Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna March naApril: Nharireyomurindi neAwake! Pamunodzokera kunoona munhu anenge afarira, edzai kutanga kudzidza naye Bhaibheri muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kana zvichibatsira munhu wacho munogona kutanga nebhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi. May naJune: Shandisai rimwe rematurakiti aya: Farikanya Upenyu Hwemhuri, Ndiani Zvomenemene Anobata Ushe Nyika?, Chikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri, kana kuti Ungada Here Kuziva Chokwadi? Kana munhu akaratidza kufarira, ratidzai kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kana kuti bhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi.
◼ Chirangaridzo chichaitwa musi weChipiri 26 March, 2013. Kana ungano yenyu ichiita misangano musi weChipiri, misangano yacho inofanira kuitwa rimwe zuva muvhiki iroro kana Imba yoUmambo isiri kushandiswawo nevamwe. Kana Musangano Webasa ukatadza kuitwa, murongi mudare revakuru angaronga kuti dzimwe hurukuro dzinoshanda muungano yenyu dzizokurukurwa pane mumwe Musangano Webasa mumwedzi unotevera. Ungano dzinenge dziine mutairi wedunhu dzinofanira kuchinja zuva remisangano inoitwa neChipiri manheru dzozoita rimwe zuva muvhiki iroro.