Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna May: Magazini eNharireyomurindi neAwake! Paunenge uchishanyirazve vaya vanofarira, kusanganisira vaya vakapinda Chirangaridzo kana kuti mimwe misangano ine chokuita nokunamata asi vasiri kuwadzana nguva dzose neungano, funga nezvokutanga kudzidza navo Bhaibheri uchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei. June: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho, vaparidzi vangagovera chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1995 asati asvika. July naAugust: Vaparidzi vangashandisa chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 rinenge riripo pane ari pasi apa: Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, Zita raMwari Richagara Nokusingaperi, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, A Book For All People, A Satisfying Life—How to Attain It, uye Midzimu Yevakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here? Shandisai mabhurocha akawandisa anenge aripo.