PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | ZVIREVO 1-6
“Vimba naJehovha Nomwoyo Wako Wose”
Jehovha akakodzera kuti tinyatsovimba naye. Zvinorehwa nezita rake zvinoita kuti tivimbe kuti achazadzisa zvose zvaanotaura. Kunyengetera kunotibatsirawo kuti tinyatsovimba naye. Zvirevo chitsauko 3 inotiudza kuti Jehovha ‘acharuramisa nzira dzedu’ kana tikavimba naye.
Munhu anozviti akachenjera . . .
anosarudza zvekuita asina kubvunza Jehovha
anovimba nepfungwa dzake kana kuti nemafungiro enyika
Munhu anovimba naJehovha . . .
anosimbisa ushamwari hwake naye nekuverenga Bhaibheri, kufungisisa uye kunyengetera
anoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri kuti azive zvekuita
CHEKUTANGA: Ndinosarudza zvandinofunga kuti ndizvo zvakanaka |
CHEKUTANGA: Ndinonyengetera, ndotsvaka kuti Bhaibheri rinoti kudii |
CHECHIPIRI: Ndozokumbira Jehovha kuti andikomborere |
CHECHIPIRI: Ndozosarudza kuita zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri |