RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 1/8 pp. 13-15
  • Neiko Ndichitsamwa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Ndichitsamwa?
  • Mukai!—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Tichitsamwa
  • Kutsamwa Kusingadzorwi
  • Ndinogona Sei Kudzora Kutsamwa Kwangu?
    Mukai!—1988
  • Bhaibheri Rinotii Nezvehasha?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kushatirwa Kwakaipa Here Nguva Dzose?
    Mukai!—1994
  • Kudzorerei Hasha Dzako?
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—1988
g88 1/8 pp. 13-15

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Neiko Ndichitsamwa?

“Apo ndinoshatirwa, ndinotyisa, uye haungadi kuswedera pedyo neni. . . . Ndinotsvuka kumeso. . . . Pane dzimwe nguva ndinozhamba.”—Evan wamakore 11 okukura.

MUKOMA wako anokanganisa bhurauzi raunodisa zvikuru. Mudzidzisi wako anokupa mamakisi asina kunaka pabvunzo. Apo unorida zvikurusa, muchina wokuomesa vhudzi wako unoramba kushanda. Nokuda kwepwere dzakawanda, pindiro ipi neipi yakadaro, kusaruramisira, uye kudzongoyedzwa kunogona kuparira makunzwa ekushatirwa.

Nyaya iri mumagazini inonzi Health yakanyorwa naDr. Georgia Witkin-Lanoil inotsanangura kuti: “Sezvo ndangariro inodavidza kuchinoitika chinoshatirisa, muitiro wokuzvidzora wetsinga unonyanduka. Adrenaline, inobudiswa mumaburi eadrenal, inotanga kudururwa muropa, ichiwedzera kurova kwomwoyo nokufema, nokunyandura kubudiswa kweshuga yakachengetedzwa nokuda kwesimba.”

Nomuuyoi? “Zviito zvatinoita pasi pepesvedzero yaadrenaline yedu timene,” anopfuurira Dr. Witkin-Lanoil, “kazhinji kazhinji kunyanyisa. Tinozhambatata tichitaura mashoko asiri echokwadi, kurova, kuchinya, kuparadza kana kuti kusiya chinoitika chacho takafufutirwa.” Nyaya iri mumagazini ye’Teen nenzira yakafanana yakacherechedza kuti kutsamwa “kunogona kukuita kuti utaure zvinhu zvausati uchireva, urasikirwe neshamwari—kunyange kuva namarwadzo mumuviri mukati.”

Wakambotsamwa here? Kana zvakadaro, hausati uriwe woga. Kufanana navazhinji vedu, iwe pasina panikiro wakanzwa sebenzi pashure ndokushamisika, kuti ‘Neiko ndaita izvozvo?’ Hungu, neiko kwakaoma kudaro nokuda kwavamwe kudzora hasha dzavo? Kwakakodzera here kuita nhamburiko yokuedza kudaro?

Chikonzero Nei Tichitsamwa

Rutivi rwechikonzero nei tichigona kunzwa takatsamwa panguva nenguva imhaka yokuti takaitwa “mumufananidzo waMwari.” (Genesi 1:27, NW) Mwari iye amene akatsamwa! Somuenzaniso, muapostora Pauro akataura kuti: “Nokuti kutsamwa kwaMwari kuri kuratidzwa kuchibva kudenga murwisano nokusada Mwari kwose nokusarurama kwavanhu vanodzidzisa zvokwadi nenzira isina kururama.”—VaRoma 1:18, NW.

Cherechedza, kunyanguvezvo, kuti kutsamwa kwaJehovha Mwari kunoparirwa norudo nokuda kwokururama uye nokururamisira. Kutsamwa kwaMwari haisati ichingova nhau yokungo‘tsamwa.’ Iye anodzora kutsamwa kwake ndokukuratidzira munzira yakarurama. Naizvozvo, apo akavigira ruparadziko kunyika yakaipa kupfurikidza namafashamo epasi rose, haana kurasikirwa nokuzvidzora kwomugariro wacho. Munzvimbo mezvo, iye akachengeta “Noa . . . akachengeteka navamwe vanomwe.” (2 Petro 2:5) Naizvozvo Jehovha Mwari anogona kurondedzerwa sa“Mwari ane ngoni nenyasha, unononoka kutsamwa naazere netsitsi dzorudo nezvokwadi.”—Eksodho 34:6, NW.

Nemhaka yokuti Mwari akasika vanhu mumufananidzo wake, tine kunzwa kuri matiri kwokururamisira. Naizvozvo kana tikasangana nokubatwa kusina kunaka kana kuti kusaruramisira, nenzira yomuzvarirwo tinogona kunzwa kutsamwa kuchinyanduka matiri. Ikoku kwakaitika kuchiverengero chakati chavanhu voumwari munguva dzeBhaibheri.

Somuenzaniso, Mosesi, mutungamiriri worudzi rwaIsraeri, akatsamwa apo varume vazhinji vakamupandukira. (Numeri 16:1, 15) Uye kunyange Jesu Kristu akaratidzira kutsamwa! Apo akacherechedza kuti vanhu vakanga vachiita bhizimisi rezvokutengeserana mutembere yaMwari yokunamata, iye akaraira nokutsamwa kuti: “Bvisai zvinhu izvozvo muno, musaita imba yaBaba vangu imba yokutengesera!” (Johane 2:13-16) Naizvozvo kutsamwa kwakarurama kwakakodzera nokuda kwomuKristu.

Sezvineiwo, kuzhinji kwokutsamwa kwedu hakusati kuchisundwa nokururama. Izvi imhaka, sokutaura kweBhaibheri, isu tose tiri “pasi pechivi.” Naizvozvo rinopfuurira kuti: “Hakuno munhu akarurama, hapana kunyange nomumwe zvake.” (VaRoma 3:9, 10) Naizvozvo, ipapo, kusakwana kwedu timene—nokukundikana kwavamwe—ndiwo manyuko anobvira okuvhiringidzika. “Dzimwe nguva vanhu vanokutsamwisa zvikuru,” anodaro Stephanie wechiduku.

Asi kazhinji kazhinji tinotsamwa pasina chikonzero chakarurama! Kusiana naJehovha anoona zvinhu zvose, isu tine chiono chakaganhurirwa chenhau ipi neipi. (VaHebheru 4:12, 13) Somuenzaniso, murume akachenjera Soromoni akacherechedza kuti “shoko rinorwadzisa rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1, NW) Dzimwe nguva, kunyanguvezvo, “shoko” rinotaurwa nokusava nemhaka, kana kuti ungava musere unotaurwa panguva isina kufanira kana kuti jee duku rokutamba. Tisingacherechedzi ikoku, tinotsamwa.

Pakupedzisira, pane idi rokuti makunzwa anosiana, uye vamwe vedu vanooneka sokunge vakakombamira zvikuru kukutsamwa kupfuura vamwe. Uye sepwere, uchindori kutanga kudzidza kudzora zvishuvo zvitsva zvose nesundo zvinovigirwa nokuyaruka. Unganzwa usina chokwadi newe umene, anokurumidza kutsamwiswa nokutsoropodzwa. Kusvikira wave kugona kudzora makunzwa ako, uri nyajambwa wokutsamwiswa zvikurukuru kubva mukati medenderedzwa remhuri. “Ndinotsamwisa nomukoma wangu,” anoreurura Lorie wamakore 15 okukura. “Iye anoziva nzira yokunditsamwisa nayo kupfurikidza nokutaura chimwe chinhu choupenzi kana kuti kupfurikidza nokururamisa chinhu chiri chose chandinotaura.” Kunzwa kwokutsamwa nenzira yakafanana kunogona kunyanduka pakati pako navabereki vako.

Chaizvoizvo, kunyanguvezvo, chinenge chinhu chiri chose chinogona kukutsamwisa kana ukakubvumira. Mubvunzo ndowokuti, Unobata sei makunzwa iwayo okutsamwa?

Kutsamwa Kusingadzorwi

Bhuku rinonzi Reaching Your Teenager rakacherechedza kuti “vanhu vazhinji havasati vachiziva nzira yokuratidzira nayo kutsamwa nenzira ine mufungo.” Vamwe vanoita kutsamwa kukuru kwohuwana. Vamwe vanova namasimba masimba, nenzira yokutaura kana kuti nenzira yokunyama. Vamwe kunze vanoratidzika kuva vakadzikama nepo nechomukati vari kupupira. Sezvakataurwa nomumwe mukadzi wechiduku kuti: “Apo ndinoshatirwa handisati ndichizhamba, ndinova anotonhora uye handizotaura.” Vamwewo vanopinda mumotokari yavo ndokubvisa kutsamwa kwavo munzira yavanochaira nayo.

Kutsamwa kusingadzorwi, zvisinei, kazhinji kazhinji hakusati kuchivaka. Purofesa Gary Schwartz wekuYale University anotaura kuti hasha ‘dzinoparira muuyo yakakomba zvikuru pamwoyo uye inotora nguva yakareba kupfuura mamwe makunzwa api naapi, kunyange rutyo.’ Dr. Redford B. Williams, Jr., wokuDuke University akataura kuti: “Makufunda anoverengeka iko zvino anokarakadza kuti kufa kwokukurumidza kwakawanda zvikuru kungave kuchibatanidzwa noruvengo.” Zvamazvirokwazvo hakusati kune utano hwakanaka kugadza muitiro wo‘kuzhambatata’ pakutsamwiswa kuri kwose. “Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri,” chinodaro chirevo chekare.—Zvirevo 14:30.

Mukuwedzera, hasha dzisingadzorwi kazhinji kazhinji dzinoita kuti mugariro wakaipa unyanyise. Yeuka nhauro yeBhaibheri yomukoma nomunin’ina vaviri vainzi Simeoni naRevhi vane hanzvadzi yavo yakabatwa chibharo. Nenzira inonzwisisika, vakatsamwiswa zvikuru apo vakanzwa nezvazvo! Asi vakaratidzira seiko kutsamwa kwavo. Bhaibheri rinotaura kuti vakafambisa zvinhu kuitira kuti ivo vagogona kuponda nenzira yokusanzwira tsitsi murume wechiduku akanga aine mutoro nokuda kwouku kubata chibharo—kubatanidza navarume vemhuri yake navarume vomugutaro!—Genesi ganhuro 34.

Makore gare gare ari pahuvato hwake hwokufa, baba wavo Jakobho akayeuka ichi chinoitika chamasimba masimba. Ko akavarumbidza nokuda kwokudzorera kwavo kwokutsamwa here? Mukupesana, iye akashurikidza kutsamwa kwavo nemhaka yokuti “kwakanga kuri kukuru, nehasha dzavo nokuti dzakanga dzakaipa.” (Genesi 49:7) Hungu, izvo vakaita mukutsamwa zvakanga zvakaipisisa kupfuura kutsamwiswa kwakanyandurwa munzvimbo yokutanga! Havana icho vakanga vapedza chinovaka uye vakanga vaparadza mukurumbira wavo.

Hakushamisi, ipapoka, kuti chirevo chinotaura kuti: “Unokurumidza kutsamwa, uchaita noupenzi.” (Zvirevo 14:17, NW) Kashoma zvikuru kuti munhu ari mumugariro wokutsamwiswa afunge kana kuti kuita nenzira ine mufungo. Kashoma zvikuru kuti munhu ari mumugariro wokufufutirwa atsvake kuwana nzira yechiKristu yokururamisa chakaipa. Mashoko omunyori weBhaibheri Jakobho naizvozvo anobvumikisa kuva echokwadi, anoti: “Kutsamwa kwomunhu hakuiti kururama kwaMwari.” (Jakobho 1:20) Kutsamwa kukuru, kutuka, nokuramba kutaura hakuna miuyo yakanaka.

Chokwadi, kutsamwa nokutuka mumwe munhu akukanganisira kungakuita unzwe wazorodzwa panguvayo. Asi kazhinji kazhinji unosvika pakuzvidemba nokuda kwamashoko—zvikurukuru apo mumweyo anenge ari mushandirwi, mudzidzisi, kana kuti mubereki! (Enzanisira naMuparidzi 10:4.) Zvirevo 29:11, NW naizvozvo inotaura kuti: “Benzi rinobudisa chimiro chendangariro yaro chose, asi munhu akachenjera unoramba akachiteramisa kusvikira pakupedzisira.”

Asi unogona kuita sei ikoko? Nyaya inotevera ichakurukura ikoko.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

Kusakwana kwedu timene—namakunzwa avamwe—ndiwo manyuko anobvira okuvhiringidzwa

[Mufananidzo uri papeji 14]

Ko kutsamwa kwakakodzera here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe