RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w24 March p. 32
  • ‘Kuregerera Zvivi Zvakaitika Kare’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Kuregerera Zvivi Zvakaitika Kare’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Mashoko Akafanana
  • Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Rudzikinuro—Chipo chaMwari Chinopfuura Zvese
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Ramba Uchikoshesa Rudzikinuro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Rudzikinuro Runoratidza Kukura Kwakaita Kururama kwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
w24 March p. 32

PFUNGWA YEMUBHAIBHERI

‘Kuregerera Zvivi Zvakaitika Kare’

Zvivi zvedu zvinokwanisa kungoregererwa chete kuburikidza nechibayiro cherudzikinuro chakabhadharwa naJesu achishandisa ropa rake. (VaEf. 1:7) Asiwo Bhaibheri rinoti: “Mwari, nemwoyo murefu wake, akaregerera zvivi zvakaitika kare” kureva zvivi zvakaitika Jesu asati apa upenyu hwake serudzikinuro. (VaR. 3:25) Nei Jehovha aikwanisa kuregerera zvivi zvakaitika rudzikinuro rusati rwabhadharwa, asi oramba ari Mwari anotonga zvakarurama?

Jehovha akavimbisa kuti paizova “nemwana” aizoponesa vanhu vaitenda maari uye muvimbiso dzake. Saka paakaita vimbiso iyoyo, kwaari zvaitoita sekuti rudzikinuro rwakanga rwatobhadharwa kare. (Gen. 3:15; 22:18) Mwari ainyatsoziva kuti Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga aizobvuma kuzvipa sechibayiro cherudzikinuro panguva chaiyo. (VaG. 4:4; VaH. 10:​7-10) Jesu paaiva panyika, Jehovha akamupa simba rekuregerera zvivi rudzikinuro rwusati rwabhadharwa. Aikwanisa kuregerera zvivi zvevaya vaitenda maari nekuti aiziva kuti rudzikinuro rwaizofukidza zvivi zvavo.—Mat. 9:​2-6.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe