RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g90 10/8 pp. 10-13
  • Nyika Itsva Isitongorina Kutambura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Itsva Isitongorina Kutambura
  • Mukai!—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakadeya Kufananidzirwa Muuporofita hweBhaibheri
  • Haitapurwi Nenguva Yakapfuura
  • Ubati Ushe Hwakasiana
  • ‘Chisiko Chinosunungurwa’
  • “Nguva Yakagadzwa”
  • “Tuso”
  • Murangariro Wokuona Zviri Kure
  • Chii Chauchasarudza?
  • Nguva Yakabvumirwa naMwari Kutambura Yava Kupera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza!
    Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza!
  • Nyika Itsva Yakaisvonaka Inoitwa naMwari
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Zvichaitwa noUmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—1990
g90 10/8 pp. 10-13

Nyika Itsva Isitongorina Kutambura

“Zvinhu zvekare hazvisati zvichizorangarirwa, uyewo hazvisati zvichizofungwa mumwoyo. Asi farai, imi vanhu, uye farisisai nokusingaperi mune zvandiri kusika.”—Isaya 65:17, 18, NW.

MASHOKO iwawo ouporofita akafuridzirwa naMwari anopfuura makore 2 700 akapfuura. Anorondedzera, muchikamu, icho upenyu huchava hwakaita munguva yemberi. Rini? Pashure pokunge Mwari agumisa tsika ino yezvinhu. Uporofita huzhinji hweBhaibheri hunojekesa kuti idonzo raMwari rokubvisa tsika ino yezvinhu nokukurumidza uye kuitsiva nenyika itsva isitongorina kutambura kupi nokupi.

Haiwa upenyu huchava hwakasiana sei munyika itsva iyeyo mukuenzanisirwa noupenyu munhau yose yekare yomunhu! Shoko rouporofita raMwari rinotiudza kuti ichava isitongorina chose chose hondo, utsotsi, urombo, uye kusaruramisira. Zvichapfuura nokusingaperi zvichava chirwere norufu. Hakusati kuchizovazve nehurumende dzinokamuranisa, marudzidziso, kana gadziriro dzomugariro wepfuma dzakabvumikisa kuva dzisina kukwana zvikuru. Misodzi yomufaro ichatsiva misodzi yorusuruvaro nokuti zvichapfuura nokusingaperi zvichava uipi nokutambura.

Zvakadeya Kufananidzirwa Muuporofita hweBhaibheri

Cherekedza kuti migariro yakadaro yakadeya kuoneswa sei mumuenzanisiro uno wouporofita hweBhaibheri:

Hakuchinazve Hondo: “Iye anogumisa hondo kusvikira kumigume-gume yapasi.” (Pisarema 46:9, NW) “Rudzi harusati ruchizosimudzira munondo mukurwisana norudzi, uyewo iwo haasati vachizodzidzirazve hondo.”—Isaya 2:4, NW.

Ruramisiro Nokuda Kwomunhu Ari Wose: “Ndichaita ruramisiro rwonzi rwokupima narwo uye kururama mudziyo wokusandaridza nawo.”—Isaya 28:17, NW.

Kusatongova Norutyo: “Ivo vachagara chaizvoizvo, munhu mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, uye hakusati kuchizova nomunhu unovatyisa.” (Mika 4:4, NW) “Zvamazvirokwazvo ivo vachabvumikisa kuva paivhu ravo muchengeteko.”—Ezekieri 34:27, NW.

Nzara Inobviswa: “Pasi pano pachava nezviyo zvizhinji; pamusoro pamakomo pachava nezvinofashukira.” (Pisarema 72:16, NW) “Muti womumunda unofanira kubereka zvibereko zvawo, uye nyika iyo imene ichabereka zvibereko zvayo.”—Ezekieri 34:27, NW.

Hakuchinazve Ukweguru Kana Kuti Chirwere: “Nyama yake ngaive itsva zvikuru kupfuura yomuupwere; ngaadzokere kumazuva esimba rake roupwere.” (Jobho 33:25, NW) “Hakuna mugari wemo achataura, kuti: ‘Ndinorwara.’”—Isaya 33:24, NW.

Rufu, Kuchema, Uye Kurwadziwa Zvaparara Nokusingaperi: “[Mwari] uchapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu haruchazovipozve, uyewo kuchema kana kurira kana kurwadziwa hazvichazovipozve. Zvinhu zvekare zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4, NW.

Haitapurwi Nenguva Yakapfuura

Nyika itsva inouya yokuita kwaMwari ichava inogutsa zvikuru zvokuti kufarikanywa kwoupenyu kunoitwa navagari vapasi hakusati kuchizodziviswa, kunyange neyeuko dzipi nedzipi dzisingafadzi dzokutambura kwekare. Mifungo mizhinji inovaka nemibato zvichava upenyu hwezuva riri rose ravanhu muzera irero idzva pashoma napashoma zvichadzima yeuko dzakashata dzakapfuura. Chipikirwa chaMwari ndeichi: “Zvinhu zvekare hazvisati zvichizoyeukwa, uyewo hazvisati zvichizofungwa mumwoyo.” Vanhu vachava vano“fara nokusingaperi” mune icho Mwari achaunza munyika yose. “Nyika yose yazozorora, yazova isitongorina vhiringidziko. Vanhu vava vanofara nokudanidzira kwokufara.”—Isaya 65:17, 18; 14:7, NW.

Nhasi, “kariro inosundirwa mberi inorwarisa mwoyo,” sokurondedzera kunoita Bhaibheri. Asi mugariro uchashandurwa munyika itsva. Panguva iyeyo “chinhu chinoshuviwa [chichava] muti woupenyu apo iwo unouya.” (Zvirevo 13:12, NW) Mwoyo haisati ichizonetswa nokutambura kana kuti nekariro dzisingazadziki. Panzvimbo pakwo, ichazadzwa negutsikano nomufaro nokuda kwezvinhu zvizhinji zvinoshamisa izvo Mwari achagovera nokuda kwemhuri yomunhu.

Ubati Ushe Hwakasiana

Panzvimbo pokuva noubati ushe hwomunhu husingagutsi hunozvimirira kunze kwaMwari, nyika itsva ichava noubati ushe hwakasiana chose chose. Chiremera chinodzora chichatorerwa vanhu. Havasati vachizobvumirwazve kubata ushe vakazvimirira kunze kwaMwari.

Uporofita hweBhaibheri hunoti: “Mumazuva amadzimambo iwawo [vabati ushe vari musimba zvino] Mwari wokudenga uchagadza umambo [mudenga] husati huchizotongoparadzwa. Uye umambo ihwo humene hahusati huchizopfuuridzirwa kuna vamwe vanhu vapi navapi [zvakunenge kusichinazve ubati ushe]. Ihwo huchapwanya ndokugumisa maumambo iwawa ose [ayo ariko zvino], uye ihwo humene huchagara kusvikira kunguva dzisingazivikanwi.”—Dhanieri 2:44, NW.

Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera ubati ushe hutsva hwapasi apo iye akati: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, somudenga, napasi panowo.”—Mateo 6:10, NW.

Iyeyo ichava hurumende itsva yorudzi rwomunhu—ubati ushe hwokudenga hwaMwari hunodzorwa noUmambo hwake huri musimba raKristu. Uye pasi pano, vabatiri vakavimbika vohunhu vaMwari vachatarisira zvinhu mukuwirirana nenhungamiro yaMwari. (Isaya 32:1) Muapostora Petro akataura nezve iyi gadziriro itsva se“matenga matsva nepasi idzva zvatiri kumirira mukuwirirana nechipikirwa chake, uye kururama kunogara muna izvozvi.” (2 Petro 3:13, NW) Ubati ushe ihwohwo hwoUmambo ndihwo dzidziso huru yeBhaibheri.

‘Chisiko Chinosunungurwa’

Uhu ubati ushe hutsva huchadzorawo chose chose masimba omusikirwo apasi. ‘Masimba omusikirwo’ akadai sokudengenyeka kwapasi, madutu emhepo, mafashamo, kana kuti kusanaya kwemvura hazvisati zvichizoparirazve nhamo. Jesu iye amene akaratidzira simba rake mukuraira aya masimba. Pane imwe nhambo, somuenzaniso, apo igwa iro Jesu navadzidzi vake vakanga vakakwira rakanga rodokubheukira mudutu guru, iye akateramisa mhepo negungwa. Vadzidzi vashamiswa vakazivisa, kuti: “Uyu munhu worudzii, zvokuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?”—Mateo 8:23-27, NW.

Naizvozvo pasi, uyewo chisiko chohunhu, zvichawana rusununguko rwusingaenzanisirwi. “Chisiko icho chimene chichasunungurwa muuranda hwoushati ndokuva norusununguko rune mbiri rwavana vaMwari. Nokuti isu tinoziva kuti chisiko chose chinoramba chichigomera pamwe chete uye chiri kurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.”—VaRoma 8:21, 22, NW.

Tinogona kuva nechokwadi here chokuti ubati ushe hwohunhu nokukurumidza huchaguma uye kuti hurumende itsva yaMwari ichatora kutarisirwa kwezvinhu zvose zvapasi? Tinogona zvamazvirokwazvo, nokuti Changamire weChisiko Chapose pose akapa shoko rake: “‘Zano rangu ndimene richagara, uye ndichaita chinhu chiri chose chandinofarira’; . . . ndakatochitaura; ndichachiunzawo. Ndakachiumba, ndichachiitawo.”—Isaya 46:10, 11, NW.

“Nguva Yakagadzwa”

Ko ikoko kuchaitika sei? Kuchaitika rini? Shoko raMwari rinoti: “Kune nguva yakagadzwa nokuda kwechinhu chiri chose.” (Muparidzi 3:1, NW) Ikoku kunobatanidza nguva yakagadzwa yokuti Mwari ati ‘zvaringana!’ uye kugumisa uipi nokutambura. Dhanieri akataura nezve“nguva yakagadzwa yomugumo.” (Dhanieri 8:19, NW) Jesu akataurawo nezve“nguva yakagadzwa.”—Marko 13:32, 33.

Hungu, Mwari akazvigadzira nguva chaiyoiyo yokupindira muzvinhu zvavanhu ndokubvisa chose kuedza kunosuruvarisa muubati ushe hwomunhu hwokuzvimirira kunze kwake. “Mwari wechokwadi achatonga vose vari vaviri vakarurama navakaipa, nokuti kune nguva yechinhu chiri chose.” (Muparidzi 3:17, NW) Uye ufakazi huri mukuzadzika kwouporofita hweBhaibheri hunoratidzira kuti nguva yakagoverwa yaMwari yokubvumidza kutambura ichaguma nokukurumidza. Apo ganhuriro yenguva iyeyo inenge yapera, iye achaparadza chose chose tsika isingagutsi youbati ushe hwohunhu iyo kwezviuru zvamakore yakaunza kutambura kukuru kumhuri yomunhu.—Mateo 24:3-14; 2 Timotio 3:1-5, 13; Zvakazarurwa 19:11-21.

Apo Mwari anoita marutongeso ake, cherekedza chichaitika kuna avo vanozviisa pasi poubati ushe hwake, mukusiana naavo vasingadaro: “Muchinguvana chiduku, uye wakaipa haachazovipozve; . . . asi vanyoro ivo vamene vachagara nhaka yapasi, uye zvamazvirokwazvo vachawana mufaro wavo mukuru mukuwanda kworugare.” “Kana vari vana vavakaipa, zvamazvirokwazvo vachaparadzwa. Vakarurama ivo vamene vachagara nhaka yapasi, uye vachagara nokusingaperi pariri.” “Cherekedzai wakarurama, nokuti nguva yemberi yomunhu iyeyo ichava ine rugare. Asi vadariki ivo vamene zvamazvirokwazvo vachaparadzwa chose chose pamwe chete.”—Pisarema 37:10, 11, 28, 29, 37, 38; onawo Zvirevo 2:21, 22; Mateo 5:5.

Asika zvakadiniko namabhirioni avanhu vakatofa? Vachabetserekana sei nenyika itsva? Kupfurikidza norumuko, kudzorerwa kuupenyu pasi pano chaipo. Vachadzoka kubva mumakuva ndokupiwa banza rokufarikanya upenyu nokusingaperi. Shoko raMwari rinosimbisira, kuti: “Kuchava norumuko rwavose vari vaviri vakarurama navasakarurama.” (Mabasa 24:15, NW) Uye Jesu akaenzanisira ikoku kupfurikidza nokumutsa vanhu vakafa, vakadai saRazaro nomwanakomana wechirikadzi yeNaini.—Johane 11:38-44; Ruka 7:11-16.

“Tuso”

Haiwa kunofadza sei kuziva kuti donzo raMwari nderokugumisa kutambura uye kuunza nyika itsva yakarurama! Funga nezvokurarama mamirioni amakore—zvamazvirokwazvo, nokusingaperi—muutano hwakakwana nomufaro pakati pemhoteredzo dzeparadhiso, umo uipi nokutambura zvichava nokusingaperi zvinhu zvomunguva yakapfuura!

Hausati waizobvuma here kuti iyi “tuso” inoitwa naMwari kurudzi rwomunhu—munguva yose isingagumi—inopfuura makore mashomanene ane zviuru ane mwero ayo Mwari akabvumidza kutambura? Uyewo haisati ichipfuura zvikuru makore ane 70 kana kuti 80 okutambura here—kana kuti mashoma—atingave takatsungirira somunhu mumwe nomumwe munduramo yedu?

Murangariro Wokuona Zviri Kure

Mumurangariro wake wokuona zvinhu zviri kure, Musiki anoziva kuti kwakanga kuchikosha kuti atange kugadzikisa nhau dzinokosha zvikuru dzamaruramiro ake okubata ushe saChangamire weChisiko Chapose pose nokururama kwoubati ushe hwake. Uye kwakanga kuchikosha kugadzikisa nhau yokushandiswa zvakafanira uye zvisinokufanira kworusununguko rwechisarudzo. Kwakanga kuriwo madikanwa kuratidzira kuti chisiko chake chakakwana mukuti vanhu vanoteerera mukuvimbika mitemo yake yakarurama vanogona kuchengeta perero kwaari mukutambura nomukuedzwa kunoitwa navabati ushe venyika, muenzaniso wakatanhamara waikoku uchiva Mwanakomana wake amene, Jesu, paaiveri pasi pano.

Achinge agadzikisa nhau dzose, Mwari haasati achizobvumira uipi nokutambura kuti zvivepozve kuti zvishatse nyika yose ine rugare. “Kutambudzika hakusati kuchizosimuka kwenguva yechipiri.”—Nahumi 1:9, NW.

Mukati menguva yose isingagumi inouya, Mwari anogona kushandisa chakaitika muzviuru izvi zvamakore akapfuura sokunge chaiva chitemeso chakaisvonaka mudare rapamusoro. Chisarudzo charo chinogona kushandiswa panguva ipi neipi yomunguva yemberi, munzvimbo ipi neipiwo zvayo muchisiko chapose pose, kana panikiro dzichizombomukazve pamusoro pouchangamire hwaMwari kana kuti kushandiswa zvakafanira kwechisarudzo chokuita zvaunoda.

Chii Chauchasarudza?

Nhasi tine chisarudzo. Tinogona kushandisa chisarudzo chedu chokuita zvatinoda munzira mbiri: Tinogona kusarudza kufuratira madonzo aMwari, kugutsikana noubati ushe husina kukwana hwohunhu ndokugoverana mugumo wahwo, kana tinogona kushandisa rusununguko rwedu rwechisarudzo kudzidza icho madonzo aMwari ari uye icho tinodikanirwa kuita kuti timufadze savadzorwi vakazvipira voUmambo hwake.

Jesu mumunyengetero kuna Mwari, akati: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyouyo wamakatuma, Jesu Kristu.” (Johane 17:3, NW) Naizvozvo kana tichida upenyu munyika itsva, tinodikanirwa kuita nhamburiko dzokudzidza zvokwadi pamusoro paMwari, madonzo ake, uye zvinodikanwa zvake. Cherekedza kuti Bhaibheri rinozivisa sei, kuti: “Jehovha anewe chero bedzi uchibvumikisa kuva naye; uye kana uchimutsvaka, iye achazvirega achiwanwa newe, asi kana ukamusiya iye achakusiya.”—2 Makoronike 15:2, NW.

Nguva iri kuperera nyika ino yekare; itsva iri kuuya: “Nyika iri kupfuura ndozviri kuitawo ruchiva rwayo, asi iye unoita kuda kwaMwari unogara nokusingaperi.” (1 Johane 2:17, NW) Ndechipiko chauchasarudza—nyika yekare iri kupfuura kana kuti itsva iri kuuya?

Shoko raMwari rinoti: “Ndaisa upenyu norufu pamberi pako, chikomborero nechituko; uye unofanira kusarudza upenyu kuti ugoramba uri mupenyu, iwe navana vako, kupfurikidza nokuda Jehovha Mwari wako, kupfurikidza nokuteerera inzwi rake uye kupfurikidza nokunamatira kwaari; nokuti iye ndiye upenyu hwako nourefu hwamazuva ako.”—Dheuteronomio 30:19, 20.

Chishuvo chako here chokufarikanya zvikomborero izvo Mwari akachengetera avo vanotsinhiranisa kuda kwavo nokwake? Vabudisi vamagazini ino kana kuti Zvapupu zvaJehovha kunzvimbo ipi neipi munyika zvichafara kukubatsira, pachena, kudzidza zvakawanda pamusoro paikoku.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

Vakafa vachava nebanza rokurarama munyika itsva yaMwari kupfurikidza nokumutswa mumakuva

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe