RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/07 p. 6
  • Govera Magazini Anopupura Chokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Govera Magazini Anopupura Chokwadi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Yokugadzirira Nayo Mharidzo Dzemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Kushandisa Kwatingaita Mharidzo Dzomuenzaniso
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Magazini Anozivisa Umambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 12/07 p. 6

Govera Magazini Anopupura Chokwadi

1. Basa reNharireyomurindi neAwake! nderei?

1 Magazini yeNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha neimwe yayo yeAwake! ndiwo ari kuramba achinyanya kushandiswa mubasa rokuparidza Umambo nokudzidzisa vanhu. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Tinofara kugara tichishandisa magazini aya anofambirana nenguva patinenge tichiita mabasa edu akasiyana-siyana oUmambo.

2. Magazini eNharireyomurindi neAwake! akachinjwa sei, uye nei?

2 Mumakore ose aya tave tichiona magazini acho achichinja kukura kwaakaita, mashoko awo uyewo nzira dzatinoshandisa kuaparadzira. Kuchinja uku kwakaitwa nechinangwa chokuita kuti magazini acho awedzere kunakidza uye kubatsira, kuitira kuti mashoko oUmambo asvike pamwoyo ‘yevanhu vemarudzi ose kuti vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.’—1 Tim. 2:4.

3. Magazini achashandiswa sei muushumiri?

3 Kubvira muna January 2006, tave nyanzvi pakushandisa mharidzo dzakasiyana-siyana dzemagazini yeAwake! inobuda kamwe chete pamwedzi. Iye zvino muushumiri tichangoitawo saizvozvo pakugovera magazini imwe chete pambiri dzinobuda mwedzi woga woga dzeNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha. Mharidzo dzokuenzanisira magazini imwe neimwe dzinowanika papeji yokupedzisira muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kazhinji kacho dzinotaura imwe yenyaya dzokutanga dzemagazini, asi pane dzimwe nguva dzinotaura dzimwewo nyaya dzinonakidza vanhu vakawanda. Tingashandisa mharidzo idzi zvinobudirira zvikuru kana tichinyatsoziva nyaya dzinenge dzichienzanisirwa nemharidzo dzacho totaura nemashoko edu zvinoenderana nendima yedu.

4. Nei zvichibatsira kushandisa dzimwe mharidzo pane kungoshandisa dzakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo?

4 Kunyange zvazvo Ushumiri Hwedu hwoUmambo huchange huine mharidzo mbiri dzokugovera magazini imwe chete, inzwa wakasununguka kushandisa chero imwewo mharidzo. Chikonzero chacho ndechokuti imwe yenyaya dzacho ingadai ichifarirwa zvikuru mundima yenyu. Kana kuti ungafunga kuti unogona kupa mharidzo yakanaka nokushandisa nyaya yaunonyatsofarira.

5. Usati wagadzirira mharidzo yokugovera magazini, unofanira kuitei?

5 Kugadzirira Kwaungaita Mharidzo Yako: Kutanga, unofanira kunyatsoziva nyaya yaunosarudza kushandisa. Nguva dzose hazvingaiti kuti uzive nyaya dzose dzinenge dziri mumagazini yacho usati watanga kuishandisa muushumiri. Zvisinei, unofanira kufarira nomwoyo wose nyaya dzaunenge wasarudza kushandisa. Unogona kuita izvozvo chete kana uchinyatsoziva mashoko auchataura.

6. Tingagadzirira sei mharidzo dzedu?

6 Zvadaro, inzwa wakasununguka kuchinja paunenge uchigadzirira mashoko auchatanga kutaura. Ungashandisa mubvunzo unoita kuti munhu afarire uri munyaya yacho kuti mutange kukurukurirana. Nguva dzose vimba nesimba reShoko raMwari kuti usvike pamwoyo womunhu. (VaH. 4:12) Sarudza rugwaro rwakakodzera runoenderana nenyaya yaunenge wasuma, zvichida rugwaro ruri munyaya yaunenge uchikurukura. Funga kuti ungabatanidza sei rugwaro rwacho nenyaya yacho.

7. Tinganatsiridza sei mharidzo dzedu?

7 Pose Panowanika Mukana: Kuti mharidzo ibudirire, inofanira kushandiswa. Budawo neungano mubasa remagazini musi woMugovera. Govera magazini acho vanhu vakambotora mamwe mabhuku. Gara uchipa magazini acho vanhu vaunodzidza navo Bhaibheri uye vamwe vanhu vanenge varipo paunodzokera kune vaya vawakamboona. Ungagoverawo magazini kune vamwe vanhu vaunotaura navo paunoenda kunotenga, paunenge uri parwendo, kana kuti wakamirira kuonekwa nachiremba. Natsiridza mharidzo dzako paunenge uchidzishandisa mwedzi wacho.

8. Magazini eNharireyomurindi neAwake! akasiyana nemamwe pakudini?

8 Magazini eNharireyomurindi neAwake! akasiyana nemamwe. Anokudza Jehovha saChangamire wezvinhu zvose zvakasikwa. (Mab. 4:24) Anonyaradza vanhu nemashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye anokurudzira vanhu kutenda muna Jesu Kristu. (Mat. 24:14; Mab. 10:43) Uyezve, anoramba akatarira zviri kuitika munyika sezvo zvinozadzisa uprofita hweBhaibheri. (Mat. 25:13) Yamura vanhu vari mundima yako kuti vabatsirwe nemagazini aya nokugadzirira kuagovera pose panowanika mukana!

9. Tingaita sei kuti tizodzokazve?

9 Kana ukabudirira kugovera magazini kana kuti ukangokwanisa kutaura zvokunamata nomumwe munhu, siya mubvunzo kana kuti mashoko anoita kuti munhu wacho afunge zvichizoita kuti uzodzokazve kuti mukurukure zvokunamata. Kana tichishingaira kudyara mbeu dzechokwadi, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achazarura mwoyo yevanhu vanoda nomwoyo wose kumuziva uye kumushumira.—1 VaK. 3:6.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe