Kubatana Nomufaro naJehovha noMwanakomana Wake
Chiitiko Chinokosha Zvikuru Chegore Chichachengetwa Musi waMarch 28
1 Nokuchengeta Kudya kwaShe Kwemanheru zuva ranyura musi waMarch 28, 2002, tinoratidza kuti takabatana nomufaro naJehovha Mwari naJesu Kristu. Panguva iyoyo inokosha zvikuru, vasara vevaKristu vakazodzwa vachafara “kugoverana” kunokosha kwavanoita nevamwe vagari venhaka yoUmambo, naBaba, uye noMwanakomana wavo. (1 Joh. 1:3; VaEf. 1:11, 12) Mamiriyoni e“mamwe makwai” achafungisisa ropafadzo yawo yakaisvonaka yokubatana naJehovha noMwanakomana wake, yokuva nomwoyo mumwe uye pfungwa imwe navo mukuita basa raMwari!—Joh. 10:16.
2 Kushandira Pamwe Muukama Hwepedyo: Jehovha naJesu vave vakabatana nomufaro nguva dzose. Vakava noushamwari hwepedyo kwenguva yakareba munhu asati asikwa. (Mika 5:2) Chisungo chorudo chakadzama chakakura pakati pavo vari vaviri. Mwanakomana wedangwe uyu anotaurwa achinzi uchenjeri mukuvapo kwake asati ava munhu aigona kuti: “Ndaimufadza [Jehovha] zuva rimwe nerimwe, ndichitamba pamberi pake nguva dzose.” (Zvir. 8:30) Kupedza makore nemakore achinyatsoshamwaridzana neTsime rorudo kwakava nomugumisiro mukuru paMwanakomana waMwari!—1 Joh. 4:8.
3 Achifunga nezvokuti vanhu vanoda kudzikinurwa, Jehovha akasarudza Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, uyo aida vanhu zvikuru, kuti ape chibayiro chorudzikinuro, icho chinopa tariro yedu bedzi. (Zvir. 8:31) Sezvo Jehovha noMwanakomana wake vakabatana mukuita chinangwa chimwe, tinoramba takabatana navo uye nomumwe nomumwe muzvisungo zvorudo rwakasimba, tichiita kuda kwaMwari nomufaro.
4 Kuratidza Kuonga Kwedu Nomwoyo Wose: Tinogona kuratidza kuonga kwedu kwechokwadi rudo rwaJehovha uye chibayiro choMwanakomana wake kwatiri, nokuvapo paChirangaridzo uye tichinyatsoteerera noruremekedzo. Muenzaniso waJesu worudo, kutendeka kwake kusvikira parufu achipa rudzikinuro, uye kutonga kwake saMambo woUmambo hwaMwari hwakagadzwa, uyewo zvikomborero izvo vanhu vachaunzirwa noUmambo zvichasimbiswa. Tichayeuchidzwawo nezvokudiwa kwokuramba tichiratidza kutenda kwedu, tichishanda nokushingaira sezvinodiwa naJehovha se“vashandi pamwe muchokwadi.”—3 Joh. 8; Jak. 2:17.
5 Kubatsira Vamwe Kuti Vashande Nesu: Dare revakuru rinofanira kuedza zvose zvarinogona kukurudzira Zvapupu zvose zvisingachaiti basa zviri mundima yacho kuti zvipinde Chirangaridzo chorufu rwaKristu. (Mat. 18:12, 13) Nyorai mazita evaya vanofanira kushanyirwa kuti pasava nevanosiyiwa uye kuti vose vanokokwa.
6 Unoziva nezvevamwe vangangouya kuChirangaridzo here? Tanga iwe kuvaita kuti vafarire chiitiko ichi. Vakoke noushamwari, uye vaite kuti vanzwe kuti vanodiwa. Ngatiitei zvose zvatinogona kukoka vose vatinodzidza navo Bhaibheri uye vamwe vanhu vanofarira, uyewo nhengo dzemhuri nevatinozivana navo, kuti vapinde chiitiko chinokosha zvikuru chegore. Rudzikinuro runoramba ruchibatsira vose vanodzidza “kukosha kukuru kwokuziva pamusoro paKristu Jesu.” (VaF. 3:8) Vaya vanotenda chibayiro chaKristu vanogona kuwana tariro yakasimba youpenyu husingaperi.—Joh. 3:16.
7 Musamborerutsa zvingaguma zvaitwa neChirangaridzo pavanhu vepachokwadi. Makore maviri akapfuura munyika yechitsuwa chePapua New Guinea, vanhu vanofarira 11 vakafamba nechikepe chiduku kwemaawa 17 nomumakungwa asina kugadzikana kuti vavepo. Nemhaka yei? Vakati: “Taida kuchengeta Chirangaridzo chaKristu nevamwe vanamati vaJehovha; saka rwendo rwacho rwakanga rwakakodzera.” Funga chido chakaratidzwa nevaya vaifarira uye kuonga kwavakaita kuva vakabatana nomufaro naJehovha, Mwanakomana wake, uye hama dzechiKristu!
8 Taura nezvokudzidza Bhaibheri nevose vanofarira. Vakurudzire kupinda misangano yeungano nguva dzose uye kuti vaudze vamwe chokwadi chavari kudzidza. Vabatsire ‘kufamba muchiedza’ uye ‘kuita chokwadi’ kuburikidza nokuita zvinodzidziswa neBhaibheri muupenyu hwavo. (1 Joh. 1:6, 7) Vabatsire kutanga ukama hwepedyo naJehovha uye kuramba vachiwedzera kukoshesa ropafadzo yokuita kuda kwake vakabatana.
9 Iropafadzo yakaisvonaka zvikuru yokubatana nomufaro ‘mumudzimu mumwe, nemweya mumwe tichibishairira pamwe kutenda mashoko akanaka’! (VaF. 1:27, 28) Ngatitarisirei mberi kuushamwari hwedu hwakanaka pamwe chete paChirangaridzo musi waMarch 28, nguva dzose tichionga Jehovha noMwanakomana wake!—Ruka 22:19.