‘Kupupurira Kwazvo’ Pamusoro poUmambo hwaMwari
1. Tichadzidzei paChidzidzo cheBhaibheri Cheungano kutanga vhiki yaMarch 14?
1 Muvhiki inotanga naMarch 14, 2011, tichatanga kudzidza bhuku rinonzi ‘Kupupurira Kwazvo’ Pamusoro poUmambo hwaMwari paChidzidzo cheBhaibheri Cheungano. Bhuku iri rinokurukura zviri mubhuku reMabasa nenzira inoita kuti muverengi aone kufadza kunoita zviitiko zvinonakidza zviri mubhuku iri. Bhuku raKupupurira haritsananguri ndima imwe neimwe, asi rinongotora zvidzidzo kubva munhoroondo dziri mubhuku reMabasa uye rinobatsira mumwe nomumwe wedu kuona kuti angazvishandisa sei.—VaR. 15:4.
2. Tsanangura zvakaita bhuku raKupupurira.
2 Zvakaita Bhuku Racho: Mashoko okusuma ari papeji 2 itsamba youshamwari inobva kuDare Rinodzora inorondedzera kuda kwavanoita kuti tibatsirwe nebhuku iri. Kutangira pachitsauko 2, pane mashoko anotsanangura pfungwa huru yechitsauko chimwe nechimwe uye pane Rugwaro runoratidza chikamu chebhuku reMabasa chichakurukurwa. Zvitsauko zvaro zvizhinji zvine mabhokisi ane mashoko anotsanangura nezvevanhu, nzvimbo, kana kuti zviitiko. Mumicheto makasiyiwa nzvimbo yakafara yokuti tinyorere manotsi. Bhuku racho rose rine mifananidzo yezviitiko zvomuBhaibheri zvakanyatsotsanangurwa inotibatsira kufungidzira zviitiko zvinokosha, uye papeji yokupedzisira pane indekisi yemifananidzo inotsanangura zviri kuratidzwa mumifananidzo yakasiyana-siyana. Mukati mekavha mune mepu dzinotibatsira kuona kubudirira kwakaita hama dzedu dzomuzana remakore rokutanga sezvadzakatanga kuparadzira mashoko akanaka “kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.”—Mab. 1:8.
3. Mibvunzo ipi inokosha ichapindurwa pakudzidza kwatichaita bhuku reMabasa?
3 Mhinduro Dzemibvunzo Inokosha: Kukurukura bhuku reMabasa kuchatibatsira kunzwisisa zvakajeka mhinduro dzemibvunzo inokosha pamusoro peushumiri hwechiKristu. Somuenzaniso, vateveri vaJesu Kristu vanozivikanwa nebasa rei uye nemashoko api? Ndiani ari kutungamirira basa rokuparidza munyika yose, uye sei? Vashumiri vanowana mukana wei pavanotambudzwa uye pavanoshorwa? Mudzimu mutsvene unoita basa rei muushumiri hwedu?
4. Tinganyatsobatsirwa sei nokudzidza bhuku iri?
4 Kuti unyatsobatsirwa, fanodzidza, uye gadzirira kuzopawo mhinduro pamusangano. Pinda musangano mumwe nomumwe, uye fungisisa kuti zvaunenge wadzidza ungazvishandisa sei muushumiri hwako. Dai tikakurudzirwa nokudzidza kwatichaita bhuku iri kuti tipupurire kwazvo pamusoro poUmambo hwaMwari!—Mab. 28:23.