RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/97 p. 7
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Mariro evaKristu Ane Mutsigo, Haasi Okushamisira, Uye Anofadza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Murangariro wechiKristu Wetsika Dzamariro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Mariro?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 3/97 p. 7

Bhokisi Remibvunzo

◼ Apo ungano inokumbirwa kubatsira mukuronga mariro, mibvunzo inotevera ingamuka:

Ndiani anofanira kupa hurukuro yemariro? Ichi chisarudzo chinofanira kuitwa nemitezo yemhuri. Ingasarudza hama ipi neipi yakabhabhatidzwa ine chimiro chakanaka. Kana mutumbi wevakuru ukakumbirwa kugovera mukurukuri, kazhinji kazhinji uchasarudza mukuru anokwanisa kuti ape hurukuro yakavakirwa pandaza yeSosaiti. Kunyange zvazvo tisingarumbidzi mufi, kungava kwakafanira kukwevera ngwariro kumavara emuenzaniso ayo iye akaratidzira.

Horo yoUmambo ingashandiswa here? Inogona kana mvumo yapiwa nemutumbi wevakuru uye kana kusingadzongonyedzi misangano yakarongwa yenguva dzose. Horo ingashandiswa kana mufi akanga ane mukurumbira wakachena uye akanga ari mutezo weungano kana kuti mwana muduku wemutezo weungano. Kana munhu wacho akanga aparira mukurumbira unozivikanwa wakashata kupfurikidza nomufambiro usiri wechiKristu, zvimwe kana kuti zvinhu zviripo zvingaratidzira zvisina kunaka paungano, vakuru vangasarudza kusabvumira kushandiswa kwehoro.—Onai bhuku raUshumiri Hwedu, mapeji 62-3.

Kazhinji kazhinji, Horo dzoUmambo hadzishandiswi nokuda kwemariro evasingatendi. Zvakasiyana zvingaitwa kana mitezo mipenyu yemhuri ichisonganira nokushingaira sevaparidzi vakabhabhatidzwa, mufi aizivikanwa nevakati kuti muungano kuva aiva nechimiro chendangariro chakanaka kuchokwadi uye mukurumbira wakanaka nokuda kwemufambiro wakarurama munzanga, uye pasina tsika dzenyika dzinobatanidzwa mugadziriro yacho.

Pakubvumira kushandiswa kweHoro yoUmambo, vakuru vacharangarira kana kuchikarirwa mutsika kuona bhokisi riri pamariro. Kana kwakadaro, vangaribvumidza kuti ripinzwe muhoro.

Zvakadini nemariro evanhu venyika? Kana mufi akanga ane mukurumbira wakanaka munzanga, hama ingapa hurukuro inonyaradza yeBhaibheri paimba yemariro kana kuti kumakuva. Ungano icharamba kutarisira mariro emunhu aizivikanwa nokuda kwemufambiro wounzenza, usiri wepamutemo kana kuti ane mararamiro airwisana zvakakomba nenheyo dzeBhaibheri. Hama zvirokwazvo ingasagoverana nemufundisi mukuitisa munamato wekutenda kwakavhengana kana kuti mumariro api neapi anoitirwa muchechi yeBhabhironi Guru.

Zvakadini kana mufi akanga akadzingwa? Ungano kazhinji kazhinji ingasabatanidzwa, uyewo Horo yoUmambo ingasashandiswa. Kana munhu wacho akanga ave achipa ufakazi hwekupfidza uye achiratidzira chishuvo chokudzorerwa, hana yehama ingaibvumira kupa hurukuro yeBhaibheri paimba yemariro kana kuti pamakuva, kupa uchapupu kuvasingatendi uye kunyaradza hama dzekunyama. Asati aita ichi chisarudzo, zvisinei, kungava kuchenjera kubvunza mutumbi wevakuru nokuda kwezano uye kurangarira zvavangarumbidza. Mumamiriro ezvinhu umo kungasava kuchenjera kuti hama iyoyo ibatanidzwe, kungava kwakafanira kuti hama iri mutezo wemhuri yemunhu afa ipe hurukuro yekunyaradza hama dzekunyama.

Imwe nhungamiro inogona kuwanwa muzvinyorwa zveNharireyomurindi zvaOctober 15, 1990, mapeji 30-1; March 15, 1982, peji 30; September 15, 1980, mapeji 5-7; December 1, 1978, mapeji 5-8; December 1, 1977, mapeji 550-1; uye Awake! yaSeptember 8, 1990, mapeji 22-3 uye yaMarch 22, 1977, mapeji 12-15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe