Nzira Shanu Dzokuti Uwane Munhu Wokudzidza Naye Bhaibheri
1. Kana zvichitiomera kuwana munhu wokudzidza naye Bhaibheri mundima yedu, tinofanira kuitei, uye nei?
1 Unoona zvakaoma here kuti uwane munhu wokudzidza naye Bhaibheri? Ramba uchiedza. Jehovha anokomborera vanhu vasingakandi mapfumo pasi pakuita kuda kwake. (VaG. 6:9) Pazasi apa pane mazano mashanu okukubatsira.
2. Ndepapi patingaudza vanhu kuti tinoda kudzidza navo?
2 Vabvunze Kana Vachida Kudzidza Bhaibheri: Vanhu vakawanda vanoziva kuti tinogovera Nharireyomurindi neAwake!, asi vanogona kunge vasingazivi kuti tinoitawo zvidzidzo zveBhaibheri nevanoda. Paunoenda paimba neimba wadii kuedza kuudza munhu kuti unoda kudzidza naye Bhaibheri? Unogonawo kubvunza vanhu vanofarira vaunogara uchiendesera magazini kana vachidawo kudzidza Bhaibheri. Kana vakati havadi, unogona kuramba uchivaendesera mabhuku uye uchiita kuti varambe vachifarira. Imwe hama yakanga yava nemakore ichiendesera mumwe murume nomukadzi magazini mwedzi nomwedzi. Rimwe zuva pashure pokunge yasiya magazini yatendeuka kuti ichienda, yakabva yadzoka ndokuti: “Mungada here kudzidza Bhaibheri?” Akashamisika nokuti vakabvuma. Iye zvino murume nomukadzi uyu vakatobhabhatidzwa.
3. Tinofanira kufungidzira kuti vanhu vose vanopinda misangano vane vanhu vavari kutodzidza navo Bhaibheri here? Tsanangura.
3 Vanhu Vanouya Kumisangano: Usafungidzira kuti vanhu vose vanofarira vari kuuya kumisangano yeungano vane vavanodzidza navo Bhaibheri. Imwe hama yakati: “Vanopfuura hafu yevanhu vandinodzidza navo ndevandakataura navo ndavaona vachiuya kumisangano.” Imwe hanzvadzi yakasarudza kuenda kunotaura nemumwe mudzimai airatidza kuti anonyara uyo aiva nevanasikana vake vakabhabhatidzwa vaiva muungano iyoyo. Mudzimai uyu akanga ava nemakore 15 achipinda misangano uye aisvika paImba yoUmambo misangano yava pedyo nokutanga obuda painongopera. Mudzimai uyu akabvuma kudzidza Bhaibheri uye akazobhabhatidzwa. Hanzvadzi yakamudzidzisa yakanyora kuti: “Ndine urombo zvikuru kuti ndakarega makore 15 achipfuura ndisati ndamubvunza kana aida kudzidza Bhaibheri!”
4. Tingawana sei vanhu vokudzidza navo taita zvokuudzwa nevamwe?
4 Vanhu Vatinoita Zvokuudzwa Nevamwe: Imwe hanzvadzi inoenda nevane zvidzidzo zveBhaibheri. Kana ichinge yabvumirwa nemunhu ari kudzidzisa, chidzidzo kana chapera hanzvadzi iyi inobvunza mudzidzi kana paine vaanoziva vangadawo kudzidza Bhaibheri. Pakugovera bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kumunhu waunogara uchiendesera magazini unogona kubvunza kuti: “Munoziva here mumwe munhu angafarira bhuku iri?” Pane dzimwe nguva, pane zvinhu zvinogona kutadzisa vaparidzi kana kuti mapiyona kuti adzidze nemunhu wavanenge vasangana naye mundima. Pakadai unofanira kuudza vamwe kuti uri kudawo munhu wokudzidza naye.
5. Nei zvakanaka kubvunza varume kana madzimai vasiri zvapupu asi vakaroorana nevanhu vemuungano yedu kana vachida kudzidza Bhaibheri?
5 Murume Kana Mudzimai Asiri Chapupu: Pane vaparidzi vari muungano yenyu vane varume kana vakadzi vasiri Zvapupu here? Vamwe varume kana vakadzi vasiri Zvapupu havadi kutaura zveBhaibheri newavakaroorana naye asi vanobvuma kuzviita nomunhu asiri womumhuri mavo. Kazhinji zvakanakisisa kuti utange wanzwa kune mudzimai kana kuti murume ari Chapupu kuti uzive matangiro.
6. Munyengetero unokosha zvakadii pakutsvaka wokudzidza naye Bhaibheri?
6 Munyengetero: Usamborerutsa simba rine munyengetero. (Jak. 5:16) Jehovha anovimbisa kuteerera zvatinokumbira kana zvichienderana nezvaanoda. (1 Joh. 5:14) Imwe hama yaiva nezvokuita zvakawanda yakatanga kunyengetera ichikumbira kuwana wokudzidza naye. Mudzimai wake akanetseka kana aizowana nguva yokudzidza nemunhu wacho kunyanya kana mudzidzi wacho ari munhu ane zvinetso zvakawanda. Saka paainyengeterera kuti murume wake awane wokudzidza naye aiudzawo Jehovha zvaaityira. Minyengetero yavo yakapindurwa pashure pevhiki mbiri apo mumwe piyona womuungano yavo akawana munhu aida kudzidza Bhaibheri achibva amuendesa kune hama iya. Mudzimai wacho akanyora kuti: “Kune vanofunga kuti havambokwanisi kuitisa chidzidzo cheBhaibheri, ndinoti: Nyatsotaura zvaunoda paunenge uchinyengetera, uye usamboneta kutaura nezvazvo. Tiri kufara kudarika zvandaifungidzira.” Kana ukava nemwoyo murefu, unogona kuwana munhu wokudzidza naye Bhaibheri wova nemufaro unowanikwa nokubatsira mumwe munhu kupinda mumugwagwa “unoenda kuupenyu.”—Mat. 7:13, 14.