RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g90 10/8 pp. 6-7
  • Chipo Chinoshamisa Chechisarudzo Chokuita Zvaunoda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chipo Chinoshamisa Chechisarudzo Chokuita Zvaunoda
  • Mukai!—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Maitirwe Atinoitwa
  • Rusununguko Rune Ganhuriro
  • Mitemo Yaaniko?
  • Chipo Chinoshamisa Chokuzvisarudzira
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Usapotsa Donzo Rorusununguko Runopiwa naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Rudzi Rwakasununguka Asi Runozvidavirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Tingava Sei Nerusununguko Rwechokwadi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Mukai!—1990
g90 10/8 pp. 6-7

Chipo Chinoshamisa Chechisarudzo Chokuita Zvaunoda

KO IWE unoonga here kuva norusununguko rwokusarudza matungamirire auchaita upenyu hwako, chauchaita uye kutaura? Kana kuti ungada mumwe munhu here kuti akutaurire chinofanira kuva shoko rako riri rose uye chiito, miniti iri yose yezuva nezuva, chero bedzi uchirarama?

Hakuna munhuwo zvake anoda kuti upenyu hwake hutorwe musimba rake ndokudzorwa chose chose nomumwe munhuwo zvake. Kufanira kurarama nenzira iyeyo kungava kunodzvinyirira zvikuru uye kunokangaidza. Tinoda rusununguko.

Asika neiko tine chishuvo chakadaro chorusununguko? Kunzwisisa chikonzero nei tichikoshesa rusununguko rwedu rwechisarudzo ndicho chinhu chikurusa chokunzwisisa kuti uipi nokutambura zvingamuka sei. Kuchatibetserawo kunzwisisa chikonzero nei Mwari amirira kusvikira zvino asati aita chiito chokugumisa uipi nokutambura.

Maitirwe Atinoitwa

Apo Mwari akasika vanhu, pakati pezvipo zvizhinji zvinoshamisa zvaakavapa pakanga pane chisarudzo chokuita zvaunoda. Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari akasika munhu mu‘mufananidzo norufanano’ rwake, uye rimwe ramavara ana Mwari ndirwo rusununguko rwokuita chisarudzo. (Genesi 1:26; Dheuteronomio 7:6) Nokudaro, apo akasika vanhu, akavapa vara rinoshamisa rimwe chetero irero—chipo chechisarudzo chokuita zvaunoda.

Ndokusaka tichida rusununguko panzvimbo pouranda hunoitwa navabati ushe vanodzvinyirira. Ndochikonzero nei pfundepfunde dzichiumbika mukurwisana noubati ushe hune utsinye nohunodzvinyirira zvikuru zvokuti vanhu vanowanzomukira kuti vawane rusununguko.

Chishuvo chorusununguko hachizi tsaona. Bhaibheri rinopa chikonzero chinokosha. Rinoti: “Apo pano mudzimu waJehovha, pane rusununguko.” (2 VaKorinte 3:17, NW) Naizvozvo kuda rusununguko rutivi rwomuzvarirwo wedu nokuti Mwari akatisika nenzira iyeyo. Ndichimwe chinhu icho iye anoda kuti tive nacho nokuti iye amene ndiMwari worusununguko.—2 VaKorinte 3:17.

Mwari akatipawo mano endangariro, akadai samasimba okunzwisisa, kurangarira, uye chisarudzo, anoshanda mutsinhirano nechisarudzo chokuita zvaunoda. Iwawa anotigonesa kufunga, kurangarira zvinhu, kuita zvisarudzo, uye kutsauranisa zvakarurama nezvisinokururama. (VaHebheru 5:14) Hatina kusikirwa kuva vakafanana namarobhoti asingafungi asina chisarudzo chokuzviitira amene; uye hatina kusikirwa kuita zvinhu zvikurukuru noruzivo rwokuberekwa narwo, sezvakaitwa mhuka.

Pamwe chete nechisarudzo chokuita zvaunoda, vabereki vedu vokutanga vakapiwa chinhu chiri chose icho munhu upi noupi nomutoo une mufungo angada: Vakanga vaiswa muparadhiso yakafanana nomunhanga; vakanga vane zvinhu zvokunyama zvakawandisisa; vaiva nendangariro dzakakwana nemiviri isati yaizokwegura kana kuti kurwara ndokufa; vaizova navana vaizovawo nenguva yemberi inofadza; uye chiverengero chavagari vapasi chinowedzera chaizova nebasa rinogutsa rokushandurira pasi rose mukuva paradhiso.—Genesi 1:26-30; 2:15.

Mukuwirirana neicho Mwari akanga aita kuti chishande, Bhaibheri rinoti: “Mwari akaona chinhu chiri chose chaakanga aita uye, tarirai! icho chakanga chakanaka zvikuru.” (Genesi 1:31, NW) Bhaibheri rinotaurawo nezvoMusiki, kuti: “Mubato wake wakakwana.” (Dheuteronomio 32:4, NW) Hungu, akapa mhuri yomunhu mavambo akakwana. Hakusati kwaigona kuva kuri nani zvikuru.

Rusununguko Rune Ganhuriro

Zvisinei, chipo chinoshamisa chechisarudzo chokuita zvaunoda chaizova chisina ganhuriro here? Hekani waro, ungatsunga here kutyaira motokari mumugwagwa une motokari zhinjisa kudai kwakanga kusina mitemo yomumugwagwa, umo waiva wakasununguka kutyaira uri muchikamu chipi nechipi chomugwagwa, murutivi rwupi norwupi, pakumhanya kupi nokupi? Chokwadika, miuyo yorusununguko rwakadaro rwusina kuganhurirwa mumotokari ingava ngwavaira.

Ndikumwe cheteko muukama hwavanhu. Rusununguko rwusina gannhuriro nokuda kwavamwe rwungareva kusava norusununguko nokuda kwavamwe. Rusununguko rwusingadzorwi rwunogona kuparira nyongano, inokuvadza rusununguko rwomunhu ari wose. Panofanira kuva neganhuriro. Naizvozvo, chipo chaMwari chorusununguko hachisati chichireva kuti iye akarongedzerera vanhu kuzvibata nomutoo upi noupi vasingarangariri garikano yavamwe.

Shoko raMwari rinoti pane iri pfundo: “Zvibatei savarume vakasununguka, uye musatongoshandisa rusununguko rwenyu sepembedzo nokuda kwouipi.” (1 Petro 2:16, The Jerusalem Bible) Naizvozvo Mwari anoda kuti chisarudzo chedu chokuita zvatinoda chive chinodzorwa nokuda kwebetserwo yavose. Haana kurongedzerera vanhu kuva norusununguko rwakakwana, asi rusununguko rune mwero, runogona kuchinjwa nomurawo womutemo.

Mitemo Yaaniko?

Mitemo yaaniko yatakaitirwa kuti titeerere? Mitemo yaaniko inoshanda zvakanakisisa nokuda kwedu? Rumwe rutivi rworugwaro ruri pana 1 Petro 2:16 (NW) rwanyorwa pamusoro apa runoti: “Imi hamusati muri varanda vomumwe munhu kunze kwaMwari.” Ikoku hakusati kuchireva uranda hunodzvinyirira asi, panzvimbo pakwo, kuti isu takasikirwa kuva vanoteerera mitemo yaMwari. Tiri vanofara zvikuru kana tikaramba tichiiteerera.

Mitemo yaMwari, kupfuura bumbiro ripi neripi remitemo ringagona kuitwa navanhu, inogovera nhungamiro yakanakisisa zvikuru nokuda kwomunhu ari wose. Isaya 48:17 (NW), inoti: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Uyo anokudzidzisa kuti uzvibetsere iwe umene, Uyo anokuparira kufamba munzira umo iwe unofanira kufamba mairi.” Asika, panguva imwe cheteyo, mitemo yaMwari inobvumira nokuda kwenzvimbo huru yorusununguko mukati memicheto yayo. Ikoku kunobvumira nokuda kwechisarudzo chikuru chomunhu oga nemhatsa, kuchiita kuti mhuri yomunhu ive inofadza zvikuru, zvamazvirokwazvo, inoyevedza zvikuru.

Vanhu vanoteererawo mitemo yomusikirwo yaMwari. Somuenzaniso, kana tikafuratira mutemo wesimba rinokweva rapasi ndokusvetuka panzvimbo yakakwirira, tingakuvadzwa kana kuti kufa. Kana tikagara pasi pemvura tisina mudziyo chaiwo wokufema nawo, tingafa mumaminiti mashomanene. Uye kana tikafuratira mitemo yedu yomukati yomuviri ndokurega kudya zvokudya kana kuti kunwa mvura, tingafawo.

Nokudaro, vabereki vedu vokutanga, uye vose vakabva mavari, vakasikwa vane dikanwo yokuteerera mitemo yaMwari yetsika neyokugarisana kwavanhu uyewo mitemo yake yomusikirwo. Uye teerero kumitemo yaMwari haisati yaizova inoremedza. Panzvimbo pakwo, kwaizoshanda nokuda kwegarikano yavo neyeyo yemhuri yose yavanhu yaizouya. Kudai vabereki vedu vokutanga vakarambira mukati meganhuriro dzemitemo yaMwari, vose vaizodai vakave vari vane utano.

Chii chakaitika kuti chishatse mavambo akaisvonaka iwawo? Neiko, ipapoka, uipi nokutambura zvava zvakapararira? Nei Mwari akazvibvumidza kwenguva refu zvikuru?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Chipo chinoshamisa chechisarudzo chokuita zvaunoda chinotiparadzanisa namarobhoti asingafungi uye nemhuka dzinoita zvinhu zvikurukuru noruzivo rwokuberekwa narwo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe