Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tichaedza nepatingagona napo kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. April naMay: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Vaparidzi vanofanira kutaurira vanasaimba kuti vanogona kubvisa mupiro kubasa renyika yose kana vachida. Kana vanhu vakafarira, goverai bhurocha raAnodei, muchiita nepamunogona napo kuti mutange zvidzidzo zveBhaibheri. June: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kana vanasaimba vaine mabhuku aya, govera bhurocha rakakodzera iro ungano inaro.
◼ Vaparidzi vanoda kushanda semapiyona ebetsero muna April vanofanira kuita zvirongwa zvavo iye zvino ndokuunza mafomu avo nokukurumidza. Izvi zvichabatsira vakuru kuita zvirongwa zvebasa romumunda zvinodiwa uye kugara vaine magazini nemamwe mabhuku akakwana. Ungano inofanira kuziviswa mazita evose vanotenderwa kuva mapiyona ebetsero mwedzi mumwe nomumwe.
◼ Chirangaridzo chichaitwa musi weChina, March 28, 2002. Kana ungano yenyu ichiwanzova nemisangano musi weChina, iyi inofanira kuchinjirwa kune rimwe zuva revhiki kana Imba yoUmambo isiri kushandiswa. Kana izvi zvisingaiti uye musingakwanisi kuita Musangano wenyu Webasa, hurukuro dzinonyanyoshanda kuungano yenyu dzingabatanidzwa pane mumwe Musangano Webasa.
◼ Hofisi yebazi haiiti odha dzemabhuku dzomuparidzi mumwe. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chipiwe mwedzi mumwe nomumwe odha yemabhuku eungano yomwedzi mumwe nomumwe isati yatumirwa kubazi kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku avo pachavo vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota garai muchiziva mabhuku eodha chaiyo.
◼ Zvinokosha kuti mapoka evanhu 20 kana kupfuura vanoronga kushanyira zvivako zvebazi vatange kunyora tsamba kuhofisi yebazi. Tapota tiudzei nhamba yevanhu vanouya uye musi nenguva yavachashanyira bazi. Musati mashanya, tapota dzokororai Bhokisi Remibvunzo riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 1998 maererano nomupfekero wakakodzera uye kutsvinda pakushanyira misha yeBheteri.
◼ Mabhuku ane chokuita nenhau dzomumatare aripo kubatsira vaparidzi vanobatanidzwa munyaya dzokuchengetwa kwevana (child custody) uye nyaya dzokuvashanyira zviri izvo zvinoita kuti chitendero chedu chitambudzwe. Dare revakuru chete ndiro rinofanira kukumbira mabhuku acho kana zviri pachena kuti nyaya yacho ine chokuita nezvinodavirwa nomuparidzi wacho. Nokuda kwevaya vanotarisana nenhau dzenyika dzezvokuchengetwa kwevana kana kuvashanyira, mashoko anobatsira anogona kuwanikwa muMukai! yaDecember 8, 1997, mapeji 21-30; Mukai! yechiRungu yaOctober 22, 1988, mapeji 2-14; uye pachati iri muMukai! yechiRungu yaApril 22, 1991, papeji 9.
◼ Kutanga nemagazini yaApril 1, 2002, Nharireyomurindi mumutauro weZulu yava kuwanikwa iri mumabhii makuru.
◼ Mabhuku eBraille anofanira kuodwa nokuungano. Fomu Rokuodha Mabhuku (S-14) rakasiyana rinofanira kutumirwa nokuda kwemabhuku eBraille, kusanganisira zita nekero zvomuverengi weBraille. Tapota isai chiratidzo chakanzi ATTENTION: SERVICE DESK.
◼ Makaseti Evhidhiyo Matsva Aripo:
The Greatest Man Who Ever Lived—On Videocassette, Vhoriyamu 6—Mutauro Wemasaini wokuAmerica