Zviziviso
◼ Zvatichapa vanhu muna October: Magazini eNharireyomurindi neAwake! November naDecember: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? kana kuti rimwe rematurakiti anotevera: Unoona Sei Bhaibheri?, Unoona Sei Ramangwana?, Chii Chinodiwa Kuti Mhuri Ifare?, Ndiani Chaizvo Ari Kutonga Nyika Yose?, Kutambura Kuchazombopera Here?, Chokwadi Vakafa Vangararamazve Here?, kana kuti Chii Chinonzi Umambo hwaMwari? January naFebruary 2016: Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! kana kuti rimwe remabhurocha emapeji 32 anotevera: Mhuri Yenyu Inogona Kufara, Dzidzisai Vana Venyu, Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi, kana kuti Unogona Kuva Shamwari yaMwari.
◼ Hurukuro yavose inokosha yemwaka weChirangaridzo cha2016 ichapiwa muvhiki yaMarch 28. Musoro wehurukuro yacho uchazoziviswa. Ungano dzinenge dziine mutariri wedunhu kana kuti gungano vhiki iyoyo dzichazoita hurukuro iyi inokosha vhiki rinotevera. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro yacho inokosha musi waMarch 28 usati wasvika.