Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna February: Vaparidzi vangagovera bhuku rinenge riripo pane anotevera: Is There a Creator Who Cares About You?, Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, kana kuti Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? March: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Vaparidzi vanofanira kufunga nezvekutanga chidzidzo cheBhaibheri kana bhuku iri rikagoverwa kana kuti kana vanasaimba vachitova naro. April naMay: Nharireyomurindi neAwake!
◼ Tinokurudzira vaparidzi kuti vashandise mazita ari pazvitupa zvavo pane zvavanenge vachiita neungano uye nehofisi yebazi panzvimbo pokushandisa mamwe mazita kana kuti mazita emadunhurirwa. Vanyori veungano vanofanira kuva nemazita akarurama akanyorwa zvakarurama pakadhi romuparidzi mumwe nomumwe reChinyorwa Chomuparidzi Cheungano (S-21). Vatariri vematunhu vachava nechokwadi chokuti izvi zvose zviri paS-21 uye kuti pakanyorwa mazita chaiwo akapereterwa zvakarurama. Zvinokoshawo kuti paS-21 pave nemisi yokuberekwa neyokubhabhatidzwa.