RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/94 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 2/94 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku achashandiswa mukati maFebruary: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano nokuda kwe$16,50. (Chinyorwa chiduku: $8,30.) March: Mibvunzo Inobvunza Vechiduku . . . nokuda kwe$8,30 kana kuti Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! nokuda kwe$16,50. April naMay: Kuzvinyoresa kuNharireyomurindi nokuda kwe$27,50 nokuda kwegore rimwe kana kuti $13,75 nokuda kwemwedzi mitanhatu. CHEREKEDZAI: Ungano dzichada zvinhu zvenhimbe zvadudzwa pamusoro apa dzinofanira kuzviodha paFomu radzo Reodha Yamabhuku (S-14) romwedzi nomwedzi rinotevera.

◼ Munyori nomutariri webasa vanofanira kuhwirudzura mubato wamapiona ose enguva dzose. Kana api naapi ari kuva nechinetso kusvitsa chinodikanwa chamaawa, vakuru vanofanira kuronga kuti rubatsiro rupiwe. Nokuda kwezvikarakadzo, hwirudzurai tsamba dzeSosaiti (S-201) yaOctober 1, 1993, uye October 1, 1992. Uyewo, onai ndima 12-20 dzewedzero yoHushumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1986.

◼ Kuchengetwa kweChirangaridzo kuchaitwa Chitanhatu, March 26, 1994. Kunyange zvazvo hurukuro ingakurumidza kutanga, tapota yeukai kuti kupfuudzwa kwechingwa newaini zveChirangaridzo hakufaniri kuvamba kutozosvikira pashure pokunyura kwezuva. Nzverai namanyuko omunzvimbomo kuti muzive apo kunyura kwezuva kunoitika munharaunda yenyu. Hakuna misangano kunze kwebasa romumunda ichaitwa pamusi iwoyo. Kana ungano yenyu ichiwanzova nemisangano paChitanhatu, mungada kuchinjira iyoyo kurimwe zuva revhiki kana Horo yoUmambo ichiwanika.

◼ Vaparidzi vanoshuva kubatira samapiona ebetsero muna March naApril vanofanira kuita rongedzero dzavo zvino ndokupinza kumbiriso yavo nokukurumidza. Ikoku kuchabetsera vakuru kuita gadziriro dzebasa romumunda dziri madikanwa ndokuva namabhuku akakwana aripo.

◼ Pamusoro pe wedzero yoHushumiri Hwedu hwoUmambo hwaDecember 1993: Ndima 9 ye“Futunuko Inopfuuridzirwa Inowedzera Kudikanwa kweHoro dzoUmambo” inodudza “Kingdom Hall Construction Worker Questionnaires.” Tinofara kuzivisa kuti zvino tiri kutumira ungano yenyu makopi matatu eiri fomu. Apo ungano yenyu inenge yashandisa aya mafomu matatu, akawanda anogona kukumbirwa paodha yenyu yamabhuku yomwedzi nomwedzi nenzira imwe cheteyo samamwe mafomu.

◼ Ungano dzinorenda horo nokuda kwemisangano yadzo uye dzinoda kuti zvinhu zvakadai segudzanzwi, zvigaro, mabhenji, uye zvichingodaro zviiswe muinishuwarenzi, dzinganyorera Sosaiti dzichikumbira mafomu ari madikanwa.

◼ ZUVA CHAIRO RAMAGAZINI, April 2, 1994: Gadziriro dziri kuitwa here nokuda kweiyi nhambo chaiyo? [Tapota onai Chiziviso No. 5 muHushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 1994.]

◼ Nokuda kwegadziriro dzokuchengetwa kweChirangaridzo, tapota teverai nhungamiro dziri muHushumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 1992, peji 3. Tichapeta nakaviri mugove wegore rakapfuura weKokero dzeChirangaridzo gore rino ndokuchaja akaundi yenyu yamabhuku.

◼ RURAMISO: MuHushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 1994, chiziviso nhamba 4: Tapota chinjai musoro wehurukuro chaiyo unoti “Rudzidziso Rwuri Kukundikanisa Chaunga Chavanhu Here?” kuva “Rudzidziso Rwechokwadi Runoita Zvinodikanwa Zvechaunga Chavanhu.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe