Ratidza Kuitira Hanya Kwechokwadi Fariro Yose Yakawanwa
1 Kuziviswa munyika yose kweUmambo kuchaguma nokukurumidza, pashure pezvo vose “avo vasingazivi Mwari” vachaparadzwa. (2 VaT. 1:7-9) Nokudaro, kuitira hanya kwechokwadi upenyu hwevamwe kuri kusunda vanhu vaJehovha kusvika vakawanda sevanobvira neshoko reUmambo.—Zef. 2:3.
2 Mwedzi uri wose, mamiriyoni emaawa anopedzerwa mukutsvaka avo vanoda kunzwa “mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka.” (Isa. 52:7) Mukudavidza kuchinogoverwa chazvino uno, vakawanda vakagamuchira bhuku raVechiduku Vanobvunza kana kuti bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? Kuitira hanya kwechokwadi ava vanhu kunofanira kutisunda kupfuuridzira fariro yakawanwa.—Zvir. 3:27.
3 Chengeta Zvinyorwa Zvakarurama: Zvakawanda zvichaitwa kupfurikidza kana ukachengeta chinyorwa chakakwana uye chakarurama chefariro nezvakagoverwa. Mashoko akadai sezita nekero zvasaimba, zuva nenguva yawakashanya, mabhuku akagoverwa, uye nhau yakakurukurwa zvichakubetsera kuva anobudirira zvikuru pakudzokera. Uyewo, kana ukanyora dzimwe tsinhiro dzakataurwa nasaimba mukurukurirano yenyu yepakuvamba, ungakwanisa kunongedzera kwadziri nenzira inobudirira sezvaunotangazve kurukurirano yacho pashanyo yedzokerero.
4 Kurumidza Kuita Shanyo Dzedzokerero: Vangani veavo vakagamuchira mabhuku kwauri mwedzi wakapfuura avo wakaedza kushanyira zvekare? Mavhiki akapfuura pasina kumwe kuonana kupi nokupi here? Kuitira hanya kwechokwadi garikano yavo isingaperi kunofanira kukusunda kudzokera nokukurumidza sezvinobvira, zvichida mumazuva mashomanene, kuitira kuti kurukurirano yacho ichave yakajeka mundangariro. Kupfurikidza nokudzokera nokukurumidza kunopfuudzira fariro yavo, ungakwanisa kudzivisa nhamburiko dzaSatani asati a“uya, ndokubvisa shoko rakakushwa mukati mavo.”—Marko 4:15.
5 Gadziriro Inokosha: Kubudirira kwako mukuita shanyo dzedzokerero nenzira yakananga kunotsamira pakuti unosanogadzirira sei. Ronga masvikire ako usati waenda. Peji yeshure yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 1997 inogovera mharidzo dzinoverengeka dzingashandiswa nebudiriro yakanaka apo unogovera bhuku raVechiduku Vanobvunza kana kuti bhurocha raAnodei. Chinhu chinotevera kuva nemifungo mundangariro yekugoverana apo unodzokera. Chii chinogona kutaurwa apo unopfuuridzira fariro? Fundo yeBhaibheri inogona kutangwa sei?
6 Pakupfuuridzira kurukurirano pamusoro pechinofanira kuitwa kuchenesa pasi uye kuriita nzvimbo iri nani yokugara, ungati:
◼ “Pashanyo yangu yakapfuura, takabvumirana kuti matanho akakura anofanira kuitwa pasi risati ragona kuitwa paradhiso ine rugare. Munofunga kuti vanhu vane zvinodikanwa kuita iri basa here? [Bvumira mhinduro.] Ndapota cherekedzai chikonzero nei kuchava madikanwa kuti Mwari apindire muzvinhu zvevanhu.” Rava Pisarema 37:10, 11. Ipapo tendeukira kuganhuro 38 mubhuku raVechiduku Vanobvunza uye shandisa zvikamu zvepapeji 307 zvinoratidza kuti Mwari achazadzika sei uhu uporofita. Pfuurira kupfurikidza nokukarakadza fundo yeBhaibheri uchishandisa bhurocha racho.
7 Kana makakurukura Umambo hwaMwari uye wakagovera bhurocha ra“Anodei” pashanyo yepakuvamba, pakudzokera ungagona kutaura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Apo takapedzisira kutaura, takaziva Umambo hwaMwari sehurumende chaiyoiyo iyo ichatonga pasi rose. Bhaibheri rinoratidza kuti Kristu Jesu achava mutongi wayo. Munogona kufungidzira betsero dzipi nedzipi dzokuva neurwu rudzi rwehurumende nemutungamiriri here?” Bvumira mhinduro. Vhura Vechiduku Vanobvunza paganhuro 38, peji 307. Uchishandisa mapfundo akasarudzwa mundima mbiri dzekutanga, ratidza chichaitira Umambo hwaMwari rudzi rwomunhu munguva yemberi. Rava Dhanieri 2:44, uye kana kwakafanira, suma bhuku raZivo uye karakadza fundo yeBhaibheri.
8 Kana wakawana mumwe munhu akabvuma kuti marudzidziso enyika akaparira zvinetso rudzi rwomunhu, ungabvunza izvi pashanyo yedzokerero:
◼ “Makamboshamisika here kuti tinogona sei kuziva rudzidziso rune tendero yaMwari? [Bvumira mhinduro.] Iri bhurocha Mwari Anodei Kwatiri? rinopa zviratidzo zvinozivisa rudzidziso rwechokwadi.” Tendeukira kuchidzidzo 13, uye simbisa mapfundo mashanu ari mumabhii akatsveyamiswa mundima 3-7. Ungapfuurira kupfurikidza nokutaura kuti: “Mukuwedzera kukuwana rudzidziso rwechokwadi, tinofanira kuwana chinoda Mwari kwatiri semunhu oga.” Rava Johane 4:23, 24. Karakadza kukurukurazve izvozvi. Tendeukira kuchidzidzo 1 mubhurocha racho, uye ratidzira mafundire atinoita.
9 Apo unodzokera kunopfuudzira kurukurirano pamusoro pemufarwa wemhuri, ungagona kutaura chimwe chinhu chakafanana nechinotevera:
◼ “Apo takatanga kusangana, ndakagoverana nemi chakavanzika chemufarwa wemhuri, chiri kushandisa zano rinowanwa muShoko raMwari, Bhaibheri. Pakunouya pakubata nezvinetso zvemhuri yazvino uno, munodavira kuti Bhaibheri nderechinyakare kana kuti rinowirirana nemusi here?” Bvumira mhinduro. Govera bhuku raZivo. Tendeukira kuganhuro 2, uye rava mashoko akanokorwa mundima 13. Uchishandisa mapfundo ari mundima 3, karakadza fundo yeBhaibheri yemhuri.
10 Kupfurikidza nokuchengeta zvinyorwa zvakarurama, kuita gadziriro inokosha, uye kudzokera nokukurumidza kunopfuudzira fariro yavo, tinogona kuratidzira rudzi rwerudo rwemuvakidzani urwo rwuchavakwevera kunzira yeruponeso.—Mat. 22:39; VaG. 6:10.