Rusununguko Rworudzidziso muBulgaria
Mabhazi matanhatu akabva Bulgaria, akatakura nhume dzinopfuura 300 kuendesa ku“Vadi Vorusununguko” Kokorodzano Yoruwa, akasvika panhandare dzekokorodzano kunze kweThessalonica, Greece, China usiku, July 11, 1991. Nemhaka yehondo yavagari vemo yomuYugoslavia yayakavakidzana nayo nokusagadzikana kwakapararira munharaunda yacho, idzi nhume dzakanga dzisingakwanisi kuwana magwaro adzo okufamba nawo kusvikira pachinguvana chokupedzisira chaibvira.
PaChitatu masikati vashandi vapaimba yenhume muSofia, Bulgaria, vakashanda nguva yomuraudzo kuti vagadzire magwaro okufamba nawo. Nokudaro, mabhazi aikwanisa kutakura nhume dzaibva kumativi akasiana-siana eBulgaria panguva chaipo kuti adzisvitse kunzvimbo yekokorodzano usiku hwapamberi pokunge kokorodzano yaizotanga paChishanu, July 12.
Panguvayo, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakarambidzwa muBulgaria, naizvozvo wakava mufaro wakadini kuti ivo vafarikanye nokusununguka ushamwaridzani hwechiKristu munyika yakavakidzana nayo yeGreece! Horo iri panzvimbo yekokorodzano, ine chikuva chakashongedzwa nenzira inokwezva (inooneka mumufanikiso), yakanga yagadzirirwa vashanyi veBulgaria. Vashanyi vacho vakafara uye vakaonga sei kuva chaizvoizvo nepurogiramu yose ichipiwa mumutauro wavo vamene! Chakatanhamara zvikuru chakanga chiri chinoitika cheBhaibheri. Hurukuro yamaminiti 15 yokusuma inopeta chinoitika chacho yakapiwa muchiBulgaria, uye ipapo nhume dzacho dzakasangana nehama dzadzo dzechiGiriki kuzoona kuratidzwa kwacho.
Rutivi rukurusa rwekokorodzano yeBulgaria rwakanga rwuri hurukuro yorubhapatidzo pamangwanani eChitanhatu. Chiverengero chapamusoro chavane 342 chakapinda, uye 39 vakabhapatidzwa (vamwe vavo vanooneka vakamira pamusoro apa). Nhume dzacho dzakafadzwawo nokubudiswa, mumutauro wadzo dzimene, kwebhurocha rinonzi Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here? nechinyorwa chinonzi Bhuku Rangu reNhau dzeBhaibheri.
Asi mufaro mukurusa wayose wakamirira nhume nokukurumidza pashure pokunge dzadzokera kumusha kuBulgaria. Pana July 17, risingasviki vhiki pashure pekokorodzano, mibato yeZvapupu zvaJehovha yakanyoreswa pamutemo muBulgaria! Nenzira inoshamisa, mwedzi wakatevera vaparidzi veungano muBulgaria vakava neavhareji yamaawa 21,2 muushumiri hwavo. Tinogona kuva vanofara sei kuti rusununguko rworudzidziso rwuri kufarikanywa muimwezve nyika yokuEurope yokuMabvazuva!