RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/98 p. 1
  • Kupinda Nguva Dzose Kwakaisvonaka Sei!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupinda Nguva Dzose Kwakaisvonaka Sei!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Ungabatsirwa Sei Nemisangano yeZvapupu zvaJehovha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kuonga Kuungana kwechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Kupinda Misangano—Mutoro Wakakomba
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 7/98 p. 1

Kupinda Nguva Dzose Kwakaisvonaka Sei!

1 Kwamakumi amakore muEastern Europe, dzakawanda dzehama dzedu dzinodiwa dzakarambidzwa kuungana pachena. Fungidzira kufara kwadzakaita pakabviswa kurambidza kwacho uye dzaigona kuungana pamwe chete dzakasununguka!

2 Mumwe mutariri wedunhu akanyora nezvekushanya kwake kuimwe ungano yakadaro, kuti: “Musi weChipiri manheru, pamavambo chaipo pokushanya kwangu, muchina wokudziyisa wakafa. Kunze kwaitonhora zvikuru, uye mukati, yakanga iri inenge 5° C bedzi. Hama dzakagara dzakapfeka majasi adzo, masikavha, magirovhu, makepisi uye bhutsu. Hapana aigona kuvhura magwaro muBhaibheri, sezvo zvakanga zvisingabviri kuvhura mapeji. Ndakamira pachikuva ndakapfeka sutu yangu, ndakaoma nechando, uye nguva yose yandaitaura, ndaigona kuona chifemo changu. Asi chakandiorora chaiva chokuti handina kunzwa shoko rimwe zvaro rokunyunyuta. Hama dzose dzakataura kuti zvakanga zvichifadza uye zvakaisvonaka sei kupinda!” Hama idzodzo hadzina kana kumbofunga nezvokupotsa musangano iwowo!

3 Ndiwo Manzwire Atinoita Here? Tinokoshesa mukana wokuungana takasununguka pamisangano yedu yevhiki nevhiki here? Kana kuti hatikoshesi misangano apo mamiriro ezvinhu anenge akanaka here? Kupinda misangano nguva dzose kungasava nyore, uye pangava nenguva patinova nechikonzero chakanaka chokusapinda. Kunyange zvakadaro, usatongokanganwa, kuti kune vari pakati pedu avo pasinei zvapo nokukwegura, zvinetso zvoutano zvakakomba, kuremara mumuviri, marudungwe anonetesa ebasa, uye mimwe mitoro yakakomba vanoona kukosha kwemisangano uye vanopinda nguva yose. Mienzaniso yakaisvonaka zvakadini yokuti titevedzere!—Enzanisa naRuka 2:37.

4 Ngatikuitei muitiro wedu kutsigira kunamata kwechokwadi kupfurikidza nokupinda misangano yedu yose yechiKristu, kubvira paboka duku refundo yebhuku kusvikira kukokorodzano huru. Nei tichifanira kurangarira kupinda kuungana uku nenzira yakakomba zvakadaro? Nokuti murayiro waMwari wokuti tiungane pamwe chete. Asi kune zvimwe zvikonzero zvakakosha. Tose zvedu tinoda betsero dzomurayiridzo waMwari uye betsero yomudzimu mutsvene, zvinogamuchirwa pamisangano. (Mat. 18:20) Tinovakwa kupfurikidza nokukurudzirana patinosonganirana nehama dzedu.—VaH. 10:24, 25.

5 Pakushanduka chitarisiko, Petro akati, “Tenzi, zvakanaka zvatiri pano.” (Ruka 9:33) Tinofanira kunzwa nenzira yakafanana pamusoro pemisangano yedu yose yechiKristu. Zvirokwazvo, kupinda nguva dzose kwakaisvonaka sei!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe