RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/98 pp. 5-6
  • Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwamwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwamwari
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 12/98 pp. 5-6

Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwamwari

Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki a7 September kusvikira kuna 21 December, 1998. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.

[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]

Pindura kutaura kumwe nekumwe kunotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:

1. Pana 2 Timotio 1:6, “chipiwa” chinoreva kugona kutaura mitauro yakasiyana-siyana kwakanga kwapiwa Timotio kupfurikidza nokushanda kwomudzimu mutsvene waMwari. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w85-CA 9/15 p. 16 ndima 15.]

2. MuKristu akakura mumudzimu ‘anorovedza masimba ake okunzwisisa kuti asiyanise zvakanaka nezvakaipa’ kupfurikidza nokuita muitiro wokushandisa zivo ipi neipi yeShoko raMwari yaanayo. (VaH. 5:14) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w85-CA 12/1 p. 9 ndima 7.]

3. Jehovha zva“anobudisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama” zvinoratidza kuti kubata kwose kwaanoita mhuri yavanhu, Jehovha ave achiratidza kusasarura kusingachinji chinji. (Mat. 5:45) [w96-CA 11/15 p. 25 ndima 7]

4. Jakobho munyori weBhaibheri ndiye Jakobho mumwe cheteyo aitaura akamiririra “vaapostora navakuru” panguva yaifanira kusarudzwa zvokuita panhau yokudzingiswa. (Mabasa 15:6, 13; Jak. 1:1) [si-CA p. 248 ndima 2-3]

5. Kunyange zvazvo 1 Petro 5:13 ichitaura kuti Petro akanga ari muBhabhironi paakanyora tsamba yake yokutanga, ufakazi hunoratidzira kuti zita rokuti Bhabhironi chibhende chinoreva Roma. [si-CA p. 251 ndima 4]

6. Kutaura kwokuti “antikristu unouya” kuri pana 1 Johane 2:18 kunoreva munhu mumwe. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona rs-CA p. 27 ndima 4]

7. Murayiro uri pana 2 Johane 10 wokusagamuchira mumba kana kuti kukwazisa vamwe vanhu unoreva vanokurudzira dzidziso dzenhema bedzi. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 1/1 p. 30 ndima 1-3.]

8. Bhuku raZvakazarurwa rinoiswa nenzira yakarurama kwokupedzisira muBhaibheri, nokuti ndiro rakanga riri bhuku rokupedzisira rakanyorwa nomuapostora Johane. [si-CA p. 263 ndima 1]

9. Zvakazarurwa 13:11-15 inofananidzira zvakarurama nzira iyo Simba Renyika reEngland neAmerica rakava mutsigiri mukuru nomupi woupenyu weChinzwano Chamarudzi nomutsivi wacho, Sangano roMubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 12/15 p. 19 ndima 3.]

10. Sezvo Bhaibheri richibvumira kunwiwa kwezvinodhaka, zvingava zvakarurama ndezvokubvumira tsika dzomunharaunda nemagamuchidzanwa kutema kuti zvinofanira kunwiwa zvakawanda sei. (Pis. 104:15) [w96-CA 12/15 p. 27 ndima 5]

Pindura mibvunzo inotevera:

11. Zvinorevei kuti mutariri anofanira kuva “asingarwi”? (Tito 1:7) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w90-CA 9/1 p. 27 ndima 21.]

12. Ipa zvikonzero zviviri nei Jehovha achiita kuti kupa kuve rutivi rwokunamata kwechokwadi. [w96-CA 11/1 p. 29 ndima 3-6; p. 30 ndima 3]

13. Jesu airevei paakati, “Chibayiro nechipo makazviramba”? (VaH. 10:5) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 7/1 p. 14 ndima 3.]

14. VaKristu vanogona sei ku‘kunda nyika’? (1 Johane 5:3, 4) [si-CA p. 258 ndima 12]

15. Kutaura kwaPetro kwokuti ‘muchiramba muchinyatsorangarira zuva raJehovha’ kunobatanidzei? (2 Pet. 3:12) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w97-CA 9/1 p. 19 ndima 2.]

16. Mashoko api anokosha ari pana 1 Johane 2:2 anotibetsera kuziva mapoka maviri anobetserwa norufu rwechibayiro rwaJesu? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w90-CA 1/15 p. 12 ndima 11.]

17. Maererano naZvakazarurwa 1:7, vakabaya Jesu vachamuona sei achi“uya namakore”? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 5/1 p. 22 ndima 7.]

18. Kunyange zvazvo Jesu Kristu akapedza makore matatu nehafu achiparidza kuvaIsraeri, nei vakawanda vacho vakamuramba saMesiya? [w96-CA 11/15 p. 29 ndima 1, 6; p. 30 ndima 3]

19. Pana Zvakazarurwa 13:1, 2, nei zvakakodzera kurondedzera hurumende yenyika se“chikara”? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 4/1 p. 20 ndima 17.]

20. Ndivanaani vanomirirwa navakuru “vane makumi maviri navana” vari pana Zvakazarurwa 4:4, uye “korona” dzavo ne“zvigaro zvoushe” zvinotiyeuchidzei? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 7/1 p. 13 ndima 17.]

Ipa (ma)shoko kana kuti chitsama chamashoko anodiwa kupedzisa mashoko mamwe namamwe anotevera:

21. Tsamba yaPauro yechipiri kuna Timotio yakanyorerwa ku ․․․․․․․․ mugore ra- ․․․․․․․․ C.E., uye zvimwe Timotio akanga achiri mu ․․․․․․․․. [si-CA p. 237 ndima 3]

22. Kuti timhanye nhangemutange yakaiswa pamberi pedu, tinofanira kubvisa zvose zvinorema ne ․․․․․․․․ chinotipingirisha nyore nyore, icho chiri ․․․․․․․․. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w98-CA 1/1 p. 10 ndima 15.]

23. Pana 2 Petro 1:5-8, muapostora Petro anokurudzira ku․․․․․․․․ kuti tive nemavara aMwari anoita kuti tive ․․․․․․․․ kana kuti ․․․․․․․․. [si-CA p. 255 ndima 9]

24. Pana Zvakazarurwa 6:1-8, mutasvi webhiza dzvuku anoratidza ․․․․․․․․; mutasvi webhiza dema anoratidza ․․․․․․․․; rufu rwunotasva bhiza rakachenuruka, zvichiratidza ․․․․․․․․ nemhaka yezvirwere nezvimwe zvikonzero. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 7/1 p. 3 bhokisi.]

25. Sezviri pachena makanga muri mu ․․․․․․․․ Kristu asati auya umo vaJudha vakavamba kugamuchira dzidziso yo ․․․․․․․․ yakabva kuvaGiriki. [w96-CA 8/1 p. 6 ndima 2-3]

Sarudza mhinduro yakarurama mumashoko mamwe namamwe anotevera:

26. Apo Pauro aiva mujeri kokutanga muRoma, (Onesiforo; Onesimo; Onani), muranda akanga atiza womuimba ya(Firipi; Festo; Firemoni), akanga ari pakati pevakateerera zvaaiparidza. [si-CA p. 241 ndima 2]

27. Kuti Pauro ndiye munyori wetsamba kuvaHebheru kunotsigirwa noufakazi (hwokunze; hwomukati; hwenyika), hwakadai sokuva kwaPauro mu(Spain; Krete; Itaria) uye ana (Timotio; Tito; Jakobho). [si-CA p. 243 ndima 3]

28. Pana VaHebheru 11:10, “guta rine nheyo” rinoreva (Jerusarema rakavakwazve; guta rinodudzwa pana Ezekieri 48:35; Umambo hwaMesiya). [si-CA p. 247 ndima 26]

29 “Ukuru” hunodudzwa pana Judhasi 8 hunoreva (nzvimbo yaJesu; uchangamire hwaJehovha; chiremera chakapiwa ungano yechiKristu naMwari). [si-CA p. 263 ndima 9]

30. Pana Zvakazarurwa 11:11, “mazuva matatu nehafu,” apo vakasarira vakazodzwa vakaratidzika kuvavengi vavo sezvitunha zvakafa, anoreva (makore matatu nehafu; nhambo pfupi yenguva; mwedzi mitatu nehafu). [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona re-CA p. 167 ndima 21.]

Wiriranisa Magwaro anotevera namashoko akarongwa pasi apa:

1 VaK. 6:9-11; VaH. 2:1; VaH. 10:32; Jak. 4:15; 1 Pet. 3:4

31. Kuti tikurire kupesvedzera kwemashoko anoparadzirwa nguva dzose atinowana munyika ino, tinofanira “kuteerera zvikuru” Shoko raMwari kupfurikidza nemiitiro yakanaka yokufunda norudungwe rwakanaka rwokurava Bhaibheri. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w98-CA 1/1 p. 7 ndima 9.]

32. Pose patinoronga nezvenguva yemberi, tinofanira kufunga tichinyengetera kuti zvinowirirana sei nechinangwa chaMwari. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w97-CA 11/15 p. 21 ndima 10-11.]

33. “Mweya munyoro wakanyarara” womudzimai wechiKristu naamai haungofadzi bedzi murume wake asi zvinotokosha zvikuru unofadza Mwari. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 5/15 p. 19 ndima 12.]

34. Kuyeuka kwedu zviito zvakapfuura zvokutendeka muhondo yomudzimu kunogona kutipa ushingi hunodiwa kuti tipedze nhangemutange youpenyu. [w96-CA 12/1 p. 29 ndima 3]

35. Zvapupu zvaJehovha hazvibvumiri upi noupi anova chidhakwa chisingapfidzi kuramba ari muungano yechiKristu. [w96-CA 12/15 p. 25 ndima 3]

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe