RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g90 10/8 pp. 8-9
  • Chikonzero Nei Mwari Akabvumidza Kutambura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Mwari Akabvumidza Kutambura
  • Mukai!—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushandiswa Zvisinokufanira Kwechisarudzo Chokuita Zvaunoda
  • Icho Kupfuura Kwenguva Kunodzidzisa
  • Chii Chave Chiri Muuyo Worupanduko?
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Chikonzero Nei Mwari Akabvumidza Kutambura
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Nguva Yakabvumirwa naMwari Kutambura Yava Kupera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Nei Kune Kutambura Nokusaruramisira Zvakawanda Kwazvo?
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
Ona Zvimwe
Mukai!—1990
g90 10/8 pp. 8-9

Chikonzero Nei Mwari Akabvumidza Kutambura

“Hakusati kuri kwomunhu ari kufamba kururamisa nhano kunyange yake. Ndiruramisei, Haiwa Jehovha.”—Jeremia 10:23, 24, NW.

MASHOKO iwawo akanyorwa zviuru zvamakore pashure pokunge vanhu vasikwa. Jeremia akaziva kuti kusvikira kuzuva rake, nhau yomunhu yakanga iri ngwavaira mukuenzanisirwa namavambo akanaka ayo Mwari akapa vabereki vedu vokutanga.

Kutaura kwaJeremia kwakasimbiswa nechinyorwa chaanopfuura makore ewedzero ane 2 500 enhau chifo chenguva yake. Ngwavaira yavanhu yakatoipisisa. Chii chakaipa?

Kushandiswa Zvisinokufanira Kwechisarudzo Chokuita Zvaunoda

Vabereki vedu vokutanga havana kuona idi rokuti ivo havana kusikirwa kuti vabudirire kunze kwaMwari nemitemo yake. Vakasarudza kuva vanozvimirira kunze kwaMwari, vachifunga havo kuti ikoko kwaizovandudza upenyu hwavo. Asi ikoku kwakanga kuri kushandiswa zvisinokufanira kworusununguko rwavo. Vakadarika ganhuriro dzakagadzwa dzaMwari dzechisarudzo chokuita zvaunoda.—Genesi, ganhuro 3.

Neiko Mwari asina kungoparadza bedzi Adhama naEvha ndokutangazve navamwe vaviri vohunhu? Nemhaka yokuti uchangamire hwake hwapose pose namabatire ake ushe zvakanga zvapanikirwa. Kuva kwake Mwari Wamasimba ose uye Musiki wezvisikwa zvose kunomupa maruramiro okubata ushe pavari. Sezvo iye ari Nyakuchenjera Kwose, ubati ushe hwake hwakanakisisa nokuda kwezvisikwa zvose. Asi kubata ushe kwaMwari zvino kwakadenhwa.

Vanhu vaigona kuita zviri nani zvikuru here panokuva vanobatwa ushe naMwari? Musiki aiziva zvapachokwadi mhinduro yomubvunzo iwoyo. Nzira yechokwadi yokuti vanhu vawane yakanga iri yokuvabvumira rusununguko rusina kuganhurirwa rwavaishuva. Naizvozvo, chikonzero chimwe, pakati pezvimwe, nei Mwari akabvumidza uipi nokutambura ndechokuratidzira nomutoo usingatongopanikirwi kana ubati ushe hwokuzvimirira hwomunhu kunze kwake huchigona kubudirira.a

Adhama naEvha vakazviunzira vamene kutambura pavari napavana vavo. Ivo vaka‘cheka izvo ivo vakadyara.’ (VaGaratia 6:7) “Ivo vamene vakaita nomutoo unokuvadza; ivo havasati vari vana [vaMwari], hurema ndohwavo vamene.”—Dheuteronomio 32:5, NW.

Vabereki vedu vokutanga vakanga vanyeverwa kuti kuzvimirira kunze kwoubati ushe hwaMwari kwaizoparira rufu rwavo. (Genesi 2:17) Ikoko kwakabvumikisa kuva zvokwadi. Kupfurikidza nokusiya Mwari, ivo vakasiya manyuko avo outano noupenyu. Vakakwegura kutozosvikira rufu rwavakurira.—Genesi 3:19.

Pashure pacho, Mwari akabvumidza nguva yakakwana yokuti mhuri yomunhu iratidzire zvizere kana tsika ipi neipi yezvamatongerwe enyika, yokugarisana kwavanhu, kana kuti yomugariro wepfuma yavaiita kunze kwoubati ushe hwake yaizobvumikisa kuva inogutsa zvizere. Ko ipi neipi yeidzi tsika yaizounza nyika inofadza, ine rugare isitongorina utsotsi kana kuti hondo here? Ko ipi neipi yaizokudziridza rubudiriro rwezvinhu zvokunyama nokuda kwavose here? Ko ipi neipi yaizokurira chirwere, ukweguru, uye rufu here? Ubati ushe hwaMwari hwakanga hwarongedzererwa kuita zvinhu zvose izvozvo.—Genesi 1:26-31.

Icho Kupfuura Kwenguva Kunodzidzisa

Nokukurumidza nhau yakajekesa zvokwadi yaVaRoma 5:12 (NW), kuti: “Rufu rwakapararira kuvanhu vose.” Iyi ndima inotsanangura kuti “chivi chakapinda munyika kupfurikidza nomunhu mumwe uye rufu kupfurikidza nechivi.” Apo vabereki vedu vokutanga vakapandukira ubati ushe hwaMwari, vakava vakaremara, vasina kukwana. Uhu urema ndihwo bedzi hwavaigona kupfuudzira kuvana vavo. Somuuyo, tose zvedu takaberekwa takaremara, takarerekera kuchirwere uye rufu.

Kupfuura kwenguva kwakazivisawo kuti vanhu vazerwe nezvivi zvikurusa vanozvibata sei kuno mumwe nomumwe. Kwave kune hondo dzinotyisa dzakanyanyowandisa zvokusagona kudziverenga, mbengo dzedzinza norudzidziso, bvunzurudzo, utsotsi hunotyisa hwamarudzi ose, uye zviito zvoudyire namakaro. Mukuwedzera, urombo nenzara zvakarwadza mamirioni asingaverengeki avanhu.

Mukati mezviuru zvakapfuura zvamakore, rudzi rwomunhu rwaedza rudzi rwuri rwose rwunofungidzirika rwehurumende. Bva, rumwe norumwe rwakakundikana kugutsa zvinodikanwa zvomunhu. Pamisi ichangobva kupfuura iyi, hurumende dzechiKomonisiti dzakarambwa munyika zhinji. Mumarudzi ehurumende dzokusarudza kwavazhinji mune kupararirawo kwoutsotsi, urombo, kusatsiga kwomugariro wepfuma, uye ushati. Zvamazvirokwazvo, zvimiro zvose zvehurumende yohunhu zvabvumikisa kuva zvisina kukwana.

Kupfuurirazve, Mwari akabvumira nguva kuti vanhu vasvike paukwiriri hwavo hwapamusoro hwechinowamwa chesayenzi nechezvinhu zvokunyama. Asika ienderero mberi chaiyoiyo here apo uta nomuseve zvakatsiviwa nezvitsika zvenyukireya? apo vanhu vanogona kupinda muchadenga asi vasingagoni kugara pamwe chete murugare pasi pano? apo mamirioni avanhu anotya kubuda kunze usiku nokuda kwoutsotsi?

Icho muedzo wenguva unoratidzira ndechokuti hakubviri zvikuru kuti vanhu va‘tungamirire nhano dzavo vamene’ nomutoo unobudirira kupinda zvakuri kwavari kurarama vasina zvokudya, mvura, uye mhepo. Takasikirwa kuva vanotsamira panhungamiro yoMuiti wedu sokungosikwa kwatakaitwa kuti titsamire pane zvokudya, mvura, uye mhepo.—Mateo 4:4.

Kupfurikidza nokubvumidza uipi nokutambura, Mwari akaratidzira kwechigarire miuyo inosuruvarisa yokushandisa zvisina kufanira chisarudzo chokuita zvaunoda. Ichi chipo chinokosha zvokuti panokutorera vanhu chisarudzo chokuita zvavanoda, Mwari akavabvumira kuona icho kushandiswa zvisina kufanira kwacho kunoreva.

Pamusoro pechisarudzo chokuita zvaunoda, chinyorwa chinonzi “Statement of Principles of Conservative Judaism” chinoti: “Kana pasina bviro chaiyo yavanhu yokuita chisarudzo chakaipa pakunangana nechakanaka nechakashata, mufungo wose wechisarudzo hauna revo. . . . Huzhinji hwokutambura kwenyika nomutoo wakananga hunoparirwa nokushandisa zvisina kufanira kwedu chisarudzo chokuita zvaunoda chatakapiwa.”

Zvechokwadi, Jeremia akanga akarurama paakati: “Hakusati kuri kwomunhu anofamba kururamisa kunyange nhano yake.” Uyewo Soromoni akanga akaruramawo paakati: “Munhu akadzora munhu kusvikira pakuvadziko yake.”—Muparidzi 8:9, NW.

Nomutoo wakasimba, ikoko kunoratidzira kusakwanisa kwomunhu kubvisa kutambura. Kunyange Soromoni, nouchenjeri hwake hwose, pfuma, uye simba haati aigona kururamisa nhamo inobva muubati ushe hwohunhu.

Ko, ipapoka, Mwari achagumisa here kutambura? Achazombotusa vanhu nokuda kwokutambura kwavo kwakapfuura here?

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwekurukurirano izere zvikuru yenhau dzose dzinobatanidzwa, ona bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, ganhuro 11 na 12, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Mwari akapa rudzi rwomunhu mavambo akakwana, asi nhau inoratidzira kuti vachizvimirira kunze kwaMwari vanhu havangagoni ku‘tungamirira nhano dzavo’ murubudiriro

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe