RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/98 p. 8
  • Kugovera Bhuku raZivo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kugovera Bhuku raZivo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 12/98 p. 8

Kugovera Bhuku raZivo

1 Rima remudzimu rakafukidza nyika. (Isa. 60:2) Kubvira zvakapinda vanhu muchivi, Satani, “mwari wenyika ino,” akachengeta vanhu murima romudzimu, uye kuderera kwetsika ndiwo wave uri mugumo wacho.—2 VaK. 4:4.

2 Zvino zvatavhenekerwa nechokwadi, tinonzwira vanhu tsitsi sezvakaita Jesu here? (Mat. 9:36) Kana zvakadaro, tichanzwisisa kukosha kwebasa raakapa muapostora Pauro roku‘svinudza meso avanhu nokuvabvisa murima kuti avaendese kuchiedza nokuvabvisa pasimba raSatani achivaendesa kuna Mwari.’—Mabasa 26:16-18.

3 Ndangariro Nemwoyo Zvakajekerwa: Sezvo Satani achipofumadza ndangariro nokuomesa mwoyo yevanhu vake, chii chatinogona kuita kuti tivabatsire? Tinofanira kusvika ndangariro dzavo nemwoyo yavo neShoko raMwari. Pauro akanyengetera kuti vaEfeso vavhenekerwe meso emwoyo yavo. (VaEf. 1:17, 18) Bhuku raZivo ndechimwe chezvishandiso zvakanakisisa zvatinazvo panguva ino chokusvika nacho mwoyo yevanhu. (VaH. 4:12) Kuziva izvi kunofanira kutiita kuti tive neunyanzvi hwekushandisa bhuku iri rakanaka kwazvo kudzidzisa vamwe.

4 Mharidzo Ingangoshandiswa: “Mungabvumirana nazvo here kuti nokukurumidza kuchinja kuri kuita tsika nhasi uye nekusaziva ramangwana redu kuripo, tinoda mutungamiriri akavimbika muupenyu? [Bvumira mhinduro.] Kunyange riri bhuku rekaresa kupfuura mamwe, Bhaibheri rinopa zano rinoshanda pamusoro pokurarama kwemazuva ano uye upenyu hwemhuri hunofadza.” Ipapo vhura ganhuro 2 mubhuku raZivo, uye rava ndima 10 nemutsetse wokutanga wendima 11, kubatanidza na2 Timotio 3:16, 17. Kana akaratidza kufarira, govera bhuku raZivo uye tsanangura chirongwa chedu chefundo yeBhaibheri yapachena. Kana uchiona kuti zvingava nani kutanga fundo yacho mubhurocha raAnodei, ungaita kudaro. Uchawana sumo dzokuwedzera dzakakodzera pamapeji 9-15 mubhuku raKurangarira.

5 Ngatiratidzei kuonga kwedu bhuku rakanakisisa raZivo. Tinogona kuita izvi nokurigovera nokushingaira muna December.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe