Zviziviso
Zvichagoverwa muna February: Shandisai rimwe remabhurocha emapeji 32 anotevera: Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!, Teerera Mwari, kana kuti Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi. March naApril: Magazini eNharireyomurindi neAwake! May naJune: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? kana kuti rimwe rematurakiti akabudiswa pamagungano eruwa a2013.
Hurukuro yavose inokosha yemwaka weChirangaridzo cha2014 ine musoro unoti “Nei Mwari Ane Rudo Achibvumira Kuti Zvakaipa Zviitike?”
Vaparidzi havafaniri kuisa maBhaibheri pavanenge vachiparidza munzvimbo dzinowanika vakawanda vachishandisa chingoro kana kuti tafura. Asi vanogona kugara vaine maBhaibheri ekuzopa vanhu vanenge vakumbira kana kuti vanenge varatidza kufarira zvechokwadi.