Vakaremara—Asi Vanobereka Zvibereko
1 Kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakaremara, unongogona kuva noushumiri hunobereka zvibereko. Chokwadi, mamiriro ako ezvinhu angagovera mikana inokosha yokuti upupurire uye ukurudzire vamwe.
2 Kupupurira: Vakawanda vanotambura nourema vari kushanda zvakazara muushumiri. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi yakakanganiswa zvikuru mumafambiro ayo uye pakutaura nemhaka yokuvhiyiwa yakaona kuti yaigona kuitawo basa remagazini kana murume wayo akapaka motokari yavo pedyo nepanzira inofamba vanhu vakawanda. Pane imwe nguva, yakagovera magazini 80 mumaawa maviri chete! Mamiriro ako ezvinhu anokosha angakuitawo kuti uonane nevanhu dzimwe nguva vakaoma kuwana. Kana zvakadaro, vaone sendima yako inokosha.
3 Kuparidza kwako kunogona kubudirira zvikuru! Sezvo vamwe vanocherechedza kutsunga kwako uye migumisiro yakanaka yakaunzwa nechokwadi cheBhaibheri muupenyu hwako, vangakweverwa kumashoko oUmambo. Uyezve, paunosangana nevanhu vanotambura nenhamo, zvakaitika muupenyu hwako zvingakushongedzera kuvapa nyaradzo inobva muShoko raMwari.—2 VaK. 1:4.
4 Simbisa Vamwe: Hauna kukurudzirwa here nenyaya youpenyu yaLaurel Nisbet, uyo airarama mumuchina wesimbi waishanda sebapu kwemakore 37 asi akabatsira vanhu 17 kusvika pakuva nezivo yakarurama yechokwadi cheBhaibheri? Saizvozvowo, muenzaniso wako ungakurudzira vaunonamata navo kushanda nesimba mubasa raJehovha.—g93 1/22 map. 18-21.
5 Kunyange kana mamiriro ako ezvinhu achikutadzisa kubuda muushumiri kakawanda sezvaungada, unongogona kusimbisa vamwe. Imwe hama yakati: “Ndakadzidza kuti kunyange munhu akaremara zvakanyanya anogona kubatsira vamwe zvikuru. Ini nomudzimai wangu tave tichibatsira vakasiyana-siyana muungano. Pamusana pemamiriro edu ezvinhu nguva dzose tinenge tiri pano, tinowanikwa nguva dzose.” Zvisinei, nokuda kwourema hwako, zvinonzwisisika kuti ungasakwanisa kuita zvinoenderana nezvaunoda nguva dzose. Kunyange zvakadaro, ukabatsirwa ungakwanisa kushingaira muushumiri. Naizvozvo, kana uchida kubatsirwa, usazengurira kutaurira vakuru kana kuti vamwe vari muungano vangagona kukubatsira.
6 Jehovha anoona zvose zvaunoita kuti umushumire, uye anofarira basa rako romwoyo wose. (Pis. 139:1-4) Sezvaunovimba naye, anogona kukusimbisa kuti uve noushumiri hune zvibereko uye hune zvahunoreva.—2 VaK. 12:7-10.