Vose Vanofanira ‘Kugamuchira Shoko Nomwoyo Wose’!
1 Mamiriyoni evanhu ari kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira ‘kugamuchira shoko nomwoyo wose,’ sezvakaita 3 000 vakapfidza vakabhabhatidzwa pazuva rePendekosta ya33 C.E. (Mabasa 2:41) Izvi zvinotipa basa ripi nhasi?
2 Tinofanira kubatsira vadzidzi vedu veBhaibheri kutanga kuzvipira kuna Jehovha. (1 Tim. 4:7-10) Kuti zvidaro, wedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996, ndima 20, inopa zano rokuti: “Mukufambira mberi kwefundo kwose, tsvaka mikana yokuvaka kuonga mavara aJehovha. Ratidza kunzwa kwako kwomukatikati nokuda kwaMwari. Betsera mudzidzi kufunga pamusoro pokukudziridza ukama kwakanaka, hwomunhu oga naJehovha.”
3 Chinhu Chakaoma Chatinotarisana Nacho: Vanhu vakawanda vacho, vafurirwa nechitendero chenhema, vanogutsikana nemutoo wokunamata usingadyi nguva yakawanda nokupedza simba ravo, zvisingadi kuti vachinje chaizvoizvo mararamire avo. (2 Tim. 3:5) Chinhu chakaoma chatinotarisana nacho ndiko kubatsira vadzidzi vedu veBhaibheri kuona kuti kunamata kwechokwadi kunoda zvinopfuura kungova vanzwi veshoko raMwari chete. Vanofanira kushandisa zvavanodzidza. (Jak. 1:22-25) Kana chimwe chinhu pamusoro pemufambiro wavo chisingatenderwi naMwari, vanofanira kuziva kuti vanokarirwa “kutendeuka” ndokuita zvakarurama kuti vamufadze. (Mabasa 3:19) Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira ‘kuzvishandisa nesimba’ ndokumira vakasimba vachitsigira chokwadi.—Ruka 13:24, 25.
4 Pamunokurukura zvinhu zvakasiyana-siyana zvetsika, bvunza munhu waunofunda naye Bhaibheri kuti anoona sei zvinhu izvi chaizvoizvo uye kuti chii chaanofanira kuita kana akaona achifanira kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwake. Ita kuti aone sangano riri kumudzidzisa chokwadi, uye mukurudzire kupinda misangano yeungano nguva dzose.—VaH. 10:25.
5 Ngatichiitei chinangwa chedu kusvika pamwoyo womudzidzi nedzidziso yedu. Tichafara patichanyandura vatsva kugamuchira shoko raMwari nomwoyo wose ndokubhabhatidzwa!—1 VaT. 2:13.