Savakadaro, tine chokwadi choku“vengwa namarudzi ose.” (Johane 15:19; Mat. 24:9) Chero bedzi tsika ino yezvinhu iripo, hapana chinhu chichachinja mutemo mukuru wokuti “vose vanoda kunamata Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa.”—2 Tim. 3:12.
3 Nhau inopupurira uzvokwadi hweiyi nyevero. Nepo Jesu, Muvambi wechiKristu, akapa chipupuriro chinoshamisa pamberi pavatongi vane simba navadzorwi vavo, akatambura kubatwa zvisina kufanira kwezuva nezuva uye akanga ari mungozi yenguva dzose yokuurawa. Kunyange zvazvo vaapostora vake vakabetsera vakawanda kuva vadzidzi, vakagoverana mukunyora Magwaro echiKristu echiGiriki, uye vakaratidzira zvipo zvenenji zvomudzimu, vakavengwawo nokubatwa zvisina kufanira. Pasinei zvapo nomufambiro wawo wakanaka nokuda muvakidzani, maKristu ose airangarirwa nevoruzhinji se“sekete” rinozvidzwa rai‘rambwa kunzvimbo iri yose.’ (Mabasa 28:22) Nepo ungano yechiKristu yenyika yose nhasi yakashandiswa naJehovha munzira inoshamisa kuita kuda kwake, yave ichishorwa nguva dzose uye yakazvidzwa nesangano riri rose retsika ino yakaipa yezvinhu. Hakuna chikonzero chokukarira chishoro ichocho kuguma.
4 Muzana rokutanga ramakore, Satani akatambudza vadzidzi vaJesu munzira dzakasiana-siana. Vashori vanovenga vakataura nhema chaidzo dzaivakwenengera. (Mabasa 14:2) Kwakanga kune tyisidziro dzokurura mukuedza kuvatyisa. (Mabasa 4:17, 18) Mapoka akatsamwa akaedza kuvanyaradza. (Mabasa 19:29-34) Vakaiswa mutorongo pasina chisakiso chakarurama. (Mabasa 12:4, 5) Vatambudzi kazhinji kazhinji vaitendeukira kukurova. (Mabasa 14:19) Muzvimwe zvinoitika vasina mhaka vaipondwa namaune. (Mabasa 7:54-60) Muapostora Pauro akatsungirira pachake zvinodokuva zvimiro zvose izvozvi zvokubatwa zvisina kufanira. (2 VaK. 11:23-27) Vashori vakakurumidza kushandisa banza ripi neripi rokudzongonyedza basa rokuparidzira nokutambudza ava vashandi vakatendeka.
5 Nhasi Satani ari kushandisa mitoo yakafanana. Nhema chaidzo dzakataurwa, dzichitiratidzira zvenhema nhema sesekete risina kururama kana kuti kasangano. Munyika dzakati, zviremera zvakati mabhuku edu anoparadza uye zvakaarambidza. Kuremekedza kwedu kuyera kweropa kwakanyombwa pachena uye kwakadenhwa. Muma 1940, nyongori dzakatsamwa dzakashatirwa pamusoro penhau yokukwazisa mureza dzakadenha hama dzedu, dzakakuvadza, uye dzakaparadza zvinhu zvadzo. Zviuru zvakaendeswa kutorongo pamusoro penhau yokusatora rutivi. Munyika dzoudzvinyiriri hama dzedu dzakapomerwa zvenhema nhema kuva dzinopandukira, kuchiguma nokutambudzwa zvakakomba nokuurawa kwamazana mumatorongo nomumisasa yechibharo. Dzvinyiriro yave iri isingaperi, ichiratidza nenzira yakajeka kuti tiri vanyajambwa voruvengo pasina chisakiso chakarurama.—Ona Proclaimers, ganhuro 29.
6 Chii Chine Nguva Yemberi? Nepo vanhu vaJehovha vangawana budiriro nguva nenguva yokubvisa dzvinyiriro murutivi rwakati rwenyika, mugariro wose zvavo unoramba uri mumwe chetewo. Dhiabhorosi anopfuurira kutsamwira kuderedzwa kwake muna 1914. Iye anoziva kuti nguva yake ipfupi. Hasha dzake dzine chokwadi chokuwedzera sezvo dambudziko guru rinoswedera pedyo. Akabatikana chose chose muhondo yake yokurwisana naMambo akagadzwa pachigaro choUmambo, Kristu Jesu, uye akatsunga kurwa kusvikira kumugumo. Iye namadhemoni ake vanogona kuratidzira kutsamwa kwavo bedzi pavanhu vaJehovha vari pasi pano, avo vano“chengeta [nenzira yokutendeka] mirairo yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.”—Zvak. 12:12, 17, NW.
7 Naizvozvo sezvatinotarira kunguva yemberi, tinofanira kuva vapachokwadi mune zvokukarira. Hapana chikonzero chokufunga kuti Dhiabhorosi acharega kana kuti kutera. Kuvengwa kwedu kwaakaisa munyika ino kunogona kutanga panguva ipi neipi uye munzvimbo ipi neipi. Munyika dzakawanda rusununguko rwedu rwokuparidzira rwakawanwa bedzi pashure pokurwisa kwenguva refu. Rusununguko irworwo rungava rusina kusimba, rwakachengetwa bedzi nomutongi anonzwira urombo wazvino kana kuti mutemo usina kukurumbira. Kumukira kunoshamisa kunogona kuitika kamwe kamwe, kuchiunza nyongano nokushatiswa kwoupengo kwamaruramiro avanhu.
8 Kubudirira kwazvino norusununguko zvatinofarikanya mudzimwe nyika kungagona kuguma kamwe kamwe, kuchiisa hama dzedu kukubatwa zvisina kufanira kumwe cheteko kwadzakatambura munguva yakapfuura. Hatitsungi kuzvibvumira timene kunyengerwa kupinda mumudzimu wokusakendenga kana kuti kusaitira hanya, tichifunga kuti vavengi vedu vakurirwa. Ruvengo rwenyika ino rungasaratidzirwa zvizere nguva dzose, asi runoramba ruri rukuru. Chinhu chiri chose chiri muShoko raMwari chinoratidza kuti chishoro chenyika chichakura panzvimbo pokuderera sezvo mugumo unosvika. Naizvozvo tinofanira kurinda, tichizviratidza timene kuva “vakachenjera senyoka asi tiri vasina mhaka senjiva.” (Mat. 10:16) Tinofanira kuziva uti tichava no“kurwa kwakaoma” kusvikira kumugumo chaiko, uye tsungiriro ndiyo chinokosha kukupukunyuka kwedu.—Judhasi 3, NW; Mat. 24:13.
9 Murutivi rwenyika kwatinogara, basa ringave riri kubudirira pasina mhinganidzo ipi neipi inocherekedzwa inoitwa navashori. Ikoku kungagona kutiita kuti tive vanopanikira pamusoro pokuvapo kwechisakiso chipi nechipi cheitiro hanya yakakomba. Kunyanguvezvo, kune kudikanwa kwokusvinurira. Migariro inogona kuchinja nokukurumidza. Pasina nyevero, vashori vanogona kushandisa nhau yakati ndokuishandisa mukurwisana nesu. Vawi pakutenda nguva dzose vanotsvaka chisakiso chakati chenyunyuto. Vafundisi vakatsamwa vanonzwa vachityisidzirwa nebasa redu vangatizvidza pachena. Rongedzero dzedu dzokuvaka Horo yoUmambo munzanga yedu dzingatanga gakava rinonyandura nharaunda yose. Kutaura kunonyandura kungaoneka kwakatsikirirwa, kuchitipa mukurumbira wakaipa. Vanhu vomunzvimbomo vakatanhamara vangatikwenengera noune, vachiparira vavakidzani vedu kuva vane utsinye apo tinoshanya. Kunyange vadiwa vari mumhuri yedu timene vangava nepfunde pfunde ndokutitambudza. Naizvozvo kune kudikanwa kwokungwarira, tichiziva kuti ruvengo rwenyika rupenyu zvikuru kwazvo, uye runogona kuoneka panguva ipi neipi.
10 Ikoku Kunofanira Kutitapura Sei? Kwose ikoku kunotapura nenzira yakarurama kufunga kwedu nomurangariro wedu nokuda kwenguva yemberi. Munzirai? Kunofanira kuita kuti tive vanofunganya, vanotya pamusoro pezvatingafanira kutsungirira here? Tinofanira kuderera mubasa redu rokuparidzira nemhaka yokuti vamwe munzanga yedu vangavhiringidzwa naro here? Kune chikonzero chakanaka chokunzwa tichitsamwiswa apo tinonyombwa nenzira isina kururama here? Hakudzivisiki here kuti kubatwa nehasha kuchatitorera mufaro wedu mukubatira Jehovha? Kune kusava nechokwadi kupi nokupi here pamusoro pomuuyo wacho? Aiwa, nyangwe! Zvokona neiko?
11 Hatitongofaniri kukanganwa idi rokuti shoko ratinozivisa rinobva, kwete kwatiri, asi kuna Jehovha. (Jer. 1:9) Tinosungirwa kuteerera zano, rokuti: “Paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu . . . panyika yose.” (Isa. 12:4, 5) Akashivirira kubatwa zvisina kufanira kwavanhu vake nokuda kwedonzo rakati, ndiko kuti, ‘kuita kuti zita rake riziviswe mupasi rose.’ (Eks. 9:16) Tiri kuita basa rakarairwa naJehovha, uye ndiye uyo anotipa ushingi hwokutaura zvinonzwika noushingi. (Mabasa 4:29-31) Irori ibasa rinokosha, rinobetsera uye rokukurumidzira zvikurusa rinogona kuitwa muaya mazuva okupedzisira etsika yakare.
12 Iyi zivo inotipa ushingi hwokuva nechimiro chakasimba muchishoro chakananga kuna Satani nenyika ino. (1 Pet. 5:8, 9) Kuziva kuti Jehovha anesu kunoita kuti tive “vane ushingi navakasimba,” mukudzinga chisakiso chipi nechipi chorutyo pamberi pavatambudzi vedu. (Dheut. 31:6, NW; VaH. 13:6) Nepo tichaedza nguva dzose kuva vanongwarira pakutaura, vane mufungo, uye vakachenjera apo tinotyisidzirwa navashori, tichakujekesa kuti takatsunga ku“teerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu” apo kunamata kwedu kunodenhwa. (Mabasa 5:29, NW) Apo kunenge kune banza rakati rokutaura zvinonzwika mukuzvidzivirira, tichaita saizvozvo. (1 Pet. 3:15) Zvisinei, hatisati tichizopambadza nguva yedu tichikakavadzana navashori vakaoma avo vanofarira bedzi kutizvidza. Panzvimbo pokushatirwa kana kuti kuedza kutsiva apo vanotizvidza kana kuti kutipomera zvenhemanhema, tinongo‘varega.’—Mat. 15:14.
13 Tsungiriro yedu mumiedzo inofadza Jehovha. (1 Pet. 2:19) Tinofanira kuripira mutengoi nokuda kwetendero iyoyo? Tinofanira kutera kukubatira tisina mufaro nemhaka yokuti tinovengwa nokushorwa here? Haisva! Jehovha anopikira kutusa teerero yedu no“mufaro norugare.” (VaR. 15:13, NW) Mukutarisana nokutambura kukuru, Jesu akaramba achifara nemhaka yo“mufaro wakaiswa pamberi pake.” (VaH. 12:2) Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nezvedu. Nemhaka yokuti tuso nokuda kwetsungiriro yedu yakakura kwazvo, tinosundwa ku“far[a], mufarisise” kunyange zvazvo tichitambura miedzo inorwadza. (Mat. 5:11, 12) Kunyange munguva dzenhamo, uyu mufaro, mauri umene, chisakiso chokupa rumbidzo norukudzo kuna Jehovha mukutsigirwa kweshoko roUmambo.
14 Kune kusava nechokwadi kupi nokupi here pamusoro pomuuyo wokupedzisira, kuchitipa chikonzero chokuva vanotya navasina chisarudzo? Aiwa, muuyo werwisano pakati pesangano raJehovha nenyika yaSatani wakasarudzwa kare kare. (1 Johane 2:15-17) Pasinei zvapo nokunyanya kana kuti ukuru hwechishoro, Jehovha achatipa rukundo. (Isa. 54:17; VaR. 8:31, 37) Kunyange zvazvo tichiedzwa zvizere, hapana chinhu chinogona kutidzivisa kugamuchira tuso. Hatina chisakiso cho“kufunganya pamusoro pechinhu chipi nechipi,” nemhaka yokuti Jehovha akatipa rugare mumhinduro kumikumbiro yedu.—VaF. 4:6, 7, NW.
15 Naizvozvo tinoonga Jehovha nguva iri yose yatinonzwa mishumo pamusoro pokununurwa kwehama dzedu muchitambudzo kana kuti kupiwa rusununguko rwokuparidzira munharaunda uko dzave dzakaganhurirwa munguva yakapfuura. Tinofara apo migariro inochinja inozarura mabanza matsva nokuda kwezviuru zvavanhu vapachokwadi kuti vawane shoko roUmambo. Tinofara zvirokwazvo apo Jehovha anosarudza kutipa rukundo, mubonderano navashori vane ruvengo. Tinoziva kuti iye achakomborera ndokubudiririsa basa redu munzira ipi kana ipi iri madikanwa kuti akwidziridze imba yake yokunamata kwechokwadi ndokupa avo va“nodiwa” vanobva mumarudzi ose banza rokupinda.—Hag. 2:7; Isa. 2:2-4.
16 Panguva imwe cheteyo, tinoziva zvizere kuti muvengi wedu, Satani, ane simba zvikuru, uye achatishora zvakasimba kusvikira chaizvo kumugumo. Denho dzake dzingave dzakananga nedzakaipa, kana kuti dzingave dzamanomano nedzinonyengera. Chitambudzo chingatanga kamwe kamwe munzvimbo uko takaziva rugare bedzi munguva yakapfuura. Vashori vakaipa vangava vanorura navasingaregi munhamburiko dzokutidzvinyirira nenzira isina kururama. Munguva yakafanira kuchava kwakajeka kuna vose vakadaro kuti vari ku“rwa naMwari,” uye iye achavaparadza. (Mabasa 5:38, 39; 2 VaT. 1:6-9) Munguvayi, pasinei zvapo nechatinofanira kutsungirira, takatsunga kuramba takatsiga mukubatira Jehovha nenzira yokuvimbika nokuparidzira shoko roUmambo. Tiri vanhu vanofara zvikurusa pamusoro papasi, tichiziva kuti ‘pakuva vanotenderwa tichagamuchira korona youpenyu.’—Jakobho 1:12.