Pupurira Somuvakidzani Akanaka
1 Jesu akati ‘ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’ (Mat. 22:39) Pasina mubvunzo, ‘unoitira zvakanaka’ vaunonamata navo, asi ungawedzera here rudo rwako uchisanganisira vawakavakidzana navo? (VaG. 6:10) Munzira dzipi?
2 Nokuita Kuti Vakuzive: Vavakidzani vako vanoziva kuti uri Chapupu here? Kana vasingazivi, wadii kuvashanyira uri mubasa romumunda? Ungatoshamiswa nezvinozoitika! Kana kuti kana uchinzwa zvakakunakira, edza kuvapupurira zvisina kurongwa. Kana uri panze ungavaona vachishanda pachivanze pavo kana kuti vachingozvifambirawo zvavo mumugwagwa. Svika pavari uchinyemwerera zvoushamwari. Edza kutaura nezvezvaunodavira, kune Horo yoUmambo, nezvinoitika ikoko, uye ita kuti vazive chero munhu anogara munharaunda iyoyo anopindawo. Vakoke kumisangano. Shungu dzako ngadzive dzokupupurira munhu wose waunoziva.—Mab. 10:42; 28:23.
3 Nomufambiro Wako Unoyemurika: Mufambiro wako woushamwari unotaura zvakawanda nezvako uye ungaita kuti pave nomukana wokupupura. Uno‘shongedzawo dzidziso yaMwari.’ (Tito 2:7, 10) Farira vavakidzani vako zvechokwadi. Iva noushamwari uye anonzwisisa. Remekedza kodzero yavo yokuva voga uye runyararo. Kana mumwe wavo akarwara, ratidza kuti une hanya navo wovabatsira. Kana mhuri itsva ikatamira pedyo nepaunogara, pfuurawo nepo uchivakwazisa. Zviito zvomutsa zvakadaro zvinopa pfungwa yakanaka uye zvinofadza Jehovha.—VaH. 13:16.
4 Nechitarisiko Chezvinhu Zvako: Kuva muvakidzani akanaka kunosanganisira kutarisira musha wako zvokuti uyemurike. Musha nechivanze zvakachena uye zvinoyevedza zvinopa uchapupu pachazvo. Asi musha une tsvina uye une zvinhu zvakaita ubvururu unowanzotaura zvakashata nezveshoko roUmambo. Saka zvinokosha zvikuru kuchengeta musha, chivanze, uye motokari dzako zvakachena uye zvakanyatsogadzirwa.
5 Kuratidza kuti unofungawo nezvevasiri muungano yechiKristu kunoratidza kuti unoda vavakidzani vako. Chii chingaguma chaitika? Kungava kuti “nemhaka yemabasa [ako] akanaka kwazvo avanoona,” vamwe vavo vachapa “mbiri kuna Mwari.”—1 Pet. 2:12.