KURARAMA KWECHIKRISTU
Kunyoreswa Zviri Pamutemo Kwebasa Redu muQuebec
Pauro paaitongwa, akakwidza nyaya yake kuna Kesari. Akashandisa kodzero yake sechizvarwa cheRoma uye ndizvo zvatinogona kuitawo mazuva ano. Ona vhidhiyo inonzi Kunyoreswa Zviri Pamutemo Kwebasa Redu muQuebec unzwe kuti hama dzedu dzakashandisa sei mutemo kuti dzidzivirire mashoko akanaka muQuebec, wobva wazopindura mibvunzo inotevera:
Matambudziko api akasangana nehama dzedu dzekuQuebec?
Vakapa vanhu turakiti ripi, uye zvakaguma nei?
Chii chakaitika kuna Hama Aimé Boucher?
Dare Repamusorosoro rekuCanada rakapa mutongo wekutii panyaya yaHama Boucher?
Mutemo upi wakashandiswa nehama, uye zvakaguma nei?
Chii chakaitika mumwe fata paakatuma mapurisa kuti anovhiringidza misangano yeZvapupu zvaJehovha?