Mashoko Oushe
Angola: Nhamba itsva yapamusoro yavaparidzi 35 034 yakasvikwa muna December.
Bangladesh: Kokorodzano Yoruwa yo“Kutenda Shoko raMwari” yakaitwa muDacca yakava navapindi vakapfuura nguva yakapfuura vane 142, navane14 vakabhabhatidzwa. Iyoyo yakanga iri inopfuura nhamba yakapetwa kaviri yavanhu vakambobhabhatidzwa muBangladesh panhambo imwe.
Benin: Hwerengedzo yavapindi venhevedzano dzeKokorodzano Dzoruwa dzo“Kutenda Shoko raMwari” yakasvika 15 633, ne403 vakabhabhatidzwa. Mushumo waDecember unozivisa nhamba itsva yapamusoro yavaparidzi 5 351.
Liberia: Muna December kokorodzano yakaisvonaka yakaitwa muMonrovia, navane 5 158 vakapinda. Nhamba itsva yapamusoro yavaparidzi 2 127 yakashumwa mwedzi iwoyo.
Madagascar: Wedzero ye11 muzana muvaparidzi kupfuura avhareji yegore rapera yakasvikwa muna December, vane 9 226 vachigoverana mubasa romumunda.