Zviziviso
◼ Mabhuku achashandiswa mukati maSeptember: Iwe Unogona Kurarama . . . (chinyorwa chiduku) nokuda kwe$7,50 kana kuti bhurocha ripi neripi (kunze kwebhurocha raSchool) nokuda kwe$1,50. October: Kuzvinyoresa nokuda kweMukai! kana kuti Nharireyomurindi nokuda kwe$25,00 pagore kana kuti $12,50 nokuda kwemwedzi mitanhatu. (Mukai! i$12,50 pagore rimwe uye hapana kuzvinyoresa kwemwedzi mitanhatu.) November: Bhaibheri—iShoko raMwari Here? nokuda kwe$5,00. Kana musina iri bhuku mudura, mungagovera bhuku raRugare Rwechokwadi Nokuchengeteka nokuda kwe$5,00.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kunzvera akaunzi dzeungano pana September 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Itai chiziviso kuungano apo ikoku kunenge kwaitwa.
◼ Vakuru vanoyeuchidzwa kutevera mirayiridzo inopiwa pamapeji 21-3 eNharireyomurindi yaApril 15, 1991, pamusoro pavanhu vapi navapi vakadzingwa kana kuti vakabviswa musonganiro avo vangave vachida kudzorerwa.
◼ Mitengo yamabhuku yakaderedzwa muna December gore rapera kuitira kuti mabhuku awanikwe nyore nyore kuna vose. Vatariri vanofambira vanoshuma, zvisinei, kuti vamwe vachiri vasingashandisi mabhuku mubasa romumunda. Tinokurudzira vose kushandisa zvakanakisisa mabhuku edu mubasa.
◼ MUNYORI: Tapota nzverai kaviri Kadhi Romushumo Weungano (S-1) nokuda kwoururami musati maritumira kuhofisi yedu. Tinogamuchira mimwe mishumo ine kusarurama kunooneka. Somuenzaniso, vamwe vanoratidza fundo dzeBhaibheri dzapamusha asi pasina shanyo dzedzokerero. Sezvo nguva imwe neimwe fundo inoitiswa shanyo yedzokerero ichifanirawo kuverengwa, mishumo yakadaro haina kururama. Vamwe vanoratidza mapiyona ebetsero kana kuti enguva dzose asi vasingapi mushumo webasa rawo. Batira pamwe yenyu mukuva nechokwadi chokuti munotumira mishumo yakarurama ichaongwa.
◼ MUNYORI: Tapota musatumira mushumo weungano wechipiri womwedzi nemhaka chete yokuti vamwe vaparidzi vakanonoka kushuma. Chengetai mishumo yakanonoka uye ibatanidzei nemushumo womwedzi unotevera.
◼ MAKAITA ZVAKANAKA! Takazviita zvakare muna May. Hwerengedzo yavaparidzi 23 896 yakashuma basa romumunda! Ichochi chakanga chiri chiverengero chapamusoro zvikurusa chechipiri mumwedzi miviri yakatevedzana. Sezvo vaparidzi vakawanda vava kuziva dikanwo yokugoverana nguva dzose mubasa romumunda uyewo kushuma panguva, tinokarira kuva nezvimwe zviverengero zvapamusoro mune ramangwana. Tinokuongai mose nokuda kwegoverano yenyu yokushingaira muuyu mushumo. Rambai muchiita basa rakanaka.