Ndinoda Fundo yeBhaibheri!
1 Vakawanda vedu vakaratidza kuda fundo yeBhaibheri, uye nokuda kwechikonzero chakanaka. Basa refundo yeBhaibheri ndiro rinoita kuti tizadzike chinangwa chedu chokuita vadzidzi vatsva. (Mat. 28:19, 20) Asi vakawanda vedu vakapedza mwedzi, pamwe makore, vasina kumbonzwa manakidzire anoita kudzidzisa mumwe munhu chokwadi. Chii chatingaita pamusoro pazvo November uno? Sezvo bhuku raZivo riri kusimbiswa mwedzi uno, tinogona kuita nhamburiko dzakasiyana nedzatinochiita kuti tirishandise kutanga fundo itsva dzeBhaibheri.
2 Ronga Kupera Kwevhiki Kumwe Kana Kuti Kunopfuura: Tinokurudzira munhu wese kuronga imwe nguva mwedzi uno yokupedzera pakutanga fundo yeBhaibheri itsva. Vaitisi veFundo Yebhuku yeUngano vanofanira kusarudza kupera kwevhiki kana kuti kwemavhiki kunofanira kushandiswa nokuda kwechinangwa ichi chete uye voronga mapoka avo kuti aedze pamwe chete kuita basa rokudzoka.
3 Uya nezvawakanyora pamusoro peshanyo yako yokudzoka pose paunouya kumisangano iyi. Ipapo shanyira vose vakaratidza kufarira, vakatora mabhuku, kana vakapinda misangano. Ita kuti kushanya kwoga kwoga kuve nechinangwa chokutanga fundo chete.
4 Enzanisirai Fundo yeBhaibheri: Pamisangano yebasa yakasarudzwa, muenzaniso wakanyatsogadzirirwa unofanira kuitwa, uchiratidza matangire efundo pashanyo yedzokerero. Ungataura kuti: “Vanhu vakawanda vane Bhaibheri, asi havazivi kuti rine mhinduro dzemibvunzo inokosha yatinosangana nayo muupenyu. [Ratidza pakarongwa zviri mubhuku raZivo, uye rava misoro yemaganhuro 3, 5, 6, 8, uye 9.] Muchishandisa bhuku iri rinobatsira kufunda kweinenge awa pavhiki, munogona kunzwisisa zvinhu zvinokosha zveBhaibheri mumwedzi mishomanene bedzi. Kana muchida kusarudza mumwe pamisoro iyi, ndichafara kukuratidzai kuti chirongwa chacho chinoshanda sei.” Kana munhu wacho akazeza kufunda nemhaka yekugara ane basa, tsanangura kuti tinewo chirongwa chakapfupikiswa. Ratidza bhurocha raAnodei, uye taura kuti unoda kufunda chidzidzo chipfupi chimwe pavhiki kwemaminiti 15-30.
5 Kana tose tikaedza kubatsirana pamwe chete kutanga fundo uye tikanyengetera kuna Jehovha kuti akomborere kuedza kwedu, tichatowana fundo itsva chete! (1 Joh. 5:14, 15) Kana uchida fundo yeBhaibheri, iyi ingava nguva yako yokuitanga.