Donzo Chairoiro Roupenyu
FUNGIDZIRA kuti uri kushanyira imba inogadzirirwa zvinhu yeshamwari. Achangobva kupedza kugadzira chinhu, uye unokwezviwa nacho. Chinhu chacho chakaitwa nenzira yakaisvonaka uye chakaumbwa nenzira inoshamisa. Asi kunyange kana ukaedza zvakaoma, haugoni kuziva kuti ndechei. Unonzvera seiko? Chokwadi, unongobvunza shamwari yako, uye iyo sezvingabvira ichafara kukuudza.
Naizvozvo tinogona sei kunzvera donzo roupenyu? Eya, kuregerereiko kubvunza Mwari, “manyuko oupenyu”? (Pisarema 36:9, NW) Unogona sei kuita ikoko? Nomufaro, iye akataura kwatiri kupfurikidza neBhaibheri. Akaita kuti vanhu vokutenda vanyore pasi mifungo yake munzira yatinogona kunzwisisa. Chaizvoizvo, donzo roupenyu rinogona kutaurwa namashoko mashomanene bedzi: Tiri pano kuti tidzidze pamusoro paMwari nokuita kuda kwake. Bhaibheri rinoti: “Mhedziso yenhau yacho, chinhu chiri chose chanzwiwa, ndeiyi: Itya Mwari wechokwadi ndokuchengeta mirairo yake. Nokuti uyu ndiwo musengwa wose womunhu.”—Muparidzi 12:13, NW.
Ikoku kunoratidzika kuva kwakanyanyopfava here? Eya, hakuna. Kuva kwedu pano kuti tidzidze pamusoro paMwari nokuita kuda kwake kune revo huru dzinoshamisa nedzakakura.
Donzo raMwari Rapakuvamba
Kudzidza izvo Mwari aida pakuvamba nokuda kworudzi rwomunhu kuchakubetsera kunzwisisa zviri nane donzo roupenyu. Kuchatsanangurawo chikonzero nei zvimwe zvezvinhu zvadudzwa munyaya yapfuura zvichiunza mwero wakati werevo nedonzo kuupenyu hwavazhinji nhasi.
Nhauro yeBhaibheri yokusikwa kwomunhu inoti: “Mwari akapfuurira kuti: ‘Ngatiite munhu mumufananidzo wedu, mukuwirirana norufanano rwedu.’” (Genesi 1:26, NW) Nokudaro, vanhu vakaitwa nebviro yokuva vakafanana naMwari, vaine mavara akatanhamara aainawo, kubatanidza uchenjeri, simba, kururama, uye rudo. Kunoshamisa here, ipapoka, kuti vamwe vanokuwana kuchigutsa kutsvaka zivo itsva kana kuti kupinda mumibato inodenha masimba avo endangariro kana kuti omuviri? Uye hakukarirwi here kuti kubetsera vamwe kunogovera donzo rinogutsa muupenyu hwavazhinji? Nyangwe. Ikoku, murutivi, ndiko kwatakasikirwa kuita.
Chinyorwa cheBhaibheri chinopfuurira kutaura kuti vanhu vakapiwa utarisiri hwohumwe upenyu hwose pasi pano—“hove dzegungwa nezvisikwa zvinobhururuka zvamatenga . . . uye mhuka iri yose inofamba pamusoro papasi.” (Genesi 1:26, NW) Hakushamisi, naizvozvo, kuti kunyange nhasi vazhinji vanowana gutsikano mukuva nemhuka dzakavapoteredza nomukutamba nadzo. Vamwe vanonzwa mutoro wavo kumhuka kusvikira kutambanuko yokuti vanoshanda zvakaoma nokuda kwokuchengetwa kwamarudzi anotyisidzirwa, kana kuti vanoita nhimbe mukurwisana nokuregwa kwemhuka dzichitambura zvisiri madikanwa.
Vanhu vakarairwawo ku‘kurira pasi.’ (Genesi 1:28) Ikoku kwakareveiko? Zvamazvirokwazvo kwete kuti vanhu vanofanira nenzira youdyire uye nenzira yokusaratidza kuva nomutoro kushandisa pasi kusvikira pfuma yaro yapera, mhepo yaro yashatiswa, uye makungwa aro uye nzvimbo dzapasi zvazadzwa namarara. Panzvimbo pezvo, Mwari akagadza muenzaniso wokuzadza pasi paaka“sima bindu muEdheni, nechokumabvazuva, uye imomo akaisa munhu waakanga aumba.” (Genesi 2:8, NW) Iri bindu reEdheni rakanga riri muenzaniso wokuratidza izvo pasi raizova. Rakaratidzira donzo raMwari nokuda kwenyika yedu.
Nhauro yeBhaibheri inotsanangura, kuti: “Kupfuurirazve, Mwari akakomborera [murume wokutanga nomukadzi] uye Mwari akati kwavari: ‘Berekanai muwande ndokuva vazhinji uye zadzai pasi ndokurikurira.’” (Genesi 1:28, NW) Mwari aida kuti vanhu vave navana ndokuzadza pasi. Akabatanidza murume wokutanga nomukadzi uye, chaizvoizvo, akaita muchato umene wokutanga. (Genesi 2:22-24) Ndokusaka roorano nemhuri zvichiwedzera revo nedonzo kuupenyu hwavazhinji kwazvo!
Chaigona Kuve Chakava Upenyu
Sezvatinofunda Bhaibheri, kuri pachena kuti Mwari aida kuti mhuri yaAdhama ikure uye kuti iye navana vake vatambanudze miganhu yebindu reEdheni kusvikira vanhu vazadza pasi rose. Uye pasi rinokurirwa raizova paradhiso. Chokwadi, munhu aizoshandisa pfuma yapasi nokuda kwebetsero yake amene. Asi ikoku kwaizoitwa nenzira yomutoro. Munhu aifanira kuva mutariri wapasi, kwete mubi waro. Kuparadzwa kwapasi kwatinopupurira nhasi kunorwisana nokuda kwaMwari, uye avo vanogoverana makuri vari kupesana nedonzo roupenyu.—Zvakazarurwa 11:18.
Tinodzidza chimwe chinhuwo muchinyorwa chapakuvamba cheBhaibheri, uye icho ndiko kuti rakanga risiri donzo raMwari rokuti vanhu vafe. Vabereki vedu vokutanga vakafa nemhaka bedzi yokuti havana kuteerera Mwari. (Genesi 2:16, 17) Pavasina kuteerera, vakanga vachisirizve kuzadzika donzo roupenyu—vakanga vachisiri kuita kuda kwaMwari. Naizvozvo havana kufa bedzi asi vana vavo vose vakapinzwawo murufu nemhaka yokugara nhaka kusakwana kubva kwavari. (VaRoma 5:12) Vanhu, zvisinei, pakuvamba vakanga vasikirwa kurarama nokusingaperi, kwete kufa. Ichochi sezvingabvira ndicho chikonzero nei vazhinji vachikuwana kuchivhiringidza kurangarira kupfupikisa basa roupenyu hwavo kupfurikidza norufu.
Kuzadzika Donzo raMwari
Donzo rapakuvamba raMwari nokuda kworudzi rwomunhu nepasi rino harina kuchinja. Achiri kuda kuita kuti paradhiso yapasi izadzwe nedzinza ravanhu rakakwana. Bva, aitofanira kuita gadziriro dzokukurira miuyo inosuruvarisa yokukundikana kwavabereki vedu vokutanga. Kuita kuda kwaMwari nhasi kunobatanidza kuita mukutsinhirana negadziriro dzose idzodzi dzaMwari. Nenzira inofadza, Bhaibheri rinogovera rondedzero yezadziko inofambira mberi yedonzo rake.
Tinorava mubhuku rokutanga reBhaibheri kuti Mwari akataura nezve“mbeu” iyo yaizogona kuuya ndokusunungura kuvadziko yose yakaparirwa nokukundikana kwaAdhama naEvha kuita kuda Kwake. (Genesi 3:15, NW) MuMagwaro echiKristu echiGiriki (“Testamente Itsva”), tinorava nezvokuonekwa kwaJesu Kristu se“mbeu” iyoyo, nezvoupenyu hwake husina chivi, uye nezvorufu rwake mumaoko avavengi vake. Rufu rwaJesu, chaizvoizvo, rwakanga rwuri chibairo nokuda kwedu, rwuchizarura nzira yokuti tiwanezve upenyu husingagumi uhwo Adhama naEvha vakarasa. (VaHebheru 7:26; 9:28) Hungu, Bhaibheri rinoti: “Munhu ari wose anoshandisa kutenda maari haasati [achi]zoparadzwa asi achava noupenyu husingaperi.”—Johane 3:16, NW.
Uye kune zvakawanda. Pashure porufu rwake, Jesu akamutswa sechisikwa chomudzimu chisingafi uye zvino ari kutonga saMambo woUmambo hwaMwari hwokudenga. Nokukurumidza Umambo ihwohwo huchaita chiito chokutsiva hurumende dzazvino dzapasi nechaunga chenyika itsva icho chichatora utarisiri hwezvinhu zvavanhu. Chimwe chiporofita cheBhaibheri chinopikira, kuti: “Umambo humene hahusati huchizopfuudzirwa kuvamwe vanhu vapi navapi. Ihwo huchaputsanya ndokugumisa umambo ihwohwu hwose, uye ihwo humene huchamira kusvikira kunguva dzisingazivikanwi.”—Dhanieri 2:44, NW.
Pashure pacho, uhwu Umambo huchatarisira mubato unofadza wokudzorera Paradhiso kupasi nokusimudzira rudzi rwomunhu kukukwana. Bhaibheri rinototaura nezvorumuko rwavakafa, zvokuti ivowo vanogona kuva nebanza rokugoverana mukuzadzikwa kwedonzo guru raMwari nokuda kworudzi rwomunhu. (Mabasa 24:15) Ipapo chichazadzikwa chipikirwa chakaisvonaka, chokuti: “Vanyoro vamene vachava varidzi vapasi, uye zvamazvirokwazvo vachawana mufaro mukuru mukuwanda kworugare. Vakarurama vamene vachava varidzi vapasi, uye vachagara pariri nokusingaperi.”—Pisarema 37:11, 29, NW.
Kubetserwa Somunhu Oga
Kuti tibetserwe somunhu oga mukuzadzika kwedonzo guru raMwari nokuda kwapasi, tinofanira kutanga kusvika pakuziva Mwari. Jesu Kristu akati: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari bedzi wechokwadi, uye youyo wamakatuma, Jesu Kristu.” (Johane 17:3, NW) Tinogona sei kuita izvozvo? Tinodzidza zvimwe zvinhu pamusoro paMwari kupfurikidza nokucherekedza nyika yakatipoteredza, chisiko, kubatanidza matenga ane nyeredzi. (Pisarema 19:1) Zvikurukuru, kunyanguvezvo, tinodzidza pamusoro paMwari—pamwe chete napamusoro poMwanakomana wake, Jesu Kristu—kupfurikidza neBhaibheri. Tinodzidza zita rake namavara ake, uye tinonzvera muudzame izvo Mwari akaitira rudzi rwomunhu. Zivo yakadaro inotiita kuti timude uye inotiswededza pedyo zvikuru naye noMwanakomana wake.
Kusvika pakuziva Mwari kunotiita kuti tide kuita kuda kwake. Zvichida takanyengetera sokurairidza kwakaita Jesu, kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, pasi panowo.” (Mateo 6:10, NW) Donzo chairoiro roupenyu—iro rinounza gutsikano yechokwadi—nderokurarama upenyu hwedu mukutsinhirana nokuda ikoko kwaMwari.
Chii chinobatanidzwa, kunyanguvezvo, mukuita kuda kwaMwari? Nokuda kwaAdhama naEvha, kwakabatanidza kutarisira mhuka nokukurira pasi ndokurizadza navana vakakwana. Kana tichizoita kuda kwaMwari nhasi, tinofanira kudzidza pamusoro pechibairo chorudzikinuro chaJesu ndokutenda machiri. Uye tinofanira kutevera muenzaniso waJesu kupfurikidza nokuudza vamwe pamusoro pa‘mashoko akanaka oumambo hwaMwari.’—Mateo 24:14.
Kuita kuda kwaMwari kunobatanidzawo kukudziridza hunhu hwoumwari. Naizvozvo tinoziva zvinhu izvo Mwari anovenga—zvakadai sokureva nhema, umbavha, guhwa rinokuvadza, hasha dzisingadzorwi—uye tinozviramba. Tinodzidzawo mavara ayo Mwari anoda—akadai sorudo, mufaro, rugare, mutsa, uye runako—uye tinoasakurira nebetsero yomudzimu mutsvene waMwari. (VaGaratia 5:19-24) Kana tichizowana upenyu husingagumi, tinofanira kuva rudzi rwavanhu urwo Mwari anoda kuva navo nokusingagumi kwose. Zvamazvirokwazvo, kudzidza pamusoro paMwari nokuita kuda kwake kunopa donzo nerevo kuupenyu hwedu zvisingagoni kuitwa nechinhu chipi nechipiwo zvacho!
Musiano Wakunoita
Upenyu hwamamirioni avanhu kupote nyika hunopupurira kuti kuwana donzo chairoiro roupenyu zvirokwazvo kunoita musiano. Rangarira muenzaniso waWayne, uyo akapererwa nezano rose norufu rwomudzimai wake wokutanga. Mufundisi wake womunzvimbomo akanga asingakwanisi kumunyaradza, naizvozvo Wayne akava akabatikana mubasa rokuzvipira. Akabatira somutungamiriri wamauto muAmerican Legion uye akanga achishingaira mumapoka ezvamatongerwe enyika. Ipapo akaroorazve, asi roorano yacho yakanga ine zvinetso. Iye nomudzimai wake vakanga vasina nhungamiro muupenyu hwavo.
Rimwe zuva, zvisinei, Wayne akatora Bhaibheri ndokutanga kurava. Mumwedzi mitatu iye akaripedza, uye anoti: “Zvino ndakaziva kuti pakanga pane donzo nokuda kwokuva kwedu pano netariro youpenyu pashure porufu.” Akaudza mudzimai wake, kuti: “Tinofanira kutsvaka vanhu vokusonganirana navo avo vanoomerera kuBhaibheri.” Nokukurumidza vakasangana neZvapupu zvaJehovha, uye kurukurirano dzavo nazvo yakasimbisa chishuvo chavo chokuita kuda kwaMwari. Vose vari vaviri Wayne nomudzimai wake vakatsaurira upenyu hwavo kuna Mwari, uye upenyu hwavo hwemhuri hwakabetserwa zvikuru.
Susan, mwanasikana wavafundisi vePresbyterian, aida kuita chimwe chinhu noupenyu hwake icho chaizobetsera nyika chaizvoizvo. Chidzidzo pangozi dzesimba renyukireya chakamupwisa kuti ikoku kwakanga kuri kwoukoshi hukuru. Naizvozvo akabva pakoreji kuti apedzere nguva yake yose achidzidzisa vanhu pamusoro pechinetso chacho. Paakanga ava nezera ramakore 21, akabatira somutsinhanhisi womusangano mukuru wokurwisana nenyukireya. Gare gare akashanyirwa neZvapupu zvaJehovha ndokuratidzwa icho Bhaibheri rinotaura uye, pashure penguva yakati, akawana donzo chairoiro roupenyu. Pasina panikiro achiri kuitira hanya pamusoro pokuparadza kworudzi rwomunhu pasi, anoziva kuti Mwari achapedza izvi zvinetso kupfurikidza noUmambo hwake. Nokudaro, iye anobetsera vanhu kuisa kutenda muna ikoku.
Marielle akakuita donzo rake kufarikanya zvinhu izvo nyika inopa. Iye akaronda basa. Akafarikanya ‘zvinhu zvinofadza’ zvose zveLos Angeles, California, U.S.A., kubatanidza mitambo nemirimo. Asi paakatanga kufunda Bhaibheri, akasvika pakuziva ndokubatira Mwari, akaona kuti zvinhu izvozvo zvose zvakanga zvisina revo sei. Anotaura kuti upenyu hwake hwapfuma zvikuru kwazvo zvahwave kutsinhirana namadonzo aMwari.
Chiverengero chaavo vane upenyu hwakapfumiswa kupfurikidza nokudzidza donzo chairoiro roupenyu chiri kuwedzera namazana zuva riri rose. Kurarama mutsinhirano nedonzo iroro rechokwadi roupenyu kupfurikidza nokuita kuda kwaBaba vedu vokudenga, vane rudo kunoita musiano zvirokwazvo. Ndichimwe chinhu icho chinogona kuchinja upenyu hwako hwose nokuda kwezvakanakisisa. Tinokukoka kunzvera nhau yacho nokuda kwako umene. Upenyu hwako huchava hunogutsa zvikuru kana ukadaro.
[Mufananidzo uri papeji 19]
Mupi woupenyu akanga aine donzo muupenyu mukusika rudzi rwomunhu
[Mufananidzo uri papeji 20]
Mwari haana kurega donzo rake rokuva neparadhiso yapasi yakazadzwa nedzinza ravanhu rakakwana