Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kubatsira Vadzidzi veBhaibheri Kuva Nepurogiramu Yakarongeka Yekudzidza Vari Vega
Sei Zvichikosha: Kuti vafambire mberi pakunamata, vadzidzi veBhaibheri havafaniri kungogumira pakudzidza chokwadi chinokosha cheShoko raMwari. (VaH. 5:12–6:1) Kudzidza kunotoda kushanda nesimba. Kunosanganisira kubatanidza zvatinenge tichidzidza nezvatinotoziva nechekare uye kuziva kuti zvinoshanda sei muupenyu hwedu. (Zvir. 2:1-6) Kana vadzidzi veBhaibheri vakadzidza kutsvakurudza vari vega, vachakwanisa kupindura mibvunzo yeBhaibheri vachishandisa mabhuku edu. Kuita zvese zvavanogona kuti vashandise zvavari kudzidza kuchavabatsira kutsungirira miedzo yavachasangana nayo kana vava Zvapupu.—Ruka 6:47, 48.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Pamunenge mapedza kudzidza musoro muduku kana kuti chitsauko, ita kuti mudzidzi wako weBhaibheri ataure zvaadzidza mumashoko mashomanana. Kana usina munhu waunodzidza naye Bhaibheri edza izvi: Pashure pekuverenga chimwe chikamu muBhaibheri kana kuti imwe ndima muNharireyomurindi, edza kupfupikisa zvaunenge waverenga kuti uone kuti wabata zvakadini.