Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa nokuda kwaJuly: Mubatanidzwa wamabhukwana api naapi amapeji 32 pamwe chete nebhukwana raMidzimu Isingaoneki nokuda kwe$2,80. August: Ripi neripi ramabhurocha anotevera amapeji 32 ringashandiswa nokuda kwe$2,30 rimwe: Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Farikanya, “Tarirai!” Unofanira Kudavira Utatu Here?, Zita raMwari . . . , Hurumende Ichaunza Paradhiso, uye Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana? September: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano nokuda kwe$23,00. (Chinyorwa chiduku chinoita: $12,00.) October: Kuzvinyoresa kuNharireyomurindi naMukai! nokuda kwegore rimwe pa$38,00 kumwe kana kuti $19,00 nokuda kwemwedzi mitanhatu. (Mukai! weShona anoita $19,00 nokuda kwegore.)
◼ Ungano zhinji dzichiri kushandisa mafomu ekare. Tapota shandisai bedzi mafomu azvino uno anogoverwa neSosaiti. Mafomu ekare ose ungano inawo anofanira kuparadzwa.
◼ Tinoyeuchidza ungano dzose kurovedza kuimba nziyo dzichaimbwa kukokorodzano yoruwa gore rino. Chinyorwa chaMarch choHushumiri Hwedu hwoUmambo chakapa nhamba dzenziyo dzichaimbwa.
◼ Kana kuchibvira, tinokurudzira ungano kushandisa makaseti akagoverwa neSosaiti nokuda kwokuimba kwadzo pamisangano. Apo ikoku kunoitwa, hapana dikanwo yokuti muimbisi amire pachikuva sezvo makaseti achave achitungamirira ungano murwiyo.