Zviziviso
◼ Mabhuku achashandiswa mukati maJanuary: Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka kana kuti Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda woRugare” nokuda kwe$5,00. Kana ungano dzine mabhuku api naapi amapeji 192 akabudiswa 1982 asati asvika ane mapepa akaderera anoita yero, iwaya angagoverwa pamutengo wakaderera we$2,50. (Ikoku kunoshanda kuvose vari vaviri vaparidzi namapiyona.) Ungano dzingakumbira kubvisirwa chikwereti nokuda kwaaya mabhuku paS-20 yadzo pakupera kwaJanuary. February: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano nokuda kwe$15,00 (chinyorwa chiduku: $7,50). Kugoverwa kweiri bhuku kunofanira kuteverwa neshanyo dzedzokerero, uye nhamburiko dzinofanira kuitwa dzokutanga fundo dzeBhaibheri. March: Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50 kana kuti Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! nokuda kwe$15,00. April naMay: Kuzvinyoresa kumagazini eNharireyomurindi neMukai! kwegore rimwe nokuda kwe$25,00 kana kuti kwemwedzi mitanhatu nokuda kwe$12,50. (Mukai! inoita $12,50 pagore). CHEREKEDZAI: Ungano dzichigere kuodha zvinhu zvadudzwa pamusoro apa dzinofanira kuita saizvozvo paFomu radzo Reodha Yamabhuku (S-14) romwedzi nomwedzi rinotevera.
◼ Ungano dzinofanira kuita gadziriro dzakakodzera dzokuchengeta Chirangaridzo gore rino paChishanu, April 14, pashure pokunyura kwezuva. Nepo kuchishuviwa kuti ungano imwe neimwe ive nokuchengeta Chirangaridzo kwayo imene, ikoku kungasava kunobvira nguva dzose. Uko nhamba yakati yeungano inowanzoshandisa Horo yoUmambo imwe cheteyo, zvichida ungano imwe kana kuti dzinopfuura dzinogona kushandisa imwe nzvimbo manheru iwayo. Chirangaridzo hachifaniri kunonoka kwazvo kutanga zvokuti vanhu vachangobva kufarira vanokuwana kuva kusina kukodzera kupinda. Uyezve, rudungwe rwacho harufaniri kuva rwakamanikana zvikuru zvokusava nenguva pamberi napashure pokuchengetwa kwacho yokukwazisa vaenzi, yokuita gadziriro yorubatsiro rwomudzimu runopfuuridzirwa nokuda kwavamwe, kana kuti yokufarikanya tsinhano yekurudziro yavanhu vose. Pashure pokusanorangarira zvinhu zvose, vakuru vanofanira kusarudza kuti igadziriroi dzichabetsera zvakanakisisa avo vanopinda Chirangaridzo kuti vabetserwe zvizere nenguva yacho.
◼ PaSvondo, April 23, 1995, hurukuro chaiyo yavose ichapiwa muungano dzose. Musoro wacho uchava “Mugumo Worudzidziso Rwenhema Wava Pedyo.” Ivai nechokwadi chokukoka vose vanopinda Chirangaridzo gore rino. Nhamburiko chaiyo ichaitwa kubetsera mamiriyoni avadzidzi vari kuitiswa fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Mashoko achapiwa pashure pomusangano wacho zuva iroro achavanyandura ivo nehama dzedu dzose zvadzo kuti vakarire kuva negoverano mukuparadzira turakiti chairo. Panguva imwe cheteyo, achaonesa zvinetso izvo vanhu vamwe navamwe vanotarisana nazvo uye dikanwo yokuita nenzira yakasimba maererano neShoko raMwari.
◼ Kuvambira muna February, uye pasati pari pashure paMarch 5, hurukuro itsva yavose yavatariri vamatunhu ichava inoti “Kudzidzisa kwoUmwari Kunokurira Munyika Yose.” Ikoku kuchava kuratidzwa kwamasiraidhi kunosimbisa Kokorodzano chaidzo dzo“Kudzidzisa kwoUmwari” dzamarudzi ose idzo dzakaitwa mukati mamakore ebasa a 1993 na 1994. Munharaunda dziya umo masiraidhi achave asingawaniki kusvikira pamusi wapashure, vatariri vamatunhu vachapa hurukuro inoti “Vimba naMwari Wokunyaradza Kwose” uye vachapfuurira nayo kusvikira panguva apo masiraidhi anogamuchirwa. Apo ungano dzose dzichave dzava nehurukuro yemasiraidhi, vatariri vamatunhu vachapfuurira kupa hurukuro inoti “Vimba naMwari Wokunyaradza Kwose” kusvikira hurukuro itsva inotevera yomutariri wedunhu yarongwa pakuvamba muna 1996.
◼ PaMusangano Webasa wevhiki yaJanuary 9, vaparidzi vose vakabhapatidzwa varipo vangawana kopi yomunhu oga yekadhi reAdvance Medical Directive/Release nokuda kwe 20¢ uye maIdentity Card evana vavo nokuda kwe 15¢ rimwe.