Chikamu 6— Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
Mudzidzi Paanobvunza Mubvunzo
1 Kana chidzidzo cheBhaibheri changotangwa, zvakanaka kudzidza dzidziso dzeBhaibheri zvakarongeka pane kudarika zvimwe zvidzidzo. Izvi zvinobatsira kuti mudzidzi akudziridze hwaro hwezivo yakarurama uye kufambira mberi mune zvokunamata. (VaK. 1:9, 10) Zvisinei, kazhinji mudzidzi anobvunza mibvunzo panhau dzakasiyana-siyana pamunenge muchidzidza. Ingapindurwa sei?
2 Iva Anonzwisisa: Mibvunzo ine chokuita nezviri kudzidzwa inogona kupindurwa pakarepo. Kana mubvunzo uchizopindurwa gare gare mubhuku riri kudzidzwa, zvingava zvakakwana kumuudza pauchazopindurwa. Zvisinei, kana mubvunzo usina chokuita nezviri kudzidzwa kana kuti uchida kuti munhu atsvakurudze kuitira kuti azopindura zvakanaka, zvingava nani kuzoupindura mapedza kudzidza kana kuti pane imwe nguva. Vamwe vanoona kuti kunyora mubvunzo wacho kunovimbisa mudzidzi kuti mubvunzo wake uri kukosheswa uye zvinobatsira kuti mudzidzi asatsauswa.
3 Dzidziso dzakawanda dzeBhaibheri dzinongokurukurwa muchidimbu mumabhuku edu okudzidza. Zvakadini kana mudzidzi achiomerwa nokubvuma imwe dzidziso kana kuti achisimbirira kudavira dzidziso yenhema? Zvingava zvinobatsira kukurukura mashoko okuwedzera anonyatsokurukura zvinotaura Bhaibheri panyaya yacho. Kana mudzidzi akasagutsikana, siya nyaya yacho mozoikurukura pane imwe nguva uye endererai mberi nokudzidza kwenyu senguva dzose. (Joh. 16:12) Sezvaanowana zivo yakakura yeBhaibheri uye ofambira mberi mune zvokunamata, angazonzwisisa dzidziso iya yeBhaibheri.
4 Iva Nomwero: Kana usina chokwadi nemhinduro yomubvunzo, usamuudza zvaunofunga. (2 Tim. 2:15; 1 Pet. 4:11) Tsanangura kuti uchatsvakurudza nyaya yacho wozouya nemhinduro. Unotogona kushandisa mukana wacho kudzidzisa mudzidzi wacho kutsvakurudza oga. Zvishoma nezvishoma muratidze nzira yokushandisa nayo zvokutsvakurudza nazvo zvinopiwa nesangano raJehovha. Nenzira iyi pakupedzisira achagona kupindura mibvunzo yake.—Mab. 17:11.