PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | NEHEMIYA 9-11
Vashumiri Vakatendeka Vanotsigira Urongwa Hwekunamata
Vanhu vaMwari vakatsigira nemwoyo wose kunamata kwechokwadi nenzira dzakasiyana-siyana
VaIsraeri vakagadzirira uye vakapemberera Mutambo weMatumba maererano nezvaifanira kuitwa
Mazuva ose emutambo wacho, vanhu vaiungana kuti vateerere Mutemo waMwari uchiverengwa, izvo zvakaita kuti vafare
Vanhu vakareurura zvivi zvavo, vakanyengetera uye vakakumbira Jehovha kuti avakomborere
Vanhu vakabvumirana kuti vaizoramba vachitsigira urongwa hwekunamata
Kutsigira urongwa hwekunamata kwaisanganisira kuita zvinotevera:
Kuroorana nevaya chete vaishumira Jehovha
Kupa mari yezvipo
Kuchengeta Sabata
Kuendesa huni dzeatari
Kupa Jehovha zvibereko zvekutanga pazvirimwa uye zvipfuwo zvaitanga kuberekwa