Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna September naOctober: Magazini eNharireyomurindi neAwake! November naDecember: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? kana kuti rimwe rematurakiti anotevera: Unoona Sei Bhaibheri?, Unoona Sei Ramangwana?, Chii Chinodiwa Kuti Mhuri Ifare?, Ndiani Chaizvo Ari Kutonga Nyika Yose?, Kutambura Kuchazombopera Here?, kana kuti Chokwadi Vakafa Vangararamazve Here? January naFebruary 2015: Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! Edza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri uchishandisa bhurocha iri.
◼ Hurukuro yavose inokosha yemwaka weChirangaridzo wa2015 ichapiwa muvhiki yaApril 6. Musoro wehurukuro yacho uchazoziviswa. Ungano dzinenge dziine mutariri wedunhu kana kuti gungano vhiki iyoyo dzichazoita hurukuro iyi inokosha vhiki rinotevera. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro yacho inokosha musi wa6 April usati wasvika.
◼ Kutanga muna September, vatariri vematunhu vachapa hurukuro yavose ine musoro unoti “Kubatsirwa Kwatinoitwa Neuchenjeri hwaMwari.”