Vatariri Vanopa Nhungamiro—Mutariri Webasa
1 Mutariri webasa anofarira zvikuru chinhu chiri chose chine chokuita nokufambira mberi kwebasa rokuparidza evhangeri mundima yeungano. Nokudaro anoita basa rinokosha mukutibetsera kuita mitoro yedu yokuparidza mashoko akanaka. Somuparidzi weevhangeri anoshingaira, anotungamira mukuronga nhau dzose dzine chokuita nebasa. Somudzidzisi ane unyanzvi, anobetsera muparidzi mumwe nomumwe kuvandudza kubudirira kwake muushumiri.—VaEf. 4:11, 12.
2 Mukuru uyu anotarisira zvakananga basa ravabatiri vanoshumira ravakapiwa rokutarisira mabhuku, magazini, uye ndima. Ane mutoro wokuva nechokwadi chokuti mabhuku, magazini, uye mafomu ebasa zvakakwana zvokuti tishandise zviripo mwedzi mumwe nomumwe. Kamwe chete pagore anonzverazve faira rendima nokuda kwekero dzose dzedzimba kwatakaudzwa kuti tisashanye, uye anoita kuti hama dzine unyanzvi dzishanyire dzimba idzi.
3 Mutariri webasa ane mutoro wokutarisira mativi akasiyana-siyana ebasa rokuparidza, kubatanidza kupupura kwomunzvimbo yemabhizimisi, mumugwagwa, uye kupupura norunhare. Anongwarira kuita zvirongwa zvinoshanda zvokusangana nokuda kwebasa vhiki yose, kubatanidza mazororo. Anoratidza kufarira kwechokwadi basa refundo dzeBhaibheri. Anotsvaka nzira dzokubetsera mumudzimu avo vanodarika kana kuti vasingachaiti basa muushumiri. Anoitira hanya nenzira yokushingaira basa remapiyona, uye anotarisira chirongwa cheMapiyona Anobetsera Vamwe.
4 Somutezo weDare Rebasa Reungano, mutariri webasa anotaura chero paanoona sepanofanira kuchinjwa mumapoka eFundo Yebhuku Yeungano. Paanoshanyira boka renyu, iva nechokwadi chokuti unovapo uye kuti unoshanda naye mubasa romumunda.
5 Vose vari muungano vanofanira kubatira pamwe nenhungamiro inopiwa nomutariri webasa nokudisa. Izvi zvichatibetsera kuwedzera kubudirira kwedu mubasa rokuita vadzidzi ndokufara zvikuru muushumiri hwedu.