Murangariro weBhaibheri
Chikonzero Nei Krisimisi Isiri yamaKristu
‘KRISIMISI haisiri yapamutemo! Munhu upi noupi anoichengeta kana kuti kugara pamusha asingaendi kubasa paZuva reKrisimisi anogona kupiwa zvirango!’
Kungaratidzika kuva kwechienzi, iwoyu zvamazvirokwazvo wakava mutemo shure muzana ramakore rechi 17. VaPuritan vakaita kuti kuchengeta kurambidzwe muEngland. Chii chakaparira kudzivisa Krisimisi kwakatsiga kudaro? Uye neiko kuna mamirioni nhasi anofunga kuti Krisimisi haisiri yamaKristu?
Krisimisi Yakabva Kupi Zvomenemene?
Ungashamisika kuziva kuti Krisimisi haina kutangwa naJesu Kristu uyewo haina kuchengetwa naye kana kuti vadzidzi vake vomuzana rokutanga ramakore. Kutaura idi, hakuna chinyorwa chokuchengeta Krisimisi kutozosvikira makore 300 pashure pokunge Kristu afa.
Vanhu vazhinji vairarama mumazuva iwayo vainamata zuva, sezvavainzwa rutsamiro rwakasimba panhambo yaro yegore negore. Zvinoitika zvamaoresa zvaiva pamwe chete nokunamatwa kwezuva muEurope, Egypt, uye Persia. Musoro mukuru mune iyi mitambo wakanga uri kudzoka kwechiedza. Zuva, nemhaka yokuratidzika kwaro kuva rakaneta mukati mokutonhora, raiteterererwa kuti ridzoke kubva mu‘kudzungaira kure.’ Mitambo yaibatanidza kuita mufaro, kuita mabiko, kudzana, kushongedzera misha nezviedza nezvishongo, uye kupa zvipo. Ko iyi mibato inoratidzika kuva yakarovedzeka here?
Vanamati vezuva vaidavira kuti huni dzisingatsvi dzedanda romuyule dzakanga dzine masimba amashiripiti, kuti mwoto mikuru yaigona kupa mwari wezuva simba ndokumudzorera kuupenyu, kuti dzimba dzakashongedzerwa nemiti inoramba yakasvibira yaizodzinga madhemoni, kuti muholly waifanira kunamatwa sechivimbiso chokudzoka kwezuva, uye kuti matavi omumistletoe aigona kuunza mhanza kana akapfekwa samazango. Ko zvinhu izvi nhasi zvakabatanidzwa nokuchengetai?
December wakanga uri mwedzi mukuru womutambo muRoma yechihedheni kare kare Krisimisi isati yatangwa imomo. Saturnalia yevhiki refu (yakatsaurirwa kuSaturn, mwari wendimo) neDies Natalis Solis Invicti (Zuva Rokuberekwa reZuva Risingakurirwi) yaiitwa panguva ino. Uyewo, December 25 akanga achirangarirwa sezuva rokuberekwa raMithras, mwari wePersia wechiedza.
Kuita Vahedheni maKristu Here?
Munhamburiko yokutendeutsa ava vahedheni, pakanga pane kubatanidzwa kusiri kwapamagwaro kwezvitendero zvechiKristu nezvechihedheni, nokudaro chechi yakasarudza musi nokuda kwamaKristu waiitikira pamwe chete nomutambo wechihedheni unokosha zvikuru. Asika zvakadiniko netsika dzeKrisimisi? Encyclopedia of Religion and Ethics inobvuma kuti tsika zhinjisa dzeKrisimisi “hadzisiri tsika chaidzoidzo dzechiKristu, asi itsika dzechihedheni idzo dzakagamuchirwa kana kuti kuregererwa neChechi.” Sezviri pachena kwakarangarirwa kuti kungopa bedzi idzi tsika chitarisiko chokunze chechiKristu kwaizoita maKristu avo vanotora rutivi madziri.
Zvisinei, panzvimbo pokuita chihedheni chiKristu, idzi tsika dzakaita chiKristu chihedheni. Mukati mama 1600, vaPuritan vakakangaidzwa zvikuru pamusoro pechimiro chechihedheni chinooneka cheKrisimisi zvokuti horidhe yakarambidzwa kuva yapamutemo muEngland nomune dzimwe nyika dzeAmerica. Zvirango zvaiitwa nokuda kwokuchengeta Krisimisi kana kuti kungogarawo zvako pamusha usingaendi kubasa paZuva reKrisimisi. MuNew England (U.S.), Krisimisi yakanga isina kunyoreswa pamutemo kutozosvikira muna 1856.
Asi pane chikonzero chimwe pamusoro peKrisimisi chiri chinokosha kupfuura kuti chechi, vahedheni, kana kuti vaPuritan vaiirangarira sei munguva yakapfuura. Chokuitira hanya zvikuru kumaKristu echokwadi ndechokuti . . .
Jesu Kristu Anorangarira Sei Krisimisi?
Kudai kuchengetwa kwaizoitirwa mukukudzwa kwako, kutendera kwako mugariro wako hakusati kwaizova kunokosha here? Naizvozvo, tinoita zvakanaka kubvunza, kuti: Bhaibheri rinoratidzira here kuti Jesu anorangarira sei magamuchidzanwa akatekeshera muchihedheni?
Jesu akashurikidza vatungamiriri vorudzidziso vaibvumiranisa zvisina kufanira kunamata kwechokwadi kuti vawane vatendeuki. Akataura kuna vatungamiriri vakadaro kuti: “Imi muno[famba] pagungwa napanyika kuti muite mutendeuki mumwe, uye ipapo munomuita ave akakodzera ruparadziko nekaviri kupfuura zvamuri imi mumene.”—Mateo 23:15, Phillips.
Kutendeuka kwakanga kusati kuchizoitwa kupfurikidza nokubatanidza zvitendero zvechihedheni nezvechiKristu. Pauro, muapostora waJesu, akanyorera maKristu anogara muKorinte, kuti: “Imi hamunganwiri pamukombe waJehovha napamukombe wamadhemoni.” (1 VaKorinte 10:21) Uye mutsamba yake inotevera inoenda kwavari, Pauro akawedzera, kuti: “Musabatana navasiri vatendi muchiedza kushanda pamwe chete navo. . . . Panogona sei kuva netsinhirano pakati paKristu nadhiabhorosi?”—2 VaKorinte 6:14, 15, Phillips.
Kana amai vanoitira hanya vakaona mwana wavo achinhonga siwiti mumugero uzerwe netsvina, vangaraira kuti iye airase nokukurumidza. Mufungo wokuidya—kunyange kuibata—unovasembura. Krisimisi, kunyange ichitapira kuna vazhinji, yakanhongwa munzvimbo dzinosembura. Pfungwa dzaJesu dzinoenzanirana nedzedzo dzomuporofita Isaya, uyo akakurudzira vanamati vechokwadi vezuva rake, kuti: “Ibvai, ibvai, budai ipapo, musabata chinhu chine tsvina.”—Isaya 52:11.
Naizvozvo, maKristu echokwadi nhasi haachengeti Krisimisi. Nepo nzvimbo yawo ingaratidzika kuva yechienzi kuna vamwe, anorangarira magamuchidzanwa sezvakaita Jesu. Paakabvunzwa, kuti: “Neiko Vadzidzi vako vachidarika gamuchidzanwa ravanhu romunguva dzekare?” iye akapindura, kuti: “Neiko imiwo muchidarika murairo waMwari nemhaka yegamuchidzanwa renyu?” Uye akawedzera, kuti: “Imi makaita kuti shoko raMwari rive risingashandi nemhaka yegamuchidzanwa renyu.”—Mateo 15:2, 3, 6.
MaKristu echokwadi nhasi anoratidzira chinzwano naJesu kupfurikidza nokushandisa “chimiro chokunamata chiri chakachena nechisina kusvibiswa,” chisina kushatswa namagamuchidzanwa avanhu echihedheni.—Jakobho 1:27.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]
“Neiko imiwo muchidarika murairo waMwari nemhaka yegamuchidzanwa renyu?”—Mateo 15:3