Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naFebruary 24, 2014.
Satani akaita kuti Evha afunge nezvei, uye Evha akaratidzei paakadya muti wakanga warambidzwa? (Gen. 3:6) [Jan. 6, w11 5/15 map. 16-17 ndima 5]
Abheri angava akabatsirwa nei kuti ave nokutenda kwakasimba, uye zvakazoguma nei? (Gen. 4:4, 5; VaH. 11:4) [Jan. 6, w13 1/1 p. 12 ndima 3; p. 14 ndima 4-5]
Vabereki vangaitei kuti vana vavo vasayemura ‘vanhu vane simba’ uye ‘vane mukurumbira’ vari munyika? (Gen. 6:4) [Jan. 13, w13 4/1 p. 13 ndima 2]
Tingadzidzei panyaya yaRoti nemudzimai wake iri pana Genesisi 19:14-17, uye 26? [Jan. 27, w03 1/1 map. 16-17 ndima 20]
Abrahamu akaratidza sei kuti aitenda kuti vakafa vachamutswa uye kuti mwana akavimbiswa naJehovha aizouya nokuna Isaka? (Gen. 22:1-18) [Feb. 3, w09 2/1 p. 18 ndima 4]
Ichokwadi chipi chinokosha chatingadzidza pauprofita huri pana Genesisi 25:23, hunoti “mukuru achashandira muduku”? [Feb. 10, w03 10/15 p. 29 ndima 2]
Kurota kwaJakobho kwaisanganisira anonzi manera nedzimwe shanduro kwairevei? (Gen. 28:12, 13) [Feb. 10, w04 1/15 p. 28 ndima 6]
Nei Rabhani akaita chipatapata chokutsvaka terafimu dzake dzakanga dzabiwa? (Gen. 31:30-35) [Feb. 17, it-2 p. 186 ndima 2; w04 6/1 p. 29 ndima 2]
Tinodzidzei pamapinduriro akaitwa Jakobho nengirozi pana Genesisi 32:29? [Feb. 24, w13 8/1 p. 10]
Tingaita sei kuti tidzivise matambudziko akafanana neakawira Dhina? (Gen. 34:1, 2) [Feb. 24, w01 8/1 map. 20-21]