Zviziviso
◼ September naOctober 2013: Magazini eNharireyomurindi neAwake! November naDecember 2013: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? kana kuti Ungada Here Kuziva Chokwadi? Onai kuti: Turakiti reMashoko oUmambo ndiro richagoverwa panzvimbo pezvichagoverwa pane mumwe mwedzi pakati paNovember kana kuti December 2013.
◼ Hurukuro yavose inokosha yemwaka weChirangaridzo wa2014 ichapiwa muvhiki yaApril 21. Musoro wehurukuro yacho uchazoziviswa. Ungano dzinenge dziine mutariri wedunhu kana kuti gungano redunhu vhiki iyoyo dzichazoita hurukuro iyi inokosha vhiki rinotevera. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro yacho inokosha musi wa21 April usati wasvika.