Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna November: Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei? Kana mukapedza mabhurocha enyu mwedzi usati wapera, tapota goverai bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei uye vavarirai kutanga zvidzidzo zveBhaibheri pamunoshanya kekutanga. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana pane vana mumhuri yacho, goverai bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru. January 2011: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho, vaparidzi vangagovera chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1995 asati asvika. February: Vaparidzi vangagovera rimwe remabhuku anotevera kana aripo: Is There a Creator Who Cares About You?, Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, kana kuti Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
◼ Mwedzi waDecember une zororo rechikoro kuwedzera pamazororo akawanda enyika. Tinokurudzira vaparidzi vose kuti vafunge nezvokutora upiyona hwebetsero mumwedzi wacho. Kana mamiriro enyu ezvinhu achikubvumirai, tapota onai munyori wenyu motora fomu rokukumbira kupayona nokukurumidza.